Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 VaKorinde 15:35-49

1 VaKorinde 15:35-49 SNA2002

Asi mumwe angati, “Vakafa vanogomutswa seiko? Vachauya nomuviri wakaita sei?” Iwe benzi, icho chaunodyara hachimeri, kana chisingafi. Chaunodyara, haudyari muviri uchavapo, asi tsanga bedzi, kana yamapfunde, kana yezvimwe; asi Mwari anoipa muviri paanoda napo, nembeu imwe neimwe muviri wayo. Nyama yose haizi nyama imwe; asi imwe ndeyavanhu, imwe inyama yemhuka, imwe inyama yeshiri, imwe ndeyehove. Kune miviri yokudenga, nemiviri yenyika; asi kubwinya kweyokudenga ndokumwe, nokwenyika ndokumwe. Kubwinya kwezuva ndokumwe, nokubwinya kwomwedzi ndokumwe, nokubwinya kwenyeredzi ndokumwe; nokuti nyeredzi imwe haifanani neimwe nyeredzi pakubwinya. Ndizvo zvakaitawo kumuka kwavakafa. Muviri unodyarwa pakuora; unomutswa pakusaora; unodyarwa pakuzvidzwa, unomutswa pakubwinya; unodyarwa pautera, unomutswa pasimba. Unodyarwa uri muviri wokuberekwa, unomutswa uri muviri womweya. Muviri wokuberekwa uripo, nomuviri womweya uripo. Zvakanyorwawo saizvozvo, zvichinzi, “Munhu wokutanga, Adhamu, akaitwa munhu mupenyu;” Adhamu wokupedzisira akaitwa mweya, unopa upenyu. Asi zvomweya hazvizi zvokutanga, asi zvokuberekwa; tevere zvomweya kudenga. Munhu wokutanga ndowenyika, wevhu; munhu wechipiri akabva kudenga. Saiye wevhu, ndizvo zvakaitawo avo vevhu; saiye wokudenga, ndizvo zvakaitawo ivo vokudenga. Uye, sezvatakanga tinomufananidzo womunhu wevhu, tichavawo nomufananidzo waiye wokudenga.