Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Samueri 25

25
Rufu rwaSamueri
1Samueri akazofa, vaIsiraeri vose vakaungana kuzomuchema vakamuviga pamusha pake kuRama.
Nyaya yaDhavhidhi naAbhigairi
Dhavhidhi akasimuka odzika kuenda kurenje reParani. 2Kwaiva nomumwewo murume wokuMaoni aiva nebasa rake kuKarimeri, akanga akapfuma kwazvo. Akanga aine zviuru zvitatu zvehwai nechiuru chembudzi. Akanga achiveura hwai dzake kuKarimeri ikoko. 3Murume iyeye ainzi Nabhari, mudzimai wake achinzi Abhigairi. Aiva mukadzi anonzwisisa ane chimiro chakanaka. Asi murume iyeyo akanga aine mwoyo mukukutu. Aiva wokwaKarebhu.
4Pakanga Dhavhidhi ari kurenje akanzwa zvichinzi Nabhari ari kuveura hwai dzake kuKarimeri. 5Akatuma majaya gumi achiti, “Endai kuKarimeri mundondikwazisirawo Nabhari. 6Muti kwaari zvanzi, ‘Rugare ngaruve nemi. Zvanzi kufara kwamuri imi mose nemhuri yenyu. Makadiiko nezvose zvamunazvo?’ 7Ndiri kunzwa kuti muri mukuveura zvipfuwo zvenyu. Zvino vafudzi venyu vakanga vanesu kuno, asi hapana chakaipa chatakaita kwavari. Hapana chavakarasikirwa nacho nguva yose iyi yavanga vari kuKarimeri. 8Kana mukabvunza zvenyu varanda venyu, vanokuudzaiwo izvozvi. Naizvozvo dai mukaitira zvenyu majaya angu ayo tsiye nyoro zvatauyawo kuno zuva guru rakadai. Dai mukawanawo zvimwe zvamunazvo zvamungape varanda venyu neni mwana wenyu Dhavhidhi.”
9Kuzoti majaya aDhavhidhi asvikako akapira kuna Nabhari zvose izvi achiti tatumwa naDhavhidhi, ndokumira zvavo. 10Nabhari akapindura varanda vaDhavhidhi achiti, “Dhavhidhi iyeyo ndiani? Chii mwana waJese iyeyo? Kune varanda vazhinji kwazvo mazuva ano vari kutiza vatenzi vavo. 11Nditore chingwa changu, nemvura yangu, nenyama yandabayira vaveuri vangu, ndichipa zvangu kuvanhu vandisingamboziva kana nokwavanobva here?”
12Majaya aDhavhidhi akadzokera zvawo akasvikotaurira Dhavhidhi zvose izvozvi. 13Dhavhidhi akati kuvanhu vake, “Varume, munhu wose ngaapakate bakatwa rake!” Munhu wose akapakata bakatwa rake, Dhavhidhi akapakatawo rake. Mazana mana avanhu akaenda naDhavhidhi, kukasara mazana maviri vakachengeta zvinhu.
14Asi mumwe muranda akaruma nzeve mudzimai waNabhari, Abhigairi kuti, “Dhavhidhi akatuma nhumwa dzakasvika kuna tenzi wedu dzichibva kurenje kuzovakwazisa, asi ivo vakadzijinyura. 15Asi mufunge zvenyuka, vanhu ivava vakatiitira zvakanaka kwazvo. Havana chakaipa chavakaita kwatiri. Hapana chatakarasikirwa nacho kumafuro nguva yose iyi yatakanga tiinavo. 16Vakanga vari rusvingo chairwo kutichengetedza, siku nesikati nguva yose iyi zvayo yatanga tichifudza hwai. 17Zvino dai mukambopafungawo zvenyu apa muone zvokuita, nokuti tenzi wedu atova munyatwa chaiyo izvozvi pamwechete navanhu vose vemhuri yake. Asi tenzi wedu uyu munhu ane mwoyo wakaipa kwazvo haatiuriki.”
18Abhigairi akabva aita chimbichimbi kutora mazana maviri ezvingwa nezvigubhu zviviri zvewaini nehwai shanu dzakavhiyiwa, namabhagidhi maviri embesanwa dzakakangwa, nezana rezvisumbu zvamagirepisi akaomeswa namazana maviri ezvambwa zvamakuyu, akazvitakudza pamadhongi. 19Akati kuvaranda vake, “Chitungamirai, ini ndiri kutevera!” Asi mudzimai waNabhari haana kutaurira murume wake.
20Paaifamba kudaro ari padhongi rake, akati pindei mumupata wegomo, onei Dhavhidhi navanhu vake vari kuuya vakananga kwaari, ndokusangana navo. 21Dhavhidhi akanga achitoti, “Chaizvoizvo ini ndakatamburira nhando nhai kuchengeta zvinhu zvose zvomunhu uyu murenje, pasina chimwechete chake chaakarasikirwa nacho. Ini ndakamuitira zvakanaka kudaro, ndopaava kunditsiva nezvakaipa kudai. 22Kana ramangwanani rikabuda kuchine wechirume wemhuri yake wandinenge ndasiya ari mupenyu, iyeni Dhavhidhi, Tenzi ngaandione.”#25:22 Tenzi ngaandione: chiHebheru chacho chinoti, Tenzi ngaaone zvake vavengi vaDhavhidhi.
23Abhigairi paakaona Dhavhidhi akabva akurumidza kuburuka padhongi rake akapfugamira Dhavhidhi akatsikitsira uso akamukotamira. 24Akasvikoti bvucha mumakumbo aDhavhidhi ndokuti, “Changamire, mhosva iyi ngaive zvayo yangu. Ndibvumireiwo zvangu ini muranda wenyu kumbotaurawo nemi mumbonzwawo zvandichakurondedzerai ini muranda wenyu. 25Ndapota changamire, regai zvenyu kuita hanya nezvomuipi uyo Nabhari, vakamugona wani vakamutumidza zita rokuti Nabhari, rinoreva kuti benzi, nokuti iyewo ibenzi romunhu. Chete, ini muranda wenyu pachezvangu, handina kunge ndamboona varume ivavo vamakatuma changamire.
26“Changamire, zvino chionaiwo zvenyu kuti Tenzi ndiye aita kuti murege kupara mhosva yokudeura ropa kana kuti imi pachenyu noruoko rwenyu mutsividze zvamakaitirwa. Ndinopika naTenzi mupenyu, imi muchitozvionawo ndichiti, vavengi venyu navose zvavo vanoda kukuitirai zvakaipa ngavaitirwe sezvichaitirwa Nabhari. 27Changamire, ipai zvenyu majaya aya anokuteverai chipo ichi chandauyawo nacho ini muranda wenyu. 28Ndateterera zvangu ndiregerereiwo kukutadzirai kwandakaita ini muranda wenyu, changamire, nokuti Tenzi achanyatsoita kuti umambo hudzike midzi mumba menyu, nokuti muri kurwa hondo dzaTenzi. Hapana chakaipa chichawanikwa muupenyu hwenyu. 29Kana munhu akada kukurondai achida kukuurayai, upenyu hwenyu huchasungirirwa pachisote chavapenyu pahunochengetwa naTenzi Mwari wenyu. Asi upenyu hwavavengi venyu achahupotsera sedombo rechimviriri. 30Kana Tenzi achingewo azoita zvakanaka zvose zvaakatsidza nezvenyu imi changamire akakuitai mutongi weIsiraeri, 31imi hamuzovi nechinokunetsai mumwoyo kana kuzodemba nechikonzero chokuti imimi changamire munenge madeura ropa risina mhosva kana kuti mazvitsivira moga. Kana Tenzi achinge akuponesai aitawo kuti zvikufambirei zvakanaka muzondirangarirawo imi changamire, ini muranda wenyu.”
32Dhavhidhi akati kuna Abhigairi, “Ngaarumbidzwe Tenzi, Mwari wavaIsiraeri akutuma kuti usangane neni nhasi. 33Mwari ngaakukomborere nepfungwa yako yokugona kunzwisisa kudai. Mwari ngaakukomberere nokundidzora kwawandiita nhasi ndikarega kupara mhosva yokudeura ropa kana kuzvitsivira ndoga. 34Ndinopika naTenzi, Mwari waIsiraeri mupenyu aita kuti ndirege kukukuvadza, ndichiti dai wanga usina kukurumidza kuchingurana neni, chokwadi mangwana kwaNabhari kwaifuma kusisina kana munhu wechirume mumwechete zvake!” 35Dhavhidhi akagamuchira zvakanga zvauya nomukadzi uyu kwaari, akamuti, “Chidzokera zvako kumusha kwako zvawataura ndazvinzwa uye ndichaita zvawareva.”
36Abhigairi akasvika kuna Nabhari wanei Nabhari ari pakati pamabiko mumba make, aitenge mabiko amambo chaiwo. Izvozvo Nabhari akanga ofara kwazvo apera zvake kudhakwa. Saka haana kana kumutaurira chinhu kusvikira kwaedza. 37Mangwanani acho waini yapera muna Nabhari, mudzimai wake akamutaurira izvozvi izvi akarohwa nehana akaoma kuti papata nokutya. 38Kuzoti kwangoti perei mazuva anenge gumi, Tenzi akazovinga Nabhari nedenda, akabva afa.
39Dhavhidhi paakanzwa kuti Nabhari afa akati, “Ngaarumbidzwe Tenzi anditsivira Nabhari kutsvinya kwaakandiitira, akaitawo kuti ini muranda wake ndirege kuita chakaipa. Tenzi akaita kuti Nabhari apfukirwe nouipi hwake.”
Dhavhidhi akabva atumira vanhu kundotaurirana naAbhigairi kuti ave mukadzi wake. 40Vanhu vaDhavhidhi pavakasvika kuna Abhigairi kuKarimeri vakati kwaari, “Dhavhidhi atitumira kwamuri kuti tizokutorai muve zvenyu mukadzi wake.”
41Akasimuka akakotama ndokutyora uso akati, “Aiwa, regai zvenyu ndichiva wokushambidza tsoka dzavaranda vatenzi wangu.” 42Abhigairi akakurumidza kusimuka ndokuti padhongi rake karakata ndokuenda oteverana nenhumwa dzaDhavhidhi dziya aina vasikana vashanu vokumuperekedza.
43Dhavhidhi akanga aroorawo Ahinoami wechiJezireeri akavaparika vose vari vaviri. 44Sauro akatenge apawo Mikari mukunda wake mukadzi waDhavhidhi kuna Pariti mwana wavaRaishi vokuGarimu.

Zvasarudzwa nguva ino

1 Samueri 25: SCLB

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda