Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 Nhoroondo 7

7
Kuteketererwa kuna Mwari kwemba yaTenzi
(1 Madzi 8:62–66)
1Zvino kuzoti Soromoni apedza kunamata, moto wakatozomoka kudenga ukaroromesa mupiro wokupisa nezvibayiro, kupenya kwokuvapo kwaTenzi kukazadza Temberi yacho. 2Vapristi havana kugona kupinda mumba yaTenzi pamusana pokuti kupenya kwokuvapo kwaTenzi kwakazadza imba yaTenzi iyoyo. 3Pakaona vanhu vose veIsiraeri kutozomoka kwakaita moto nokupenya kwokuvapo kwaTenzi paTemberi, vakati kota kota pasi nouso panhandare yakanga yakagadzirwa, vakanamata vakatenda Tenzi vachiti,
“Nokuti wakanaka,
uye mwoyochena wake hauperi.”
4Mambo navanhu vose veIsiraeri vakapira zvibayiro kuna Tenzi. 5Mambo Soromoni akapira zvibayiro zviuru makumi maviri emombe, nehwai zviuru zana namakumi maviri, nokudaro mambo navanhu vose vakateketerera imba iyoyo kuna Mwari. 6Vapristi vakamira munzvimbo dzavo, vaRevhiwo vaine zvokuridzisa mumhanzi waTenzi zvakagadzirwa namambo Dhavhidhi kuitira kurumbidza Tenzi pamusana pokuti mwoyochena wake hauperi. Dhavhidhi paaivarumbidzisa Mwari, vapristi vairidza mabhosvo vakatarisana navo, vaIsiraeri vose vakamira. 7Soromoni akaturira kuna Mwari chimwe chidzengerere chapakati poruvanze pokunge toda kupinda mumba yaTenzi. Ndipo paakapirira mupiro wokupisa namafuta omupiro wokuwadzana. Chakanetsa ndechokuti atari iya yendaira yakagadzirwa naSoromoni, yakanga isingakwane kuisa pairi mipiro yokupisa nemipiro yeupfu hwembeswana namafuta.
8Panguvawo iyoyo Soromoni nevaIsiraeri vose vaaiva navo, vakaita mabiko okupemberera kwamazuva manomwe. Vakanga vari gungano guru kwazvo ravanhu vokubva pokunge tava kuda kusvika kuHamati kusvikira kuKakova keIjipiti. 9Pazuva rechisere vakaita musangano mukuru wezvokunamata nokuti vakanga vateketerera atari kuna Mwari kwemazuva manomwe, vakachengetawo mazuva makuru kwamazuva manomwe. 10Pazuva rechimakumi maviri nechitatu romwedzi wechinomwe akaparadza musasa woonekana navanhu kuti vaende kumisha yavo. Vakaenda vasisazive pokuisa mwoyo nokufarira zvinhu zvakanaka zvakanga zvaitwa naTenzi kune muranda wake Dhavhidhi nokuna Soromoni nokuvanhu vake vaIsiraeri.
Mhinduro yaMwari kuna Soromoni
(1 Madzi 9:1–9)
11Saizvozvo Soromoni akapedza kuvaka imba yaTenzi nomuzinda wamambo nezvose zvaaiva nazvo mumwoyo zvokuita mumba yaTenzi nomumuzinda make akanyatsozviita. 12Tenzi akazviratidza usiku kuna Soromoni akamuti,
“Munamato wako ndaunzwa,
ndasarudza nzvimbo ino kuti ive
yangu kuti ive imba
yokupirira zvibayiro.
13Ndikange ndapfiga matenga
kuti arege kunayisa mvura
kana kuti ndikatuma mhashu kuti
dzirozve nyika ino kunyange
kutuma denda mukati mavanhu vangu;
14kana vanhu vanodaidzwa
nezita rangu vakazvirereka,
vakanamata vava kutsvaka kuti ndivacheukewo,
vakasiya nzira dzavo dzakaipa;
pakadaro ini ndichavanzwa
kudenga uku, ndigovaregerera
chitadzo chavo ndigoporesawo nyika yavo.
15Zvino meso angu achange
akatarisa, nzeve dzangu
dzakanyatsoteerera munamato
unoitwa panzvimbo ino.
16Zvino ndasarudza imba
ino ndikaiita kuti iere, kuitira
kuti zita rangu rive
pairi nokusingapere.
Ziso rangu nomwoyo
wangu zvichange zviri pairi narini wose.
17Kana uriwe, dai zvako
ukaita mufambiro wandinoda
sezvaiita baba vako Dhavhidhi
uchiita zvose sokuudza
kwandakakuita uchichengeta
murao yangu nezvirevo zvangu.
18Kana wadaro ndichaita
kuti umambo hwako hudzike midzi,
sokutsidzirana kwandakaita
nababa vako Dhavhidhi ndichiti,
‘Hazvichafa zvakamboitika kuti
ini ndishaye munhu womumba mako
wokuzotonga Isiraeri.’
19“Asi kana mukazotsauka
zviye zvokutofuratira zvenyu
mirao yangu nemitemo yangu
yandakakupai moenda kundonamata
vamwe vamwari muchivapfugamira,
20ini ndopandichakutipurai
munyika ino yandakupai.
Kanawo imba iyoyi yandaeresera
zita rangu, ndichaibvisa
zvokusambodazve kuzoiona mumaziso mangu.
Ndichaita kuti izvozvi izvi
zvive setsumo yavanhu
nechiseko chenyika mukati memarudzi ose.
21“Kunyangewo pamba
iyoyi iyi ine mukurumbira kudai,
vapfuuri nenzira vose
vachanyatsoti kanha kunana
vachishamiswa nazvo,
vachitozvimvunzawo vachiti, ‘Ko Tenzi
chaadariro nyika ino nemba iyi chii?’
22Ivo vachati, ‘Pamusana pokuti
vakafuratira Tenzi, Mwari
wavo, nyakuburitsa madzitateguru
avo kuIjipiti ndokusimba
navamwe vamwari vovapfugamira
vachivanamata, ndokusaka
akavapinza munyatwa yose iyi.’ ”

Zvasarudzwa nguva ino

2 Nhoroondo 7: SCLB

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda