Zvino vagere Jerusaremu vakaita Ahazia, mwanakomana wake muduku, mambo panzvimbo yake, nokuti boka ravanhu, vakauya navaArabhia, vakanga vauraya vakuru vake vose. Naizvozvo Ahazia mwanakomana waJehoramu mambo waJudha, akabata ushe. Ahazia akanga asvika makore makumi mana namaviri pakutanga kwake kubata ushe; akabata ushe paJerusaremu gore rimwe; zita ramai vake rakanga riri Ataria, mukunda waOmiri. Naiye akafamba nenzira dzeimba yaAhabhi; nokuti mai vake vaiva murairi wake pakuita zvakaipa. Akaita zvakaipa pamberi paJehovha sezvakaitwa naveimba yaAhabhi; nokuti baba vake vakati vafa, ndivo vaiva varairi vake, vakamuisa pakuparadzwa. Akafambawo sezvavakamuraira, akaenda naJehoramu mwanakomana waAhabhi mambo waIsiraeri, kundorwa naHazaeri mambo weSiria paRamotigireadhi; vaSiria vakakuvadza Jehoramu. Akadzokera Jezireeri kuzorapwa mavanga aakatemwa paRama, nguva yaakarwa naHazaeri mambo weSiria. Ipapo Azaria mwanakomana waJehoramu mambo waJudha, akaenda kundoona Jehoramu mwanakomana waAhabhi paJezireeri, nokuti akanga achirwara. Zvino kuparadzwa kwaAhazia kwakabva kuna Mwari, zvaakaenda kuna Joramu; nokuti akati asvikapo, akaenda naJehoramu kundorwa naJehu mwanakomana waNishi, akanga azodzwa naJehovha kuti aparadze imba yaAhabhi. Zvino Jehu akati achiitira imba yaAhabhi zvakanga zvatongwa naJehovha, akawana machinda aJudha navanakomana vavanun'una vaAhazia vachibatira Ahazia, ndokuvauraya. Akatsvaka Ahaziawo; vakamubata, (nokuti akanga avanda paSamaria), vakamuisa kuna Jehu vakamuuraya; vakamuviga vakati, “Mwanakomana waJehoshafati, akatsvaka Jehovha nomwoyo wake wose.” Asi kwakanga kusina mumwe weimba yaAhazia akanga ane simba rokubata ushe.
Verenga chikamu 2 Makoronike 22
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 2 Makoronike 22:1-9
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo