Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

II Makoronike 7

7
Jehova unopinda tembere. Ɀiɓayiro ɀaSoromoni, nemitambo.
1Ɀino Soromoni wakati apedza kunyeŋgetera, mŋoto ndokuɓuruka kuɗeŋga, ukapedza cipiriso cinopiswa neɀimŋe ɀiɓayiro; kubginya kwaJehova kukazadza imba. 2Ʋaprista ʋakakoniwa kupinda muimba yaJehova, nokuti kubginya kwaJehova kwakaŋga kwazadza imba yaJehova. 3Ʋana ʋaIsraeri ʋose ʋakatarira mŋoto uciɓuruka kuɗeŋga nokubginya kwaJehova kucigara pamsoro peimba; ʋakakotamira pasi neɀiso ɀaʋo pakaroŋgwa namabge, ʋakanamata nokuʋoŋga Jehova, ʋaciti: Nokuti wakanaka, nokuti nyasha dzake dzinogara nokusiŋgaperi. 4Ipapo mambo naʋanhu ʋose ʋakaɓayira ɀiɓayiro pamberi paJehova. 5Mambo Soromoni akaɓayira ciɓayiro cenzombe dzineɀuru ɀinamakumi maʋiri neɀiʋiri, namakwai aneɀuru ɀinezana namakumi maʋiri. Saiɀoɀo mambo naʋanhu ʋose ʋakatsaurira Mŋari imba iyo. 6Ʋaprista ʋakamira’po, seɀaʋakagoʋerwa maɓasa aʋo; naʋaRevi ʋo ʋaneɀokuridzira Jehova, ɀakaitwa namambo Davidi, ɀokuʋoŋga Jehova naɀo, nokuti nyasha dzake dzinogara nokusiŋgaperi, paŋguʋa iya Davidi yaakakudza Jehova naɀo; ʋaprista ʋakaridza hwamanda pamberi paʋo, ʋaIsraeri ʋose ʋakamira. 7Soromoni akatsaura ʋo nɀimbo yapakati yoruʋazhe rwakaŋga ruri pamberi peimba yaJehova; nokuti ndi’po paakaɓayira ɀipiriso ɀinopiswa, namafuta eɀipiriso ɀokuyananisa; nokuti artari yendarira yakaitwa naSoromoni yakaŋga isiŋgagoni kuriŋgana cipiriso cinopiswa, necipiriso coʋupfu, namafuta. 8Naiɀoɀo Soromoni akatamba mutambo paŋguʋa iyo mazuʋa manomŋe, naʋaIsraeri ʋose pamŋe cete naye, ikaita ʋuŋgano huru‐huru, kubva paʋanopinda paHamati, kuȿikira parukoʋa rweEgipita. 9Ɀino pazuʋa rorusere ʋakatamba mutambo wokupedzisira; nokuti ʋakatsaura artari mazuʋa manomŋe, ʋakaita mutambo mazuʋa manomŋe. 10Ɀino pazuʋa ramakumi maʋiri namatatu romŋedzi wecinomŋe akaendisa ʋanhu kumatente aʋo nemŋoyo yakaŋga icifara, icifarira ɀakanaka ɀose ɀakaitira Jehova Davidi, naSoromoni, naʋanhu ʋake ʋaIsraeri.
11Saiɀoɀo Soromoni akapedza imba yaJehova, neimba yamambo; ɀose ɀakaŋga ɀiri mumŋoyo waSoromoni kuita muimba yaJehova, nomumba make, wakaɀiita kwaɀo. 12Ipapo Jehova akaɀiratidza kunaSoromoni ʋusiku, akati kwaari: Ndanzwa kunyeŋgetera kwako, ndaɀitsaurira nɀimbo iyi, iʋe imba yokuɓayira ɀiɓayiro. 13Kana ndiciŋge ndadziʋira kuɗeŋga, kuti mvura irege kunaya, kana ɀimŋe ndiciŋge ndaraira mhashu, kuti dzipedze nyika, kana ɀimŋe ndiciŋge ndatuma ɗenda pakati paʋanhu ʋaŋgu; 14kana ʋanhu ʋaŋgu, ʋakatumidzwa nezita raŋgu, ʋakaɀininipisa, ʋakanyeŋgetera nokutȿaka ciso caŋgu, nokurega nzira dzaʋo dzakaipa; ipapo ndicanzwa kuɗeŋga ndicaʋakaŋganwira ɀiʋi ɀaʋo, nokupodza nyika yaʋo. 15Ɀino meso aŋgu acaȿinura, nzeʋe dzaŋgu dzicaterera ndinzwe munyeŋgetero unoitwa panɀimbo iyi. 16Nokuti ɀino ndatsaura imba ino nokuiita tȿene, zita raŋgu riʋe’po nokusiŋgaperi; meso aŋgu nomŋoyo waŋgu ɀicaʋa’po nokusiŋgaperi. 17Kana uri’we, kana ukafamba pamberi paŋgu saɓaɓa ʋako Davidi, ukaita ɀose ɀandakakuraira, ukaceŋgeta ɀandatema neɀandatoŋga, 18ipapo ini ndicasimbisa cigaro cako coʋushe, seɀandakapikira ɓaɓa ʋako Davidi, ndiciti: Hauŋgashaiwi munhu ucaɓata ʋushe bgaIsraeri. 19Asi kana mukatsauka, mukasiya ɀandatema neɀandaraira ɀandakaisa pamberi penyu, mukandoshumira ʋamŋe ʋamŋari, mukaʋanamata; 20ipapo ndicaʋadzura nemidzi panyika yaŋgu yandakaʋapa, neimba iyi yandakatsaurira zita raŋgu, ndicairashira kure ndirege kuiʋona, ndiiite shumo neciseko pakati paʋanhu ʋose. 21Neimba iyi kunyaŋge yakakwirira ikaɗai, ʋose ʋanopfuʋura nayo ʋacakanuka, ʋaciti: Jehova wakaitireiko kuɗai nenyika ino, ʋuye neimba iyi? 22Ʋacapindura, ʋaciti: Nokuti ʋakasiya Jehova, Mŋari wamadziɓaɓa aʋo, wakaʋaɓuɗisa panyika yeEgipita, ʋakanamatira ʋamŋe ʋamŋari, ʋakaʋanamata, nokuʋashumira; saka Jehova wakaʋapinza panjodzi idzi dzose.

Zvasarudzwa nguva ino

II Makoronike 7: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda