Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Samueri 25:19-31

1 Samueri 25:19-31 SCLBD

Akati kuvaranda vake, “Chitungamirai, ini ndiri kutevera!” Asi mudzimai waNabhari haana kutaurira murume wake. Paaifamba kudaro ari padhongi rake, akati pindei mumupata wegomo, onei Dhavhidhi navanhu vake vari kuuya vakananga kwaari, ndokusangana navo. Dhavhidhi akanga achitoti, “Chaizvoizvo ini ndakatamburira nhando nhai kuchengeta zvinhu zvose zvomunhu uyu murenje, pasina chimwechete chake chaakarasikirwa nacho. Ini ndakamuitira zvakanaka kudaro, ndopaava kunditsiva nezvakaipa kudai. Kana ramangwanani rikabuda kuchine wechirume wemhuri yake wandinenge ndasiya ari mupenyu, iyeni Dhavhidhi, Tenzi ngaandione.” Abhigairi paakaona Dhavhidhi akabva akurumidza kuburuka padhongi rake akapfugamira Dhavhidhi akatsikitsira uso akamukotamira. Akasvikoti bvucha mumakumbo aDhavhidhi ndokuti, “Changamire, mhosva iyi ngaive zvayo yangu. Ndibvumireiwo zvangu ini muranda wenyu kumbotaurawo nemi mumbonzwawo zvandichakurondedzerai ini muranda wenyu. Ndapota changamire, regai zvenyu kuita hanya nezvomuipi uyo Nabhari, vakamugona wani vakamutumidza zita rokuti Nabhari, rinoreva kuti benzi, nokuti iyewo ibenzi romunhu. Chete, ini muranda wenyu pachezvangu, handina kunge ndamboona varume ivavo vamakatuma changamire. “Changamire, zvino chionaiwo zvenyu kuti Tenzi ndiye aita kuti murege kupara mhosva yokudeura ropa kana kuti imi pachenyu noruoko rwenyu mutsividze zvamakaitirwa. Ndinopika naTenzi mupenyu, imi muchitozvionawo ndichiti, vavengi venyu navose zvavo vanoda kukuitirai zvakaipa ngavaitirwe sezvichaitirwa Nabhari. Changamire, ipai zvenyu majaya aya anokuteverai chipo ichi chandauyawo nacho ini muranda wenyu. Ndateterera zvangu ndiregerereiwo kukutadzirai kwandakaita ini muranda wenyu, changamire, nokuti Tenzi achanyatsoita kuti umambo hudzike midzi mumba menyu, nokuti muri kurwa hondo dzaTenzi. Hapana chakaipa chichawanikwa muupenyu hwenyu. Kana munhu akada kukurondai achida kukuurayai, upenyu hwenyu huchasungirirwa pachisote chavapenyu pahunochengetwa naTenzi Mwari wenyu. Asi upenyu hwavavengi venyu achahupotsera sedombo rechimviriri. Kana Tenzi achingewo azoita zvakanaka zvose zvaakatsidza nezvenyu imi changamire akakuitai mutongi weIsiraeri, imi hamuzovi nechinokunetsai mumwoyo kana kuzodemba nechikonzero chokuti imimi changamire munenge madeura ropa risina mhosva kana kuti mazvitsivira moga. Kana Tenzi achinge akuponesai aitawo kuti zvikufambirei zvakanaka muzondirangarirawo imi changamire, ini muranda wenyu.”