Asi mumwe angabvunze kuti, “Ko ivo vakafa vanomutswa sei? Vanenge vano muviri wakaita sei?” Benzi romunhu! Chaunodyara hachimeri kana chisina kutombofa. Chaunodyara, ingave tsanga yekoroni kana chimwe chakadaro hachisicho chinozobuda chakadaro asi Mwari ndiye anochipa chimiro chacho pamadiro ake. Nyama haina kufanana yose yose. Pane nyama yavanhu nenyama yemhuka nenyamawo yeshiri neimwe yehove. Kune zvinhu zvomudenga nezvinhu zvapanyika. Kupenya kwezvokudenga kwakasiyana nokupenya kwezvapasi. Kune kupenya kwezuva nokupenya kwomwedzi. Kuno kupenya kwenyenyedzi. Nyenyedzi dzinosiyana pakupenya kwadzo. Ndizvo zvimwechetezvo nokumuka kwavakafa. Chinodyarwa chinoparara asi chinomutswa hachiparari. Chinodyarwa mukuzvidzwa asi chichimutswa chava kupenya; chinodyarwa muutera asi chichimutswa chava nesimba. Chinodyarwa somuviri unobatika asi chinomutswa chava muviri womweya. Zvino kana pano muviri unobatika kuno muviriwo womweya. Ndizvo zvakanyorwa zvichinzi munhu wokutanga, Adhamu akava chinhu chipenyu; Adhamu wokupedzisa akava mweya unopa upenyu. Asi hausi womweya unotanga asi unobatika kozoteverwa nowomweya. Munhu wokutanga akabva kuvhu, munhu wevhu. Munhu wechipiri anobva kudenga. Vanhu vehuruva vakafanana nomunhu uya wevhu, saizvozvowo vanhu vokudenga vakafanana nomunhu wokudenga. Sokutodzana kwatakaita nomunhu wehuruva tichatodzanawo noMunhu wokudenga.
Verenga chikamu 1 Vakorinde 15
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 1 Vakorinde 15:35-49
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo