Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 Nhoroondo 22:1-9

2 Nhoroondo 22:1-9 SCLB

Vagari vomuJerusaremu vakagadza Ahaziya mwanakomana wake muduku umambo panzvimbo pake nokuti chikwata chavanhu chiya chokuuya navaArabhu kuzorwisa chakanga chauraya vana vacho vakomana vakuru. Ipapo Ahaziya mwanakomana waJehoramu mambo wokwaJudha ndiye akatonga. Ahaziya akanga ava namakore makumi mana namaviri paakatanga kutonga, akatonga kwegore rimwechete ari muJerusaremu. Zita raamai vake rainzi Atariya muzukuru waOmuri. Ahaziya akatevedzerawo makwara evemba yaAhabhu nokuti amai vake ndivo vaimurunya uipi. Akaita zvakaipa zvisingadiwi naTenzi sezvaiitwa nevemba yaAhabhu. Chaidariso ndechokuti ndivo vakasara vava vokumupa mazano baba wake afa, zvikamusvitsa mukuparadzwa. Akatevedza mazano avo kusvikira pakutozoenda zvake naJehoramu mwanakomana waAhabhu mambo wokwaIsiraeri kundorwisa Hazaeri mambo weSiria kuRamoti rokuGireadhi. VaSiria vakakuvadza Joramu, akabva adzokera kuJezirieri kundorapwa maronda aakanga akuvadzwa kuRama paakarwisa Hazaeri mambo weSiria. Ahaziya mwana waJehoramu mambo wokwaJudha akadzika kuJezirieri kundoona Jehoramu mwana waAhabhu sezvo ainge achirwara. Asi izvi zvakanga zvava chinhu chabva kuna Mwari kuti Ahaziya uyu pake pachimuperera nokushanyira Joramu kwaainge aita nokuti chakazoitika ndechokuti, paakasvikako akazobudawo pamwechete naJehoramu kundosangana naJehu mwanakomana waNimishi uya wokuzodzwa naTenzi kuti aparadze imba yaAhabhu. Jehu paakanga achiranga vemba yaAhabhu akasangana nemachinda okwaJudha navanakomana vevakoma navanun'una vaAhaziya, vaishandira Ahaziya, ndokubva avauraya. Akavhima Ahaziya, akazobatwa akahwanda kuSamaria. Akauyiwa naye kuna Jehu akaurayiwa. Vakamuviga nokuti vaiti uyu muzukuru waJehoshafati uya akatsvaka Tenzi nomwoyo wake wose. Kwakasara kusisina munhu wemba yaAhaziya aikwanisa kutonga nyika iyi.