Saizvozvo Soromoni akapedza kuvaka imba yaTenzi nomuzinda wamambo nezvose zvaaiva nazvo mumwoyo zvokuita mumba yaTenzi nomumuzinda make akanyatsozviita. Tenzi akazviratidza usiku kuna Soromoni akamuti, “Munamato wako ndaunzwa, ndasarudza nzvimbo ino kuti ive yangu kuti ive imba yokupirira zvibayiro. Ndikange ndapfiga matenga kuti arege kunayisa mvura kana kuti ndikatuma mhashu kuti dzirozve nyika ino kunyange kutuma denda mukati mavanhu vangu; kana vanhu vanodaidzwa nezita rangu vakazvirereka, vakanamata vava kutsvaka kuti ndivacheukewo, vakasiya nzira dzavo dzakaipa; pakadaro ini ndichavanzwa kudenga uku, ndigovaregerera chitadzo chavo ndigoporesawo nyika yavo. Zvino meso angu achange akatarisa, nzeve dzangu dzakanyatsoteerera munamato unoitwa panzvimbo ino. Zvino ndasarudza imba ino ndikaiita kuti iere, kuitira kuti zita rangu rive pairi nokusingapere. Ziso rangu nomwoyo wangu zvichange zviri pairi narini wose. Kana uriwe, dai zvako ukaita mufambiro wandinoda sezvaiita baba vako Dhavhidhi uchiita zvose sokuudza kwandakakuita uchichengeta murao yangu nezvirevo zvangu. Kana wadaro ndichaita kuti umambo hwako hudzike midzi, sokutsidzirana kwandakaita nababa vako Dhavhidhi ndichiti, ‘Hazvichafa zvakamboitika kuti ini ndishaye munhu womumba mako wokuzotonga Isiraeri.’ “Asi kana mukazotsauka zviye zvokutofuratira zvenyu mirao yangu nemitemo yangu yandakakupai moenda kundonamata vamwe vamwari muchivapfugamira, ini ndopandichakutipurai munyika ino yandakupai. Kanawo imba iyoyi yandaeresera zita rangu, ndichaibvisa zvokusambodazve kuzoiona mumaziso mangu. Ndichaita kuti izvozvi izvi zvive setsumo yavanhu nechiseko chenyika mukati memarudzi ose. “Kunyangewo pamba iyoyi iyi ine mukurumbira kudai, vapfuuri nenzira vose vachanyatsoti kanha kunana vachishamiswa nazvo, vachitozvimvunzawo vachiti, ‘Ko Tenzi chaadariro nyika ino nemba iyi chii?’ Ivo vachati, ‘Pamusana pokuti vakafuratira Tenzi, Mwari wavo, nyakuburitsa madzitateguru avo kuIjipiti ndokusimba navamwe vamwari vovapfugamira vachivanamata, ndokusaka akavapinza munyatwa yose iyi.’ ”
Verenga chikamu 2 Nhoroondo 7
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 2 Nhoroondo 7:11-22
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo