1 Makoronike 24
24
Dhavhidhi anokamura vapristi
1Zvino mapoka avanakomana vaAroni akanga akadai: vanakomana vaAroni: Nadhabhi, naAbhihu, naEriazari, naItamari. 2Asi Nadhabhi naAbhihu vakafa vasina vana, baba vavo vachiri vapenyu; saka Eriazari naItamari vakabata basa roupristi. 3Dhavhidhi, pamwechete naZadhoki, mumwe wavanakomana vaEriazari, naAhimereki, mumwe wavanakomana vaItamari, vakakamura sezvavakanga vagoverwa mabasa avo. 4Vakawana vakuru vazhinji pakati pavanakomana vaEriazari kupfuura pakati pavanakomana vaItamari; vakakamurwa kudai: Pakati pavanakomana vaEriazari kwakanga kuna vane gumi navatanhatu, vaiva vakuru vedzimba dzamadzibaba; napakati pavanakomana vaItamari, nedzimba dzamadzibaba avo vakanga vari vasere. 5Nokudaro vakakamurwa nemijenya, mumwe pano mumwe koko; nokuti kwakanga kuna machinda eimba tsvene, namachinda aMwari pakati pavanakomana vaItamari.
6Shemaya mwanakomana waNetaneri, munyori, akanga ari wavaRevhi, akavanyora pamberi pamambo, namachinda, nomupristi Zadhoki, naAhimereki mwanakomana waAbhiyatari, navakuru vedzimba dzamadzibaba avapristi navaRevhi; vachitsaura mhuri imwe kuna Eriazari, nemhuri imwe kuna Itamari.
7Zvino mujenya wokutanga wakabata Jehorayaribhi, wechipiri Jedheiya; 8wechitatu Harimi, wechina Seorimi, 9weshanu Marikiya, wetanhatu, Miyamini; 10wechinomwe Hakozi, worusere Abhija; 11wepfumbamwe Jeshua, wegumi Shekania; 12wegumi nomumwe Eriashibhi, wegumi nemiviri Jakimi; 13wegumi nemitatu Hupa, wegumi nemina Jeshebheabhi; 14wegumi nemishanu Bhiriga, wegumi nemitanhatu Imeri; 15wegumi neminomwe Heziri, wegumi nemisere Hapizeri; 16wegumi nemipfumbamwe Petahia, wamakumi maviri Jehezekeri; 17wamakumi maviri nomumwe Jakini, wamakumi maviri nemiviri Gamuri; 18wamakumi maviri nemitatu Dheraya, wamakumi maviri nemina Maazia.
19Ndiko kukamurwa kwavo pamabasa avo, kuti vapinde imba yaJehovha pavakanga varairwa napo naAroni baba vavo, sezvaakarairwa naJehovha Mwari waIsiraeri.
Vakuru vavanakomana vaRevhi
20Kana vari vamwe vanakomana vaRevhi, vanakomana vaAmirami: Shubhaeri; vavanakomana vaShubhaeri: Jedheiya.
21VaRehabhia: vavanakomana vaRehabhia: Ishia mukuru.
22VavaIzhari: Sheromoti; vavanakomana vaSheromoti: Jahati.
23Vavanakomana vaHebhuroni: Jeria mukuru, naAmaria wechipiri, naJahazieri wechitatu, naJekemeami wechina.
24Vanakomana vaUzieri: Mika; vavanakomana vaMika: Shamiri. 25Munun'una waMika: Ishia; vavanakomana vaIshia Zekariya. 26Vanakomana vaMerari: Mari naMushi; vanakomana vaJazia: Bheno. 27Vanakomana vaMerari: vaJazia: Bheno, naShohami, naZakuri, naIbhiri. 28VaMari: Eriazari, wakanga asina vanakomana. 29VaKishi: vanakomana vaKishi: Jerameeri. 30Vanakomana vaMushi: Mari, naEdheri, naJerimoti. Ndivo vakanga vari vanakomana vaRevhi, nedzimba dzamadzibaba avo.
31Naivo vakakandawo mijenya sehama dzavo, ivo vanakomana vaAroni pamberi pamambo Dhavhidhi, naZadhoki, naAhimereki, navakuru vedzimba dzamadzibaba dzavapristi navaRevhi; dzimba dzamadzibaba dzomukuru dzaiverengwa sedzomunun'una wake.
Zvasarudzwa nguva ino
1 Makoronike 24: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
![None](/_next/image?url=https%3A%2F%2Fimageproxy.youversionapi.com%2F58%2Fhttps%3A%2F%2Fweb-assets.youversion.com%2Fapp-icons%2Fsn.png&w=128&q=75)
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002