Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

II Makoronike 7:11-22

II Makoronike 7:11-22 SUB1949

Saiɀoɀo Soromoni akapedza imba yaJehova, neimba yamambo; ɀose ɀakaŋga ɀiri mumŋoyo waSoromoni kuita muimba yaJehova, nomumba make, wakaɀiita kwaɀo. Ipapo Jehova akaɀiratidza kunaSoromoni ʋusiku, akati kwaari: Ndanzwa kunyeŋgetera kwako, ndaɀitsaurira nɀimbo iyi, iʋe imba yokuɓayira ɀiɓayiro. Kana ndiciŋge ndadziʋira kuɗeŋga, kuti mvura irege kunaya, kana ɀimŋe ndiciŋge ndaraira mhashu, kuti dzipedze nyika, kana ɀimŋe ndiciŋge ndatuma ɗenda pakati paʋanhu ʋaŋgu; kana ʋanhu ʋaŋgu, ʋakatumidzwa nezita raŋgu, ʋakaɀininipisa, ʋakanyeŋgetera nokutȿaka ciso caŋgu, nokurega nzira dzaʋo dzakaipa; ipapo ndicanzwa kuɗeŋga ndicaʋakaŋganwira ɀiʋi ɀaʋo, nokupodza nyika yaʋo. Ɀino meso aŋgu acaȿinura, nzeʋe dzaŋgu dzicaterera ndinzwe munyeŋgetero unoitwa panɀimbo iyi. Nokuti ɀino ndatsaura imba ino nokuiita tȿene, zita raŋgu riʋe’po nokusiŋgaperi; meso aŋgu nomŋoyo waŋgu ɀicaʋa’po nokusiŋgaperi. Kana uri’we, kana ukafamba pamberi paŋgu saɓaɓa ʋako Davidi, ukaita ɀose ɀandakakuraira, ukaceŋgeta ɀandatema neɀandatoŋga, ipapo ini ndicasimbisa cigaro cako coʋushe, seɀandakapikira ɓaɓa ʋako Davidi, ndiciti: Hauŋgashaiwi munhu ucaɓata ʋushe bgaIsraeri. Asi kana mukatsauka, mukasiya ɀandatema neɀandaraira ɀandakaisa pamberi penyu, mukandoshumira ʋamŋe ʋamŋari, mukaʋanamata; ipapo ndicaʋadzura nemidzi panyika yaŋgu yandakaʋapa, neimba iyi yandakatsaurira zita raŋgu, ndicairashira kure ndirege kuiʋona, ndiiite shumo neciseko pakati paʋanhu ʋose. Neimba iyi kunyaŋge yakakwirira ikaɗai, ʋose ʋanopfuʋura nayo ʋacakanuka, ʋaciti: Jehova wakaitireiko kuɗai nenyika ino, ʋuye neimba iyi? Ʋacapindura, ʋaciti: Nokuti ʋakasiya Jehova, Mŋari wamadziɓaɓa aʋo, wakaʋaɓuɗisa panyika yeEgipita, ʋakanamatira ʋamŋe ʋamŋari, ʋakaʋanamata, nokuʋashumira; saka Jehova wakaʋapinza panjodzi idzi dzose.