2 Makoronike 22:1-9
2 Makoronike 22:1-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Vanhu veJerusarema vakaita Ahazia, mwanakomana waJehoramu mudiki pane vose, mambo panzvimbo yake, nokuti vapambi vakanga vauya navaArabhu muJudha, vakanga vauraya vamwe vanakomana vake vakuru. Saka Ahazia, mwanakomana waJehoramu mambo weJudha, akatanga kutonga. Ahazia aiva namakore makumi maviri namaviri paakava mambo, uye akatonga muJerusarema kwegore rimwe chete. Mai vake vainzi Ataria, muzukuru waOmuri. Iyewo akafamba munzira dzeimba yaAhabhu nokuti mai vake vaimukurudzira kuita zvakaipa. Akaita zvakaipa pamberi paJehovha sezvakanga zvaitwa neveimba yaAhabhu nokuti baba vake pavakafa, ivo vakatanga kumupa mazano. Akateverazve kurayira kwavo paakaenda naJoramu mwanakomana waAhabhu mambo weIsraeri kuhondo vachirwisana naHazaeri mambo weAramu paRamoti Gireadhi. VaAramu vakakuvadza Joramu. Saka akadzokera kuJezireeri kuti ambondopora maronda aakanga akuvara paRamoti paairwa naHazaeri mambo weAramu. Ipapo Ahazia mwanakomana waJehoramu mambo weJudha akadzika kuJezireeri kundoona Joramu mwanakomana waAhabhu nokuti akanga akuvara. Mukushanya kwaAhazia kuna Joramu, Mwari akauyisa kuparadzwa kwaAhazia. Ahazia paakasvika akaenda naJoramu kundosangana naJehu mwanakomana waNimishi, uyo akanga azodzwa naJehovha kuti aparadze imba yaAhabhu. Jehu paakanga ava kutonga imba yaAhabhu akawana machinda eJudha navanakomana vehama dzaAhazia, vakanga vachishandira Ahazia, akavauraya. Ipapo akaenda kundotsvaka Ahazia, uye vanhu vake vakamubata paakanga akavanda muSamaria. Akauyiswa kuna Jehu, ndokuurayiwa. Vakamuviga nokuti vakati, “Akanga ari mwanakomana waJehoshafati, aitsvaga Mwari nomwoyo wake wose.” Saka pakasara pasina akanga akasimba muimba yaAhazia zvokuti angagona kubata ushe.
2 Makoronike 22:1-9 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino vagere Jerusaremu vakaita Ahazia, mwanakomana wake muduku, mambo panzvimbo yake, nokuti boka ravanhu, vakauya navaArabhia, vakanga vauraya vakuru vake vose. Naizvozvo Ahazia mwanakomana waJehoramu mambo waJudha, akabata ushe. Ahazia akanga asvika makore makumi mana namaviri pakutanga kwake kubata ushe; akabata ushe paJerusaremu gore rimwe; zita ramai vake rakanga riri Ataria, mukunda waOmiri. Naiye akafamba nenzira dzeimba yaAhabhi; nokuti mai vake vaiva murairi wake pakuita zvakaipa. Akaita zvakaipa pamberi paJehovha sezvakaitwa naveimba yaAhabhi; nokuti baba vake vakati vafa, ndivo vaiva varairi vake, vakamuisa pakuparadzwa. Akafambawo sezvavakamuraira, akaenda naJehoramu mwanakomana waAhabhi mambo waIsiraeri, kundorwa naHazaeri mambo weSiria paRamotigireadhi; vaSiria vakakuvadza Jehoramu. Akadzokera Jezireeri kuzorapwa mavanga aakatemwa paRama, nguva yaakarwa naHazaeri mambo weSiria. Ipapo Azaria mwanakomana waJehoramu mambo waJudha, akaenda kundoona Jehoramu mwanakomana waAhabhi paJezireeri, nokuti akanga achirwara. Zvino kuparadzwa kwaAhazia kwakabva kuna Mwari, zvaakaenda kuna Joramu; nokuti akati asvikapo, akaenda naJehoramu kundorwa naJehu mwanakomana waNishi, akanga azodzwa naJehovha kuti aparadze imba yaAhabhi. Zvino Jehu akati achiitira imba yaAhabhi zvakanga zvatongwa naJehovha, akawana machinda aJudha navanakomana vavanun'una vaAhazia vachibatira Ahazia, ndokuvauraya. Akatsvaka Ahaziawo; vakamubata, (nokuti akanga avanda paSamaria), vakamuisa kuna Jehu vakamuuraya; vakamuviga vakati, “Mwanakomana waJehoshafati, akatsvaka Jehovha nomwoyo wake wose.” Asi kwakanga kusina mumwe weimba yaAhazia akanga ane simba rokubata ushe.
2 Makoronike 22:1-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Vagari vomuJerusaremu vakagadza Ahaziya mwanakomana wake muduku umambo panzvimbo pake nokuti chikwata chavanhu chiya chokuuya navaArabhu kuzorwisa chakanga chauraya vana vacho vakomana vakuru. Ipapo Ahaziya mwanakomana waJehoramu mambo wokwaJudha ndiye akatonga. Ahaziya akanga ava namakore makumi mana namaviri paakatanga kutonga, akatonga kwegore rimwechete ari muJerusaremu. Zita raamai vake rainzi Atariya muzukuru waOmuri. Ahaziya akatevedzerawo makwara evemba yaAhabhu nokuti amai vake ndivo vaimurunya uipi. Akaita zvakaipa zvisingadiwi naTenzi sezvaiitwa nevemba yaAhabhu. Chaidariso ndechokuti ndivo vakasara vava vokumupa mazano baba wake afa, zvikamusvitsa mukuparadzwa. Akatevedza mazano avo kusvikira pakutozoenda zvake naJehoramu mwanakomana waAhabhu mambo wokwaIsiraeri kundorwisa Hazaeri mambo weSiria kuRamoti rokuGireadhi. VaSiria vakakuvadza Joramu, akabva adzokera kuJezirieri kundorapwa maronda aakanga akuvadzwa kuRama paakarwisa Hazaeri mambo weSiria. Ahaziya mwana waJehoramu mambo wokwaJudha akadzika kuJezirieri kundoona Jehoramu mwana waAhabhu sezvo ainge achirwara. Asi izvi zvakanga zvava chinhu chabva kuna Mwari kuti Ahaziya uyu pake pachimuperera nokushanyira Joramu kwaainge aita nokuti chakazoitika ndechokuti, paakasvikako akazobudawo pamwechete naJehoramu kundosangana naJehu mwanakomana waNimishi uya wokuzodzwa naTenzi kuti aparadze imba yaAhabhu. Jehu paakanga achiranga vemba yaAhabhu akasangana nemachinda okwaJudha navanakomana vevakoma navanun'una vaAhaziya, vaishandira Ahaziya, ndokubva avauraya. Akavhima Ahaziya, akazobatwa akahwanda kuSamaria. Akauyiwa naye kuna Jehu akaurayiwa. Vakamuviga nokuti vaiti uyu muzukuru waJehoshafati uya akatsvaka Tenzi nomwoyo wake wose. Kwakasara kusisina munhu wemba yaAhaziya aikwanisa kutonga nyika iyi.
2 Makoronike 22:1-9 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ʋagere Jerusarema ʋakaita Ahazia, mŋanakomana wake muɗuku, mambo panɀimbo yake, nokuti ɓoka raʋanhu, ʋakaʋuya naʋaArabia, ʋakaŋga ʋaʋuraya ʋakuru ʋake ʋose. Naiɀoɀo Ahazia mŋanakomana waJehorami mambo waJuda, wakaɓata ʋushe. Ahazia wakaŋga aȿika makore makumi manna namaʋiri pakutaŋga kwake kuɓata ʋushe; akaɓata ʋushe paJerusarema gore rimŋe; zita ramai ʋake rakaŋga riri Ataria, mukunda waOmri. Naiye wakafamba nenzira dzeimba yaAhabi; nokuti mai ʋake ʋaiʋa murairi wake pakuita ɀakaipa. Akaita ɀakaipa pamberi paJehova seɀakaitwa naʋeimba yaAhabi; nokuti ɓaɓa ʋake ʋakati ʋafa, ndiʋo ʋaiʋa ʋarairi ʋake, ʋakamuisa pakuparadzwa. Akafamba ʋo seɀaʋakamuraira, akaenda naJehorami mŋanakomana waAhabi mambo waIsraeri, kundorwa naHazaeri mambo weSiria paRamoti‐gireadi; ʋaSiria ʋakakuʋadza Jehorami. Akadzokera Jezreeri kuzorapxa maʋaŋga aakatemŋa paRama, ŋguʋa yaakarwa naHazaeri mambo weSiria. Ipapo Azaria mŋanakomana waJehorami mambo waJuda, akaenda kundoʋona Jehorami mŋanakomana waAhabi paJezreeri, nokuti wakaŋga acirwara. Ɀino kuparadzwa kwaAhazia kwakabva kunaMŋari, ɀaakaenda kunaJorami; nokuti wakati aȿika’po, akaenda naJehorami kundorwa naJehu mŋanakomana waNishi, wakaŋga azodzwa naJehova kuti aparadze imba yaAhabi. Ɀino Jehu wakati aciitira imba yaAhabi ɀakaŋga ɀatoŋgwa naJehova, akawana macinda aJuda naʋanakomana ʋaʋanuŋuna ʋaAhazia ʋaciɓatira Ahazia, ndokuʋaʋuraya. Akatȿaka Ahazia ʋo, ʋakamuɓata, (nokuti wakaŋga aʋanda paSamaria), ʋakamuisa kunaJehu, ʋakamuʋuraya; ʋakamuʋiga, nokuti ʋakati: Mŋanakomana waJehoshafati, wakatȿaka Jehova nomŋoyo wake wose. Asi kwakaŋga kusinomumŋe weimba yaAhazia wakaŋga anesimba rokuɓata ʋushe.
2 Makoronike 22:1-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)