Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 VaKorinde 15:35-49

1 VaKorinde 15:35-49 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Asi mumwe angabvunza achiti, “Ko, vakafa vanomutswa sei? Vachauya nomuviri wakaita seiko?” Upenzi hwakadii! Chaunodyara hachingameri kana chisina kufa. Kana ukadyara haudyari muviri uchazovapo, asi tsanga bedzi, ingava yegorosi kana chimwe chinhuwo zvacho. Asi Mwari anoipa muviri sezvaanoda, uye kumbeu imwe neimwe muviri wayo. Nyama yose haina kufanana: Vanhu vane rumwe rudzi rwenyama, mhuka dzinewo rumwe rudzi, shiri rumwewo, uye nehove dzinewo rumwe. Kunewo miviri yokudenga, nemiviri yenyika; asi kubwinya kwemiviri yokudenga ndokumwe kubwinya, kwemiviri yapanyika ndokumwe. Zuva rino kubwinya kwaro, mwedzi unewo kumwe, nenyeredzi dzinewo kumwe; uye nyeredzi haifanani neimwe nyeredzi pakubwinya. Ndizvo zvazvichazova pakumuka kwavakafa. Muviri unodyarwa uri unoparara, unomutswa usisaparari; unodyarwa pakuzvidzwa, unomutswa mukubwinya; unodyarwa muutera, unomutswa musimba; unodyarwa uri muviri wenyama, unomutswa uri muviri womweya. Kana kune muviri wenyama, kune muviri womweyawo. Naizvozvo kwakanyorwa kuchinzi: “Munhu wokutanga, Adhamu, akava munhu mupenyu;” Adhamu wokupedzisira akava mweya unopa upenyu. Mweya hauna kuuya pakutanga, asi nyama, uye mushure mezvo mweya. Munhu wokutanga akanga ari guruva renyika, munhu wechipiri akanga achibva kudenga. Sezvakanga zvakaita munhu wapanyika, ndizvowo zvakaita vaya vari venyika; uyewo sezvakaita munhu akabva kudenga, ndizvo zvakaitawo vaya vari vokudenga. Uye sezvatakanga tine mufananidzo womunhu wapanyika, saizvozvowo tichava nomufananidzo womunhu akabva kudenga.

1 VaKorinde 15:35-49 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Asi mumwe angati, “Vakafa vanogomutswa seiko? Vachauya nomuviri wakaita sei?” Iwe benzi, icho chaunodyara hachimeri, kana chisingafi. Chaunodyara, haudyari muviri uchavapo, asi tsanga bedzi, kana yamapfunde, kana yezvimwe; asi Mwari anoipa muviri paanoda napo, nembeu imwe neimwe muviri wayo. Nyama yose haizi nyama imwe; asi imwe ndeyavanhu, imwe inyama yemhuka, imwe inyama yeshiri, imwe ndeyehove. Kune miviri yokudenga, nemiviri yenyika; asi kubwinya kweyokudenga ndokumwe, nokwenyika ndokumwe. Kubwinya kwezuva ndokumwe, nokubwinya kwomwedzi ndokumwe, nokubwinya kwenyeredzi ndokumwe; nokuti nyeredzi imwe haifanani neimwe nyeredzi pakubwinya. Ndizvo zvakaitawo kumuka kwavakafa. Muviri unodyarwa pakuora; unomutswa pakusaora; unodyarwa pakuzvidzwa, unomutswa pakubwinya; unodyarwa pautera, unomutswa pasimba. Unodyarwa uri muviri wokuberekwa, unomutswa uri muviri womweya. Muviri wokuberekwa uripo, nomuviri womweya uripo. Zvakanyorwawo saizvozvo, zvichinzi, “Munhu wokutanga, Adhamu, akaitwa munhu mupenyu;” Adhamu wokupedzisira akaitwa mweya, unopa upenyu. Asi zvomweya hazvizi zvokutanga, asi zvokuberekwa; tevere zvomweya kudenga. Munhu wokutanga ndowenyika, wevhu; munhu wechipiri akabva kudenga. Saiye wevhu, ndizvo zvakaitawo avo vevhu; saiye wokudenga, ndizvo zvakaitawo ivo vokudenga. Uye, sezvatakanga tinomufananidzo womunhu wevhu, tichavawo nomufananidzo waiye wokudenga.

1 VaKorinde 15:35-49 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Asi mumŋe uŋgati: Ʋakafa ʋanogomutswa seiko? Ʋacaʋuya nomuʋiri wakaita sei? Iwe ɓenzi, ico caunodɀara hacimeri, kana cisiŋgafi. Caunodɀara, haudɀari muʋiri ucaʋa’po, asi tsaŋga ɓedzi, kana yamapfunde, kana yeɀimŋe; asi Mŋari unoipa muʋiri paanoɗa napo, nembeu imŋe neimŋe muʋiri wayo. Nyama yose haizi nyama imŋe; asi imŋe ndeyaʋanhu, imŋe inyama yemhuka, imŋe inyama yeshiri, imŋe ndeyehoʋe. Kunemiʋiri yokuɗeŋga, nemiʋiri yenyika; asi kubginya kweyokuɗeŋga ndokumŋe, nokwenyika ndokumŋe. Kubginya kwezuʋa ndokumŋe, nokubginya kwomŋedzi ndokumŋe, nokubginya kwenyeredzi ndokumŋe; nokuti nyeredzi imŋe haifanani neimŋe nyeredzi pakubginya. Ndiɀo ɀakaita ʋo kumuka kwaʋakafa. Muʋiri unodɀarwa pakuʋora; unomutswa pakusaʋora; unodɀarwa pakuɀidzwa, unomutswa pakubginya; unodɀarwa paʋutera, unomutswa pasimba. Unodɀarwa uri muʋiri wokuɓerekwa, unomutswa uri muʋiri womŋeya. Muʋiri wokuɓerekwa uri’po, nomuʋiri womŋeya uri’po. Ɀakanyorwa ʋo saiɀoɀo, ɀicinzi: Munhu wokutaŋga, Adama, wakaitwa munhu mupenyu; Adama wokupedzisira wakaitwa mŋeya, unopa ʋupenyu. Asi ɀomŋeya haɀizi ɀokutaŋga, asi ɀokuɓerekwa; teʋere ɀomŋeya. Munhu wokutaŋga ndowenyika, wevu; munhu wecipiri wakabva kuɗeŋga. Saiye wevu, ndiɀo ɀakaita ʋo aʋo ʋevu; saiye wokuɗeŋga, ndiɀo ɀakaita ʋo iʋo ʋokuɗeŋga. Ʋuye, seɀatakaŋga tinomufananidzo womunhu wevu, ticaʋa ʋo nomufananidzo waiye wokuɗeŋga.