Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 Vakorinde 4:1-12

2 Vakorinde 4:1-12 SCLB

Naizvozvo, Mwari, nenyasha dzake, zvaakatipa basa iri hatirasi mwoyo. Takasarudza kusamboita zvinhu zvinonyadzisa nezvomuchivandevande. Takaramba kuita zvoujarijari kana kushatisa shoko raMwari. Asi tinozviratidza zvatiri kuhana yomunhu wose zvake takamira pachokwadi chizere pamberi paMwari. Kunyange zvazvo Shoko redu Rakanaka rakafukidzwa, rakafukidzwa chete kuna vari kuparara. Pane zvaivava, mwari wapasi pano akapofomadza pfungwa dzavasingatendi kuti varege kuona mwenje weShoko Rakanaka rembiri yaKristu, iye akatodzana naMwari. Isu hatizviparidzi asi watinoparidza ndiJesu Kristu saTenzi, isu tiri varanda venyu pamusana paJesu, nokuti iye Mwari ndiye akati, “Chiedza ngachivheneke murima,” ndiye akavhenekawo mumwoyo yedu, kuti atipe mwenje woruzivo rwembiri yaMwari iri muuso hwaKristu. Asi upfumi uhu tinaho huri muhari dzevhu, kuratidza kuti simba ramasimba ose nderaMwari, kwete redu. Tinotambudzwa nenzira dzakasiyana–siyana asi hatishai pokupunyuka napo, tinoshaiswa mazano asi hatirasi mwoyo; tinoshushwa asi hatisiiwi tiri toga; tinorigirwa pasi asi hatiparadzwi. Tinogara takaberekana narwo rufu rwaJesu kuti upenyu hwaJesu huratidzwewo mumiviri yedu. Paupenyu hwedu, tinogara takangotarisana narwo rufu pamusana paJesu kuti upenyu hwaJesu huratidzwe munyama yedu inofa. Naizvozvo, isu tinogara takafudzwa narwo rufu asi imi muri muupenyu.