1 Makoronike 23:30-31
1 Makoronike 23:30-31 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Vaifanirawo zvakare kumira mangwanani oga oga vachitenda uye vachirumbidza Jehovha. Vaifanira kuita zvimwe chetezvo manheru uye napose paipiwa zvipiriso zvinopiswa kuna Jehovha pamaSabata uye napamitambo yoKugara kwoMwedzi napane mimwe mitambo yakarayirwa. Vaifanira kushanda pamberi paJehovha nguva dzose nouwandu hwaidiwa uye nenzira yavakanga varayirwa kuti vaiite.

1 Makoronike 23:30-31 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
nokumira mangwanani ose vachivonga nokurumbidza Jehovha, uye madekwanawo saizvozvo; nokubayira Jehovha zvipiriso zvose zvinopiswa, pamaSabata, napakugara kwemwedzi, napamitambo yakatarwa panguva dzose dzakarairwa, mazuva ose pamberi paJehovha.
1 Makoronike 23:30-31 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndivo zvino vakanga vava vokumira mangwanani oga oga vachitenda Tenzi vachimurumbidza, manheru voitawo zvimwechetezvo; napose paipirwa kuna Tenzi mipiro yokupisa pamisi yeSabata neyokugara kwemwedzi namamwe mazuva makuru zvichifambiranawo nouwandi hwavo sezvavakanzi vagare vachiita pana Tenzi.
1 Makoronike 23:30-31 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
nokumira maŋgwanani ose ʋaciʋoŋga nokurumbidza Jehova, ʋuye maɗekwana ʋo saiɀoɀo; nokuɓayira Jehova ɀipiriso ɀose ɀinopiswa, pamasabata, napakugara kwomŋedzi, napamitambo yakatarwa paŋguʋa dzose dzakarairwa, mazuʋa ose pamberi paJehova.
1 Makoronike 23:30-31 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)