1 Samueri 25:19-31
1 Samueri 25:19-31 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo akataura kuvaranda vake akati, “Chitungamirai; ini ndichakuteverai.” Asi haana kuudza murume wake Nabhari. Akati achiuya akatasva mbongoro yake pamupata wegomo, vanaDhavhidhi navanhu vake vakaburuka vakananga kwaari, iye akasangana navo. Dhavhidhi akanga achangobva kuti, “Zvirokwazvo ndakatamburirei kuchengetedza zvinhu zvose zvomunhu uyu murenje zvokuti hapana chinhu chake chakarasika. Andiripira nezvakaipa pachinzvimbo chezvakanaka. Mwari ngaarove Dhavhidhi, amurove kwazvo, kana mangwana mangwanani ndikasiya murume mumwe chete pavanhu vose vaanavo!” Abhigairi akati achiona Dhavhidhi, akakurumidza kuburuka pambongoro yake akakotama nechiso chake pamberi paDhavhidhi. Akawira pamakumbo ake akati, “Ishe wangu, mhosva iyi ngaive kwandiri ndoga. Ndapota hangu regai murandakadzi wenyu ataure kwamuri; inzwai zvinoreva murandakadzi wenyu. Ishe wangu ngaarege kurangarira munhu uya akaipa, iye Nabhari. Akangoita sezita rake, zita rake rinoreva kuti Benzi, uye upenzi hunogara naye. Asi kana ndirini, murandakadzi wenyu, handina kuona vanhu vakanga vatumwa natenzi wangu. “Zvino sezvo Jehovha akudzivisai, tenzi wangu, pakuteura ropa uye napakuzvitsivira namaoko enyu, zvirokwazvo naJehovha mupenyu, uye noupenyu hwenyu, vavengi venyu navose vanoda kuitira tenzi wangu zvakaipa ngavafanane naNabhari. Uye chipo ichi chauyiswa kuna tenzi nomurandakadzi wenyu ngachipiwe kuvanhu vanokuteverai. Ndapota hangu regererai murandakadzi wenyu pakukanganisa kwake, nokuti Jehovha achaitira tenzi wangu imba youmambo yakasimba, nokuti iye anorwa hondo dzaJehovha. Kuita kwakaipa ngakurege kuwanikwa mamuri muupenyu hwenyu hwose. Kunyange hazvo mumwe munhu akakudzinganisai kuti akuurayei, upenyu hwatenzi wangu hucharamba hwakasungirirwa pachisote chavapenyu naJehovha Mwari wenyu. Asi upenyu hwavavengi venyu achahupotsera kure sohunobva muhomwe yechimviriri. Mushure mokunge Jehovha aitira tenzi wangu zvinhu zvose zvakanaka zvaakavimbisa pamusoro pake uye amugadza kuti ave mutungamiri weIsraeri, tenzi wangu haangazovi nomutoro unorema pahana yake wokuteura ropa risina mhosva kana wokuzvitsivira pachake. Uye kana Jehovha akakundisa tenzi wangu, murangarire henyu murandakadzi wenyu.”
1 Samueri 25:19-31 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Akati kumajaya ake, “Nditungamirirei, tarirai, ndinokuteverai.” Asi haana kuudza murume wake Nabhari. Zvino wakati achifamba akatasva mbongoro yake, akaburukira pamupata pegomo, Dhavhidhi navarume vake vakaburukirawo kwaari; iye akasangana navo. Zvino Dhavhidhi wakanga ati, “Zvirokwazvo, ndaichengeta hangu zvinhu zvose zvomunhu uyu nhandu murenje, hakuna chinhu chimwe chake chakarashika; akanditsiva nezvakaipa pane zvakanaka. Mwari ngaarove vavengi vaDhavhidhi, arambe achidaro, kana ndikarega kunyange mwanakomana mumwechete kuna vose vaanavo ari mupenyu kusvikira mangwana.” Zvino Abhigairi wakati achiona Dhavhidhi, akakurumidza kuburuka pambongoro yake, akawira pasi nechiso chake pamberi paDhavhidhi, akakotamira pasi. Akawira patsoka dzake, akati, “Mhosva ngaive kwandiri, ishe wangu, ndinokumbira kuti murandakadzi wenyu ataure nemi, munzwe mashoko omurandakadzi wenyu. Ndinokumbira kuti ishe wangu arege hake kurangarira munhu uyu wakaisvoipa, iye Nabhari; nokuti sezita rake ndizvo zvaakaitawo iye, zita rake ndiNabhari, naiye ibenzi; asi ini murandakadzi wenyu, handina kuona majaya ashe wangu amakatuma. Naizvozvo zvino, ishe wangu, naJehovha mupenyu, uye nomweya wenyu mupenyu, zvaari Jehovha wakakudzivisai kuteura ropa nokuzvitsiva noruoko rwenyu, naizvozvo zvino vavengi venyu navanotsvaka kuitira ishe wangu zvakaipa, ngavave saNabhari. Zvino, ishe wangu, chipo ichi chamakavigirwa nomurandakadzi wenyu, ngachipiwe hacho majaya anotevera ishe wangu. Kanganwirai henyu kudarika kwomurandakadzi wenyu, nokuti zvirokwazvo Jehovha uchaitira ishe wangu imba yakasimba, nokuti ishe wangu unorwa hondo dzaJehovha; zvakaipa hazvingawanikwi kwamuri mazuva enyu ose. Kunyange munhu akasimuka kukudzingirirai, nokutsvaka kukuurayai, mweya washe wangu ucharamba wakasungirwa pachisote chavapenyu vari kuna Jehovha Mwari wenyu; asi mweya yavavengi venyu uchaiposhera kure, ichiita seinobva muchikanda chechifuramabwe. Zvino kana Jehovha azoitira ishe wangu zvose zvakanaka zvaakanga ataura pamusoro penyu, akakugadzai mukava mambo waIsiraeri, murege kuzvidemba pamusoro pechinhu ichi, uye ishe wangu arege kuzvidya mwoyo, nokuti makateura ropa risine mhosva, kana nokuti ishe wangu wakazvitsiva; zvino kana Jehovha achinge aitira ishe wangu zvakanaka, murangarirewo murandakadzi wenyu.”

1 Samueri 25:19-31 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Akati kuvaranda vake, “Chitungamirai, ini ndiri kutevera!” Asi mudzimai waNabhari haana kutaurira murume wake. Paaifamba kudaro ari padhongi rake, akati pindei mumupata wegomo, onei Dhavhidhi navanhu vake vari kuuya vakananga kwaari, ndokusangana navo. Dhavhidhi akanga achitoti, “Chaizvoizvo ini ndakatamburira nhando nhai kuchengeta zvinhu zvose zvomunhu uyu murenje, pasina chimwechete chake chaakarasikirwa nacho. Ini ndakamuitira zvakanaka kudaro, ndopaava kunditsiva nezvakaipa kudai. Kana ramangwanani rikabuda kuchine wechirume wemhuri yake wandinenge ndasiya ari mupenyu, iyeni Dhavhidhi, Tenzi ngaandione.” Abhigairi paakaona Dhavhidhi akabva akurumidza kuburuka padhongi rake akapfugamira Dhavhidhi akatsikitsira uso akamukotamira. Akasvikoti bvucha mumakumbo aDhavhidhi ndokuti, “Changamire, mhosva iyi ngaive zvayo yangu. Ndibvumireiwo zvangu ini muranda wenyu kumbotaurawo nemi mumbonzwawo zvandichakurondedzerai ini muranda wenyu. Ndapota changamire, regai zvenyu kuita hanya nezvomuipi uyo Nabhari, vakamugona wani vakamutumidza zita rokuti Nabhari, rinoreva kuti benzi, nokuti iyewo ibenzi romunhu. Chete, ini muranda wenyu pachezvangu, handina kunge ndamboona varume ivavo vamakatuma changamire. “Changamire, zvino chionaiwo zvenyu kuti Tenzi ndiye aita kuti murege kupara mhosva yokudeura ropa kana kuti imi pachenyu noruoko rwenyu mutsividze zvamakaitirwa. Ndinopika naTenzi mupenyu, imi muchitozvionawo ndichiti, vavengi venyu navose zvavo vanoda kukuitirai zvakaipa ngavaitirwe sezvichaitirwa Nabhari. Changamire, ipai zvenyu majaya aya anokuteverai chipo ichi chandauyawo nacho ini muranda wenyu. Ndateterera zvangu ndiregerereiwo kukutadzirai kwandakaita ini muranda wenyu, changamire, nokuti Tenzi achanyatsoita kuti umambo hudzike midzi mumba menyu, nokuti muri kurwa hondo dzaTenzi. Hapana chakaipa chichawanikwa muupenyu hwenyu. Kana munhu akada kukurondai achida kukuurayai, upenyu hwenyu huchasungirirwa pachisote chavapenyu pahunochengetwa naTenzi Mwari wenyu. Asi upenyu hwavavengi venyu achahupotsera sedombo rechimviriri. Kana Tenzi achingewo azoita zvakanaka zvose zvaakatsidza nezvenyu imi changamire akakuitai mutongi weIsiraeri, imi hamuzovi nechinokunetsai mumwoyo kana kuzodemba nechikonzero chokuti imimi changamire munenge madeura ropa risina mhosva kana kuti mazvitsivira moga. Kana Tenzi achinge akuponesai aitawo kuti zvikufambirei zvakanaka muzondirangarirawo imi changamire, ini muranda wenyu.”
1 Samueri 25:19-31 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Akati kumajaya ake: Ndituŋgamirirei, tarirai, ndinokuteʋerai. Asi haana‐kuʋudza murume wake Nabari. Ɀino wakati acifamba akataȿa mboŋgoro yake, akaɓurukira pamupata pagomo, Davidi naʋarume ʋake ʋakaɓurukira ʋo kwaari; iye akasoŋgana naʋo. Ɀino Davidi wakaŋga ati: Ɀirokwaɀo, ndaiceŋgeta haŋgu ɀinhu ɀose ɀomunhu uyu nhandu murenje, hakunecinhu cimŋe cake cakarashika; akanditsiʋa neɀakaipa paneɀakanaka. Mŋari ŋgaaroʋe ʋaʋeŋgi ʋaDavidi, arambe aciɗaro, kana ndikarega kunyaŋge mŋanakomana mumŋe cete kunaʋose ʋaanaʋo ari mupenyu kuȿikira maŋgwana. Ɀino Abigairi wakati aciʋona Davidi, akakurumidza kuɓuruka pamboŋgoro yake, akawira pasi neciso cake pamberi paDavidi, akakotamira pasi. Akawira patsoka dzake, akati: Mhoȿa ŋgaiʋe kwandiri, ishe waŋgu, ndinokumbira kuti murandakadzi wenyu ataure nemi, munzwe mashoko omurandakadzi wenyu. Ndinokumbira kuti ishe waŋgu arege hake kuraŋgarira munhu uyu wakaiȿo‐ipa, iye Nabari; nokuti sezita rake ndiɀo ɀaakaita ʋo iye; zita rake ndiNabari, naiye iɓenzi; asi ini murandakadzi wenyu, handina‐kuʋona majaya ashe waŋgu amakatuma. Naiɀoɀo ɀino, ishe waŋgu, naJehova mupenyu, ʋuye nomŋeya wenyu mupenyu, ɀaari Jehova wakakudziʋisai kuteʋura ropa nokuɀitsiʋa noruʋoko rwenyu, naiɀoɀo ɀino ʋaʋeŋgi ʋenyu naʋanotȿaka kuitira ishe waŋgu ɀakaipa, ŋgaʋaʋe saNabari. Ɀino, ishe waŋgu, cipo ici camakaʋigirwa nomurandakadzi wenyu, ŋgacipiwe haco majaya anoteʋera ishe waŋgu. Kaŋganwirai henyu kuɗarika kwomurandakadzi wenyu, nokuti ɀirokwaɀo Jehova ucaitira ishe waŋgu imba yakasimba, nokuti ishe waŋgu unorwa hondo dzaJehova; ɀakaipa haɀiŋgawanikwi kwamuri mazuʋa enyu ose. Kunyaŋge munhu akasimuka kukudziŋgirirai, nokutȿaka kukuʋurayai, mŋeya washe waŋgu ucaramba wakasuŋgirwa pacisote caʋapenyu ʋari kunaJehova Mŋari wenyu; asi mŋeya yaʋaʋeŋgi ʋenyu ucaiposhera kure, iciita seinobva mucikanda cecifuramabge. Ɀino kana Jehova azoitira ishe waŋgu ɀose ɀakanaka ɀaakaŋga ataura pamsoro penyu, akakugadzai mukaʋa mambo waIsraeri, murege kuɀiɗemba pamsoro pecinhu ici, ʋuye ishe waŋgu arege kuɀidya mŋoyo, nokuti makateʋura ropa risinemhoȿa, kana nokuti ishe waŋgu wakaɀitsiʋa; ɀino kana Jehova aciŋge aitira ishe waŋgu ɀakanaka, muraŋgarire ʋo murandakadzi wenyu.
1 Samueri 25:19-31 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)