Akati kumajaya ake: Ndituŋgamirirei, tarirai, ndinokuteʋerai. Asi haana‐kuʋudza murume wake Nabari. Ɀino wakati acifamba akataȿa mboŋgoro yake, akaɓurukira pamupata pagomo, Davidi naʋarume ʋake ʋakaɓurukira ʋo kwaari; iye akasoŋgana naʋo. Ɀino Davidi wakaŋga ati: Ɀirokwaɀo, ndaiceŋgeta haŋgu ɀinhu ɀose ɀomunhu uyu nhandu murenje, hakunecinhu cimŋe cake cakarashika; akanditsiʋa neɀakaipa paneɀakanaka. Mŋari ŋgaaroʋe ʋaʋeŋgi ʋaDavidi, arambe aciɗaro, kana ndikarega kunyaŋge mŋanakomana mumŋe cete kunaʋose ʋaanaʋo ari mupenyu kuȿikira maŋgwana. Ɀino Abigairi wakati aciʋona Davidi, akakurumidza kuɓuruka pamboŋgoro yake, akawira pasi neciso cake pamberi paDavidi, akakotamira pasi. Akawira patsoka dzake, akati: Mhoȿa ŋgaiʋe kwandiri, ishe waŋgu, ndinokumbira kuti murandakadzi wenyu ataure nemi, munzwe mashoko omurandakadzi wenyu. Ndinokumbira kuti ishe waŋgu arege hake kuraŋgarira munhu uyu wakaiȿo‐ipa, iye Nabari; nokuti sezita rake ndiɀo ɀaakaita ʋo iye; zita rake ndiNabari, naiye iɓenzi; asi ini murandakadzi wenyu, handina‐kuʋona majaya ashe waŋgu amakatuma. Naiɀoɀo ɀino, ishe waŋgu, naJehova mupenyu, ʋuye nomŋeya wenyu mupenyu, ɀaari Jehova wakakudziʋisai kuteʋura ropa nokuɀitsiʋa noruʋoko rwenyu, naiɀoɀo ɀino ʋaʋeŋgi ʋenyu naʋanotȿaka kuitira ishe waŋgu ɀakaipa, ŋgaʋaʋe saNabari. Ɀino, ishe waŋgu, cipo ici camakaʋigirwa nomurandakadzi wenyu, ŋgacipiwe haco majaya anoteʋera ishe waŋgu. Kaŋganwirai henyu kuɗarika kwomurandakadzi wenyu, nokuti ɀirokwaɀo Jehova ucaitira ishe waŋgu imba yakasimba, nokuti ishe waŋgu unorwa hondo dzaJehova; ɀakaipa haɀiŋgawanikwi kwamuri mazuʋa enyu ose. Kunyaŋge munhu akasimuka kukudziŋgirirai, nokutȿaka kukuʋurayai, mŋeya washe waŋgu ucaramba wakasuŋgirwa pacisote caʋapenyu ʋari kunaJehova Mŋari wenyu; asi mŋeya yaʋaʋeŋgi ʋenyu ucaiposhera kure, iciita seinobva mucikanda cecifuramabge. Ɀino kana Jehova azoitira ishe waŋgu ɀose ɀakanaka ɀaakaŋga ataura pamsoro penyu, akakugadzai mukaʋa mambo waIsraeri, murege kuɀiɗemba pamsoro pecinhu ici, ʋuye ishe waŋgu arege kuɀidya mŋoyo, nokuti makateʋura ropa risinemhoȿa, kana nokuti ishe waŋgu wakaɀitsiʋa; ɀino kana Jehova aciŋge aitira ishe waŋgu ɀakanaka, muraŋgarire ʋo murandakadzi wenyu.