2 Nhoroondo 8
8
Zvimwe zvakaitwa naSoromoni
(2 Nhor 9:10–28)
1Mushure memakore makumi maviri okunge Soromoni avaka dzimba idzi dziri mbiri dzinoti imba yaTenzi nomuzinda wake, 2iye Soromoni akavaka maguta aakanga apiwa naHuramu akandogarisa vanhu veIsiraeri maari. 3Soromoni akazoenda kuHamatizobha akarikurira. 4Akavaka Tadhimori kurenje, namaguta ose okuchengetera zvinhu aakavaka muHamati. 5Akavakawo Bhetihoroni rokumusoro neBhetihoroni renyasi ari maguta akavakirirwa netsvingo aine misuo mikuru nezvihuri. 6Akavakawo Bhaarati namamwe maguta ose okuchengetera zvinhu aakanga ainawo iye Soromoni namaguta ose engoro dzake dzehondo dzamabhiza namaguta avachairi vadzo uyewo nezvimwe zvose zvaaida kuvaka muJerusaremu nokuRebhanoni nomunyika yose yaaitonga. 7Vanhu vose vasiri vechiIsiraeri vakasara pakati pevaHiti navaAmori navaPerizi navaHivhi navaJebhusi, 8zvizukuru zvakasara zvaivapo munyika imomo mushure mavo zvisina kutsakatiswa nevaIsiraeri, ivava ava ndivo vakapinzwa mubasa rechibharo naSoromoni, ndozvavari nanhasi uno. 9Asi vechiIsiraeri Soromoni haana kuvaita varanda vebasa rake. Ndivo vaiva varwi vehondo namakurukota ake navatungamiriri vehondo navakuru vakuru vomungoro dzake dzehondo dzamabhiza navachairi vadzo. 10Ivava ndiwo makurukota makuru okwamambo Soromoni vari mazana maviri namakumi mashanu vaiva nebasa rokutonga vamwe.
11Soromoni akatamisa mukunda waFarao kuguta raDhavhidhi akamuendesa kumba yaakanga amuvakira. Raaiva naro nderokuti, “Mudzimai wangu uyu haangagare mumuzinda waDhavhidhi mambo weIsiraeri pamusana pokuti pose pakambosvikwa nebhokisi raTenzi rechitenderano, panoera.”
12Soromoni aipira mipiro yokupisa kuna Tenzi paatari yaTenzi yaakanga avakira pamberi pekamba kapamusuo petembere 13maererano nezvaidiwa zuva nezuva achitevedza mutemo waMosesi wemaSabata nowokugara kwemwedzi newemazuva makuru matatu aya anoti mazuva makuru echingwa chisina mbiriso, nezuva guru rokupemberera mavhiki namazuva makuru amatumba. 14Sezvirongwa zvababa wake akarongera mapato avapristi basa rawo rokuita. Akarongerawo vaRevhi basa ravo rokurumbidza nerokushanda navapristi sezvaidikanwa zuva nezuva. Akarongerawo vokuchengetedza misuo mukuru muzvikwata zvavo zvokuchengetedza misuo mukuru yacho nokuti ndozvakanga zvanzi nomunhu waMwari Dhavhidhi zvizoitwa. 15Hapana chavakatsaudzira kuita pane zvakanzi namambo vapristi nevaRevhi vaite zvainangana nechipi nechipi zvacho kana nezvemaichengeterwa upfumi.
16Ndiko kupedzeswa kwakaitwa basa rose raSoromoni iri kubvira zuva rakatangwa kuvakwa ugaro hwemba yaTenzi kusvikira yapera. Saka imba yaTenzi yakabva yapera kuvakwa.
17Soromoni akaenda kuEzionigebheru nokuEroti riri mumahombekombe megungwa kunyika yeEdhomu. 18Huramu akamutumira machinda ake nengarava namachinda nyanzvi dzezvokufamba mugungwa vakaenda kuOfiri pamwechete namachinda aSoromoni. Vakandounza ndarama inorema makirogiramu anopfuura zviuru gumi nezvishanu vakauya nayo kuna mambo Soromoni.
Zvasarudzwa nguva ino
2 Nhoroondo 8: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.