2 ƲaKorinte 4
4
Pauro unoparidza Jesu Kristu nomŋoyo wose.
1Saka, ɀatinako kushumira uku, patakanzwirwa ŋgoni napo, hatineti; 2asi takaramba ɀinhu ɀakaʋanzika ɀinonyadza, tisiŋgafambi nokunyeŋgera, tisiŋgashatisi shoko raMŋari; asi pakuratidza kweɗu ɀokwaɗi, tinoɀitendisa kuhana dzaʋanhu ʋose pamberi paMŋari. 3Ɀino kana Evaŋgeri yeɗu yakafukidzwa, yakafukidzwa kunaʋanorashika; 4kunaʋasiŋgatendi ʋakapofumadzirwa ndaŋgariro namŋari wenyika ino, kuti ʋarege kuvenekerwa neciedza ceEvaŋgeri yokubginya kwaKristu, uri mufananidzo waMŋari. 5Nokuti hatiɀiparidzi isu, asi Kristu Jesu kuti ndiye Ishe; nesu kuti tiri ʋaranda ʋenyu nokuɗa kwaJesu 6Nokuti Mŋari, wakareʋa kuti ciedza ciɓuɗe parima, ndiye wakavenekera mumŋoyo yeɗu, kuti atipe ciedza cokuziʋa kubginya kwaMŋari kunoʋonekwa paciso caJesu Kristu.
7Asi fuma iyi tinayo mumidziyo yevu, kuti ʋukuru bgesimba bguʋe bgaMŋari, bgurege kuʋa bgeɗu. 8tinotambudzika pamatiʋi ose, asi hatimanikidzwi; tinokaŋganiswa, asi hatina‐kurasha mŋoyo; 9tinotambudzwa, asi hatinakusiyiwa; takawisirwa pasi, asi hatinakuparadzwa; 10tinoramba ticitakura ŋguʋa dzose mumuʋiri weɗu kufa kwaJesu, kuti noʋupenyu ʋo bgaJesu bguratidzwe mumuʋiri weɗu. 11Nokuti isu ʋapenyu tinogara ticiŋgoiswa pakufa nokuɗa kwaJesu, kuti noʋupenyu ʋo bgaJesu bguratidzwe munyama yeɗu inofa. 12Saiɀoɀo kufa kunoɓata matiri, asi ʋupenyu mamuri. 13Ɀino ɀatinomŋeya iwoyu wokutenda, seɀaɀakanyorwa, ɀicinzi: Ndakatenda, saka ndakataura; nesu ʋo tinotenda, saka tinotaura ʋo; 14ticiziʋa kuti iye wakamutsa Ishe Jesu, ucatimutsa ʋo isu pamŋe cete naJesu; agotiisa pamberi pake pamŋe cete nemi. 15Nokuti ɀinhu ɀose ɀinoitwa nokuɗa kwenyu, kuti nyasha ɀadzakawanzwa naʋazhinji, dziwanze kuʋoŋga, kuti Mŋari akudzwe.
Kutambudzika kwapano panyika ndokweŋguʋa ɗuku.
16Saka hatineti, asi kunyaŋge munhu weɗu wokunze ucipera hawo, munhu womukati unoʋandudzwa zuʋa rimŋe nerimŋe. 17Nokuti kutambudzika kweɗu, kwakareruka, kuri’po ciŋguʋa ciɗuku, kunotiitira kubginya kukuru kwakaiȿo‐naka kusiŋgaperi; 18tisiŋgatariri ɀinoʋonekwa, asi ɀisiŋgaʋonekwi; nokuti ɀinoʋonekwa ɀinopfuʋura, asi ɀisiŋgaʋonekwi ndeɀokusiŋgaperi.
Zvasarudzwa nguva ino
2 ƲaKorinte 4: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018