Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Makoronike 23

23
VaRevhi vanopiwa mabasa avo
1Zvino Dhavhidhi akanga akwegura, ava namazuva mazhinji; akaita Soromoni mwanakomana wake mambo waIsiraeri.
2Akaunganidza machinda ose aIsiraeri pamwechete navapristi navaRevhi. 3VaRevhi vakaverengwa vanamakore makumi matatu navakapfuura ipapo; pakuwanda kwavo, vachiverengwa musoro womurume mumwe nomumwe, vakasvika zviuru zvina makumi matatu nezvisere. 4Pakati pavo vane zviuru zvina makumi maviri nezvina vaitarira mabasa eimba yaJehovha; vane zviuru zvitanhatu vaiva vatariri navatongi; 5vane zviuru zvina vaiva vatariri vemikova; vane zviuru zvina vairumbidza Jehovha nezvokuridza zvandakaita (ndizvo zvakareva Dhavhidhi) kuti arumbidzwe nazvo.
6Dhavhidhi akavakamura, akaita mapoka akaenzana navanakomana vaRevhi, Gerishoni, naKohati, naMerari.
7VokwaGerishoni: Radhani naShimei.
8Vanakomana vaRadhani: Jehieri mukuru, naZerami, naJoeri, vose vatatu.
9Vanakomana vaShimei: Sheromoti, naHazieri, naHarani, vose vatatu. Ndivo vaiva vakuru vedzimba dzamadzibaba aRadhani. 10Vanakomana vaShimei: Jahati, naZina, naJeushi, naBheriya. Ava vana vakanga vari vanakomana vaShimei. 11Jahati akanga ari mukuru, wechipiri Ziza; asi Jeushi naBheriya vakanga vasina vanakomana vazhinji saka vakaverengwa vachiita imba imwe yamadzibaba.
12Vanakomana vaKohati: Amirami, naIshari, naHebhuroni, naUzieri, vose vana. 13Vanakomana vaAmirami: Aroni, naMosesi; Aroni ndiye akatsaurwa, kuti anatse zvinhu zvitsene-tsvene, iye navanakomana vake, nokusingaperi; kuti vapise zvinonhuwira pamberi paJehovha, nokumushumira, nokuropafadza vanhu nezita rake nokusingaperi. 14Asi kana ari Mosesi munhu waMwari, vanakomana vake vakaverengwa kurudzi rwaRevhi.
15Vanakomana vaMosesi: Gerishomi naEriezeri. 16Vanakomana vaGerishomi: Shebhueri mukuru. 17Vanakomana vaEriezeri: Rehabhia mukuru. Eriezeri akanga asina vamwe vanakomana; asi vanakomana vaRehabhia vakanga vari vazhinji-zhinji. 18Vanakomana vaIshari: Sheromiti mukuru.
19Vanakomana vaHebhuroni: Jeria mukuru, Amaria wechipiri, Jahazieri wechitatu, Jekameami wechina. 20Vanakomana vaUzieri: Mika mukuru, naIshia wechipiri.
21Vanakomana vaMerari: Mari naMushi. Vanakomana vaMari: Eriazari naKishi. 22Eriazari akafa asina vanakomana, asi vanasikana voga; hama dzavo, vanakomana vaKishi, dzikavawana. 23Vanakomana vaMushi: Mari, naEdheri, naJeremoti, vose vatatu.
24Ndivo vaiva vanakomana vaRevhi, nedzimba dzamadzibaba avo, ivo vakuru vedzimba dzamadzibaba vakaverengwa pakati pavo, vachiverengwa namazita avo musoro womumwe nomumwe, vaibata basa paimba yaJehovha, vanamakore makumi maviri navakapfuura ipapo.
25Nokuti Dhavhidhi wakati, “Jehovha Mwari waIsiraeri wakazorodza vanhu vake; iye anogara Jerusaremu nokusingaperi; 26uye vaRevhi havachazofaniri kutakura tabhenekari nenhumbi dzayo dzokubata mabasa ayo.” 27Nokuti namashoko aDhavhidhi okupedzisira vanakomana vaRevhi vakaverengwa, vanamakore makumi maviri navakapfuura ipapo. 28Nokuti basa ravo rakanga riri rokubatsira vanakomana vaAroni pakushumira paimba yaJehovha, pavazhe, napamakamuri, napakusuka zvinhu zvitsvene, riri basa rokushumira paimba yaMwari; 29nokugadzira zvingwa zvokuratidza, noupfu hwakatsetseka hwechipiriso choupfu, kana chezvingwa zvitete zvisina mbiriso, kana zvakabikwa mugango, kana zvakakanyiwa namafuta, marudzi ose ezviyero nezvitanda zvokuyera nazvo; 30nokumira mangwanani ose vachivonga nokurumbidza Jehovha, uye madekwanawo saizvozvo; 31nokubayira Jehovha zvipiriso zvose zvinopiswa, pamaSabata, napakugara kwemwedzi, napamitambo yakatarwa panguva dzose dzakarairwa, mazuva ose pamberi paJehovha. 32Uye kuti vachengete tende rokusangana, nokuchengeta nzvimbo tsvene, nokuchengeta vanakomana vaAroni, hama dzavo, pabasa reimba yaJehovha.

Zvasarudzwa nguva ino

1 Makoronike 23: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda