Akati kumajaya ake, “Nditungamirirei, tarirai, ndinokuteverai.” Asi haana kuudza murume wake Nabhari.
Zvino wakati achifamba akatasva mbongoro yake, akaburukira pamupata pegomo, Dhavhidhi navarume vake vakaburukirawo kwaari; iye akasangana navo. Zvino Dhavhidhi wakanga ati, “Zvirokwazvo, ndaichengeta hangu zvinhu zvose zvomunhu uyu nhandu murenje, hakuna chinhu chimwe chake chakarashika; akanditsiva nezvakaipa pane zvakanaka. Mwari ngaarove vavengi vaDhavhidhi, arambe achidaro, kana ndikarega kunyange mwanakomana mumwechete kuna vose vaanavo ari mupenyu kusvikira mangwana.”
Zvino Abhigairi wakati achiona Dhavhidhi, akakurumidza kuburuka pambongoro yake, akawira pasi nechiso chake pamberi paDhavhidhi, akakotamira pasi. Akawira patsoka dzake, akati, “Mhosva ngaive kwandiri, ishe wangu, ndinokumbira kuti murandakadzi wenyu ataure nemi, munzwe mashoko omurandakadzi wenyu. Ndinokumbira kuti ishe wangu arege hake kurangarira munhu uyu wakaisvoipa, iye Nabhari; nokuti sezita rake ndizvo zvaakaitawo iye, zita rake ndiNabhari, naiye ibenzi; asi ini murandakadzi wenyu, handina kuona majaya ashe wangu amakatuma. Naizvozvo zvino, ishe wangu, naJehovha mupenyu, uye nomweya wenyu mupenyu, zvaari Jehovha wakakudzivisai kuteura ropa nokuzvitsiva noruoko rwenyu, naizvozvo zvino vavengi venyu navanotsvaka kuitira ishe wangu zvakaipa, ngavave saNabhari. Zvino, ishe wangu, chipo ichi chamakavigirwa nomurandakadzi wenyu, ngachipiwe hacho majaya anotevera ishe wangu. Kanganwirai henyu kudarika kwomurandakadzi wenyu, nokuti zvirokwazvo Jehovha uchaitira ishe wangu imba yakasimba, nokuti ishe wangu unorwa hondo dzaJehovha; zvakaipa hazvingawanikwi kwamuri mazuva enyu ose. Kunyange munhu akasimuka kukudzingirirai, nokutsvaka kukuurayai, mweya washe wangu ucharamba wakasungirwa pachisote chavapenyu vari kuna Jehovha Mwari wenyu; asi mweya yavavengi venyu uchaiposhera kure, ichiita seinobva muchikanda chechifuramabwe. Zvino kana Jehovha azoitira ishe wangu zvose zvakanaka zvaakanga ataura pamusoro penyu, akakugadzai mukava mambo waIsiraeri, murege kuzvidemba pamusoro pechinhu ichi, uye ishe wangu arege kuzvidya mwoyo, nokuti makateura ropa risine mhosva, kana nokuti ishe wangu wakazvitsiva; zvino kana Jehovha achinge aitira ishe wangu zvakanaka, murangarirewo murandakadzi wenyu.”