2 Makoronike 7:11-22
2 Makoronike 7:11-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Soromoni paakapedza temberi yaJehovha nomuzinda wake, uye abudirira mukuita zvose zvaaiva nazvo mupfungwa dzake kuita mutemberi yaJehovha nomumuzinda wake, Jehovha akazviratidza kwaari usiku akati: “Ndanzwa munyengetero wako uye ndazvisarudzira nzvimbo ino setemberi yezvibayiro. “Kana ndikapfiga matenga kukasava nemvura inonaya, kana kuti ndikarayira mhashu kuti dziparadze nyika kana kuti ndikatuma denda pakati pavanhu vangu, kana vanhu vangu vanodaidzwa nezita rangu, vakazvininipisa, vakanyengetera vakatsvaga chiso changu, vakatendeuka kubva panzira dzavo dzakaipa, ipapo ndichavanzwa kubva kudenga uye ndicharegerera chivi chavo uye ndichaporesa nyika yavo. Zvino meso angu achaona uye nzeve dzangu dzichanzwa minyengetero ichapirwa munzvimbo ino. Ndasarudza ndikatsaura temberi ino kuti Zita rangu rivepo nokusingaperi. Meso angu nomwoyo wangu zvicharamba zviripo. “Kana uriwe, kana ukafamba pamberi pangu sezvakaitwa naDhavhidhi baba vako, uye ukaita zvose zvandichakurayira uye ukachengeta mitemo yangu nemirayiro yangu, ndichasimbisa chigaro chako choushe, sezvandakavimbisa Dhavhidhi baba vako pandakati, ‘Hauchazongokundikani kuva nomunhu achatonga Israeri.’ “Asi kana mukatsauka mukasiya mitemo nezvandakakurayirai, mukaenda kundoshumira vamwe vaMwari mukavanamata, ipapo ndichadzura Israeri kubva kunyika yangu, yandakavapa, uye ndicharasira kure temberi iyi yandakazvitsaurira Zita rangu. Ndichaiita tsumo nechiseko pakati pamarudzi ose. Uye kunyange temberi ino ichishamisa zvakadai, vose vachapfuura napairi vachakanuka vagoti, ‘Seiko Jehovha akaita chinhu chakadai kunyika ino nokutemberi iyi?’ Vanhu vachapindura vachiti, ‘Nokuti vakasiya Jehovha Mwari wamadzibaba avo, akavabudisa kubva muIjipiti uye vakanamatira kuna vamwe vamwari uye vachivanamata nokuvashumira, ndokusaka akauyisa njodzi iyi pavari.’ ”
2 Makoronike 7:11-22 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Saizvozvo Soromoni akapedza imba yaJehovha, neimba yamambo; zvose zvakanga zviri mumwoyo waSoromoni kuita muimba yaJehovha, nomumba make, wakazviita kwazvo. Ipapo Jehovha akazviratidza kuna Soromoni usiku, akati kwaari, “Ndanzwa kunyengetera kwako, ndazvitsaurira nzvimbo iyi, ive imba yokubayira zvibayiro. Kana ndichinge ndadzivira kudenga, kuti mvura irege kunaya, kana zvimwe ndichinge ndaraira mhashu, kuti dzipedze nyika, kana zvimwe ndichinge ndatuma denda pakati pavanhu vangu; kana vanhu vangu, vakatumidzwa nezita rangu, vakazvininipisa, vakanyengetera nokutsvaka chiso changu, nokurega nzira dzavo dzakaipa; ipapo ndichanzwa kudenga ndichavakanganwira zvivi zvavo, nokupodza nyika yavo. Zvino meso angu achasvinura, nzeve dzangu dzichateerera ndinzwe munyengetero unoitwa panzvimbo iyi. “Nokuti zvino ndatsaura imba ino nokuiita tsvene, zita rangu rivepo nokusingaperi; meso angu nomwoyo wangu zvichavapo nokusingaperi. “Kana uriwe, kana ukafamba pamberi pangu sababa vako, Dhavhidhi, ukaita zvose zvandakakuraira, ukachengeta zvandatema nezvandatonga, ipapo ini ndichasimbisa chigaro chako choushe, sezvandakapikira baba vako Dhavhidhi, ndichiti, ‘Haungashaiwi munhu achabata ushe hwaIsiraeri.’ Asi kana mukatsauka, mukasiya zvandatema nezvandaraira zvandakaisa pamberi penyu, mukandoshumira vamwe vamwari, mukavanamata; ipapo ndichavadzura nemidzi panyika yangu yandakavapa, neimba iyi yandakatsaurira zita rangu, ndichairashira kure ndirege kuiona, ndiite shumo nechiseko pakati pavanhu vose. “Neimba iyi kunyange yakakwirira ikadai, vose vanopfuura nayo vachakanuka, vachiti, ‘Jehovha wakaitireiko kudai nenyika ino, uye neimba iyi?’ Vachapindura, vachiti, ‘Nokuti vakasiya Jehovha, Mwari wamadzibaba avo, wakavabudisa panyika yeIjipiti, vakanamatira vamwe vamwari, vakavanamata, nokuvashumira; saka Jehovha akavapinza panjodzi idzi dzose.’ ”
2 Makoronike 7:11-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Saizvozvo Soromoni akapedza kuvaka imba yaTenzi nomuzinda wamambo nezvose zvaaiva nazvo mumwoyo zvokuita mumba yaTenzi nomumuzinda make akanyatsozviita. Tenzi akazviratidza usiku kuna Soromoni akamuti, “Munamato wako ndaunzwa, ndasarudza nzvimbo ino kuti ive yangu kuti ive imba yokupirira zvibayiro. Ndikange ndapfiga matenga kuti arege kunayisa mvura kana kuti ndikatuma mhashu kuti dzirozve nyika ino kunyange kutuma denda mukati mavanhu vangu; kana vanhu vanodaidzwa nezita rangu vakazvirereka, vakanamata vava kutsvaka kuti ndivacheukewo, vakasiya nzira dzavo dzakaipa; pakadaro ini ndichavanzwa kudenga uku, ndigovaregerera chitadzo chavo ndigoporesawo nyika yavo. Zvino meso angu achange akatarisa, nzeve dzangu dzakanyatsoteerera munamato unoitwa panzvimbo ino. Zvino ndasarudza imba ino ndikaiita kuti iere, kuitira kuti zita rangu rive pairi nokusingapere. Ziso rangu nomwoyo wangu zvichange zviri pairi narini wose. Kana uriwe, dai zvako ukaita mufambiro wandinoda sezvaiita baba vako Dhavhidhi uchiita zvose sokuudza kwandakakuita uchichengeta murao yangu nezvirevo zvangu. Kana wadaro ndichaita kuti umambo hwako hudzike midzi, sokutsidzirana kwandakaita nababa vako Dhavhidhi ndichiti, ‘Hazvichafa zvakamboitika kuti ini ndishaye munhu womumba mako wokuzotonga Isiraeri.’ “Asi kana mukazotsauka zviye zvokutofuratira zvenyu mirao yangu nemitemo yangu yandakakupai moenda kundonamata vamwe vamwari muchivapfugamira, ini ndopandichakutipurai munyika ino yandakupai. Kanawo imba iyoyi yandaeresera zita rangu, ndichaibvisa zvokusambodazve kuzoiona mumaziso mangu. Ndichaita kuti izvozvi izvi zvive setsumo yavanhu nechiseko chenyika mukati memarudzi ose. “Kunyangewo pamba iyoyi iyi ine mukurumbira kudai, vapfuuri nenzira vose vachanyatsoti kanha kunana vachishamiswa nazvo, vachitozvimvunzawo vachiti, ‘Ko Tenzi chaadariro nyika ino nemba iyi chii?’ Ivo vachati, ‘Pamusana pokuti vakafuratira Tenzi, Mwari wavo, nyakuburitsa madzitateguru avo kuIjipiti ndokusimba navamwe vamwari vovapfugamira vachivanamata, ndokusaka akavapinza munyatwa yose iyi.’ ”
2 Makoronike 7:11-22 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Saiɀoɀo Soromoni akapedza imba yaJehova, neimba yamambo; ɀose ɀakaŋga ɀiri mumŋoyo waSoromoni kuita muimba yaJehova, nomumba make, wakaɀiita kwaɀo. Ipapo Jehova akaɀiratidza kunaSoromoni ʋusiku, akati kwaari: Ndanzwa kunyeŋgetera kwako, ndaɀitsaurira nɀimbo iyi, iʋe imba yokuɓayira ɀiɓayiro. Kana ndiciŋge ndadziʋira kuɗeŋga, kuti mvura irege kunaya, kana ɀimŋe ndiciŋge ndaraira mhashu, kuti dzipedze nyika, kana ɀimŋe ndiciŋge ndatuma ɗenda pakati paʋanhu ʋaŋgu; kana ʋanhu ʋaŋgu, ʋakatumidzwa nezita raŋgu, ʋakaɀininipisa, ʋakanyeŋgetera nokutȿaka ciso caŋgu, nokurega nzira dzaʋo dzakaipa; ipapo ndicanzwa kuɗeŋga ndicaʋakaŋganwira ɀiʋi ɀaʋo, nokupodza nyika yaʋo. Ɀino meso aŋgu acaȿinura, nzeʋe dzaŋgu dzicaterera ndinzwe munyeŋgetero unoitwa panɀimbo iyi. Nokuti ɀino ndatsaura imba ino nokuiita tȿene, zita raŋgu riʋe’po nokusiŋgaperi; meso aŋgu nomŋoyo waŋgu ɀicaʋa’po nokusiŋgaperi. Kana uri’we, kana ukafamba pamberi paŋgu saɓaɓa ʋako Davidi, ukaita ɀose ɀandakakuraira, ukaceŋgeta ɀandatema neɀandatoŋga, ipapo ini ndicasimbisa cigaro cako coʋushe, seɀandakapikira ɓaɓa ʋako Davidi, ndiciti: Hauŋgashaiwi munhu ucaɓata ʋushe bgaIsraeri. Asi kana mukatsauka, mukasiya ɀandatema neɀandaraira ɀandakaisa pamberi penyu, mukandoshumira ʋamŋe ʋamŋari, mukaʋanamata; ipapo ndicaʋadzura nemidzi panyika yaŋgu yandakaʋapa, neimba iyi yandakatsaurira zita raŋgu, ndicairashira kure ndirege kuiʋona, ndiiite shumo neciseko pakati paʋanhu ʋose. Neimba iyi kunyaŋge yakakwirira ikaɗai, ʋose ʋanopfuʋura nayo ʋacakanuka, ʋaciti: Jehova wakaitireiko kuɗai nenyika ino, ʋuye neimba iyi? Ʋacapindura, ʋaciti: Nokuti ʋakasiya Jehova, Mŋari wamadziɓaɓa aʋo, wakaʋaɓuɗisa panyika yeEgipita, ʋakanamatira ʋamŋe ʋamŋari, ʋakaʋanamata, nokuʋashumira; saka Jehova wakaʋapinza panjodzi idzi dzose.
2 Makoronike 7:11-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)