Saka, zvatinako kushumira uku, patakanzwirwa ngoni napo, hatineti; asi takaramba zvinhu zvakavanzika zvinonyadza, tisingafambi nokunyengera, tisingashatisi shoko raMwari; asi pakuratidza kwedu zvokwadi, tinozvitendisa kuhana dzavanhu vose pamberi paMwari. Zvino kana Vhangeri yedu yakafukidzwa, yakafukidzwa kuna vanorasika; kuna vasingatendi vakapofumadzirwa ndangariro namwari wenyika ino, kuti varege kuvhenekerwa nechiedza cheVhangeri yokubwinya kwaKristu, uri mufananidzo waMwari. Nokuti hatizviparidzi isu, asi Kristu Jesu kuti ndiye Ishe; nesu kuti tiri varanda venyu nokuda kwaJesu. Nokuti Mwari, akareva kuti, “Chiedza chibude parima,” ndiye akavhenekera mumwoyo yedu, kuti atipe chiedza chokuziva kubwinya kwaMwari kunoonekwa pachiso chaJesu Kristu. Asi pfuma iyi tinayo mumidziyo yevhu, kuti ukuru hwesimba huve hwaMwari, hurege kuva hwedu. Tinotambudzika pamativi ose, asi hatimanikidzwi; tinokanganiswa, asi hatina kurasa mwoyo; tinotambudzwa, asi hatina kusiyiwa; takawisirwa pasi, asi hatina kuparadzwa; tinoramba tichitakura nguva dzose mumuviri wedu kufa kwaJesu, kuti noupenyuwo hwaJesu huratidzwe mumuviri wedu. Nokuti isu vapenyu tinogara tichingoiswa pakufa nokuda kwaJesu, kuti noupenyuwo hwaJesu huratidzwe munyama yedu inofa. Saizvozvo kufa kunobata matiri, asi upenyu mamuri.
Verenga chikamu 2 VaKorinde 4
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 2 VaKorinde 4:1-12
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo