Asi mumŋe uŋgati: Ʋakafa ʋanogomutswa seiko? Ʋacaʋuya nomuʋiri wakaita sei? Iwe ɓenzi, ico caunodɀara hacimeri, kana cisiŋgafi. Caunodɀara, haudɀari muʋiri ucaʋa’po, asi tsaŋga ɓedzi, kana yamapfunde, kana yeɀimŋe; asi Mŋari unoipa muʋiri paanoɗa napo, nembeu imŋe neimŋe muʋiri wayo. Nyama yose haizi nyama imŋe; asi imŋe ndeyaʋanhu, imŋe inyama yemhuka, imŋe inyama yeshiri, imŋe ndeyehoʋe. Kunemiʋiri yokuɗeŋga, nemiʋiri yenyika; asi kubginya kweyokuɗeŋga ndokumŋe, nokwenyika ndokumŋe. Kubginya kwezuʋa ndokumŋe, nokubginya kwomŋedzi ndokumŋe, nokubginya kwenyeredzi ndokumŋe; nokuti nyeredzi imŋe haifanani neimŋe nyeredzi pakubginya. Ndiɀo ɀakaita ʋo kumuka kwaʋakafa. Muʋiri unodɀarwa pakuʋora; unomutswa pakusaʋora; unodɀarwa pakuɀidzwa, unomutswa pakubginya; unodɀarwa paʋutera, unomutswa pasimba. Unodɀarwa uri muʋiri wokuɓerekwa, unomutswa uri muʋiri womŋeya. Muʋiri wokuɓerekwa uri’po, nomuʋiri womŋeya uri’po. Ɀakanyorwa ʋo saiɀoɀo, ɀicinzi: Munhu wokutaŋga, Adama, wakaitwa munhu mupenyu; Adama wokupedzisira wakaitwa mŋeya, unopa ʋupenyu. Asi ɀomŋeya haɀizi ɀokutaŋga, asi ɀokuɓerekwa; teʋere ɀomŋeya. Munhu wokutaŋga ndowenyika, wevu; munhu wecipiri wakabva kuɗeŋga. Saiye wevu, ndiɀo ɀakaita ʋo aʋo ʋevu; saiye wokuɗeŋga, ndiɀo ɀakaita ʋo iʋo ʋokuɗeŋga. Ʋuye, seɀatakaŋga tinomufananidzo womunhu wevu, ticaʋa ʋo nomufananidzo waiye wokuɗeŋga.