Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

II Makoronike 8

8
Ɀimŋe ɀakaʋakwa naSoromoni.
1Makore makumi maʋiri akati apera, Soromoni aakaʋaka nawo imba yaJehova neimba yake, 2Soromoni akaʋaka maguta akaŋga apiwa Soromoni naHurami, akagarisa ʋana ʋaIsraeri imomo.
3Soromoni akaenda Hamati‐zoba, akarikunda. 4Akaʋaka Tadmori murenje, namaguta ose amatura aakaʋaka paHamati. 5Akaʋaka ʋo Beti‐horoni rokumsoro neBeti‐horoni rezasi, ari maguta akakombga namaȿiŋgo, anamasuʋo, namazariro; 6neBaarati, namaguta ose amatura akaŋga ari aSoromoni, namaguta ose eŋgoro dzake, namaguta aʋataȿi ʋamabiza ake, neɀose Soromoni ɀaakaŋga aciɗa kuɀiʋakira paJerusarema, napaRebanoni, napanyika yose yakaɓatwa naye. 7Kana ʋari ʋanhu ʋose ʋakaŋga ʋasara paʋaHeti, naʋaAmori, naʋaPerizi, naʋaHivi, naʋaJebusi, ʋakaŋga ʋasi ʋaʋaIsraeri; 8paʋana ʋaʋo ʋakaŋga ʋasara panyika shure kwaʋo, ʋasati ʋakaparadzwa naʋaIsraeri, pakati paʋo Soromoni wakaraira cibaro caʋaranda kuȿikira nhasi. 9Asi Soromoni haana‐kuita ʋaranda pakati paʋana ʋaIsraeri, asi iʋo ʋakaŋga ʋari ʋarwi, naʋakuru ʋaʋatuŋgamiriri ʋake ʋehondo, naʋarairi ʋeŋgoro dzake, naʋataȿi ʋamabiza ake. 10Ndiʋo ʋaiʋa ʋatariri ʋakuru ʋamambo Soromoni, ʋaiʋa namazana maʋiri namakumi mashanu, ʋairaira ʋanhu. 11Ɀino Soromoni akandotora mukunda waFarao muguta raDavidi, akamuisa kuimba yaakaŋga amuʋakira; nokuti wakati: Mukadzi waŋgu haafaniri kugara muimba yaDavidi mambo waIsraeri, nokuti panɀimbo paȿika areka yaJehova patȿene.
12Ɀino Soromoni wakaɓayira Jehova ɀipiriso ɀinopiswa paartari yaJehova, yaakaŋga aʋaka pamberi peɓiraʋira, 13seɀaʋaifanira kuita zuʋa rimŋe nerimŋe, ʋakaɓayira seɀaʋakaŋga ʋarairwa naMosesi, pamasaɓata, napakugara kwomŋedzi, napamitambo yakatarwa, katatu pagore, pamutambo weɀiŋgwa ɀisinemvuʋiro, napamutambo wamaviki, napamutambo wamatumba. 14Akagadza, seɀaakarairwa naDavidi ɓaɓa ʋake, mapoka aʋaprista pamaɓasa aʋo, naʋaRevi pamaɓasa aʋo, kuti ʋarumbidze nokuɓata pamberi paʋaprista, seɀaʋaifanira kuita zuʋa rimŋe nerimŋe; naʋatariri ʋemikoʋa pamapoka aʋo pasuʋo rimŋe nerimŋe; nokuti ndiɀo ɀakaŋga ɀarairwa naDavidi munhu waMŋari. 15Haʋana‐kutsauka pamurairo wamambo kuʋaprista naʋaRevi pamsoro peɀinhu ɀose napamsoro pefuma. 16Ɀino maɓasa ose aSoromoni akapera kugadzirwa pazuʋa rokuʋambga kweimba kuȿikira pakupera kwayo. Imba yaJehova ikazopera cose.
17Ipapo Soromoni akaenda Ezioni‐geberi neEroti, pamhenderekedzo dzeguŋgwa panyika yaEdomi. 18Hurami akamutumira naʋaranda ʋake ɀikepe, naʋaranda ʋaiziʋa guŋgwa kwaɀo; ʋakaenda Ofiri naʋaranda ʋaSoromoni, ʋakandotora’po ndarama yakaȿika matarenta anamazana manna namakumi mashanu,#8:18 Mari ineŋge £2,457,000. ʋakaʋuya nayo kunamambo Soromoni.

Zvasarudzwa nguva ino

II Makoronike 8: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda