I Makoronike 23
23
ƲaRevi ʋanopiwa maɓasa aʋo.
1Ɀino Davidi wakaŋga akwegura, aʋa namazuʋa mazhinji; akaita Soromoni mŋanakomana wake mambo waIsraeri. 2Akaʋuŋganidza macinda ose aIsraeri pamne cete naʋaprista naʋaRevi. 3ƲaRevi ʋakaʋereŋgwa ʋanamakore makumi matatu naʋakapfuʋura ipapo; pakuwanda kwaʋo, ʋaciʋereŋgwa musoro womurume mumŋe nomumŋe, ʋakaȿika ɀuru ɀinamakumi matatu neɀisere. 4Pakati paʋo ʋaneɀuru ɀinamakumi maʋiri neɀinna ʋaitarira maɓasa eimba yaJehova; ʋaneɀuru ɀitanhatu ʋaiʋa ʋatariri naʋatoŋgi; 5ʋaneɀuru ɀinna ʋaiʋa ʋatariri ʋemikoʋa; ʋaneɀuru ɀinna ʋairumbidza Jehova neɀokuridza ɀandakaita (ndiɀo ɀakareʋa Davidi) kuti arumbidzwe naɀo. 6Davidi akaʋakamura, akaita mapoka akaenzana naʋanakomana ʋaRevi, Gershoni, naKohati, naMerari. 7ƲokwaGershoni: Radani naShimei. 8Ʋanakomana ʋaRadani: Jehieri mukuru, naZetami, naJoeri, ʋose ʋatatu. 9Ʋanakomana ʋaShimei: Sheromoti, naHazieri, naHarani, ʋose ʋatatu. Ndiʋo ʋaiʋa ʋakuru ʋedzimba dzamadziɓaɓa aRadani. 10Ʋanakomana ʋaShimei: Jahati, naZina, naJeushi, naBeria. Aʋa ʋanna ʋakaŋga ʋari ʋanakomana ʋaShimei. 11Jahati wakaŋga ari mukuru, wecipiri Ziza; asi Jeushi naBeria ʋakaŋga ʋasinaʋanakomana ʋazhinji; saka ʋakaʋereŋgwa ʋaciita imba imŋe yamadziɓaɓa. 12Ʋanakomana ʋaKohati: Amrami, naIshari, naHebroni, naUzieri, ʋose ʋanna. 13Ʋanakomana ʋaAmrami: Aroni, naMosesi; Aroni ndiye wakatsaurwa, kuti anatse ɀinhu ɀitȿene‐tȿene, iye naʋanakomana ʋake, nokusiŋgaperi; kuti ʋapise ɀinonhuwira pamberi paJehova, nokumushumira, nokuropafadza ʋanhu nezita rake nokusiŋgaperi. 14Asi kana ari Mosesi munhu waMŋari, ʋanakomana ʋake ʋakaʋereŋgwa kurudzi rwaRevi. 15Ʋanakomana ʋaMosesi: Gershomi naEriezeri. 16Ʋanakomana ʋaGershomi: Shebueri mukuru. 17Ʋanakomana ʋaEriezeri: Rehabia mukuru. Eriezeri wakaŋga asinaʋamŋe ʋanakomana; asi ʋanakomana ʋaRehabia ʋakaŋga ʋari ʋazhinji‐zhinji. 18Ʋanakomana ʋaIshari: Sheromiti mukuru. 19Ʋanakomana ʋaHebroni: Jeria mukuru, Amaria wecipiri, Jahazieri wecitatu, Jekameami wecinna. 20Ʋanakomana ʋaUzieri: Mika mukuru, naIshia wecipiri. 21Ʋanakomana ʋaMerari: Mari naMushi. Ʋanakomana ʋaMari: Ereazari naKishi. 22Ereazari wakafa asinaʋanakomana, asi ʋanasikana ʋoga; hama dzaʋo, ʋanakomana ʋaKishi, dzikaʋawana. 23Ʋanakomana ʋaMushi: Mari, naEderi, naJeremoti, ʋose ʋatatu. 24Ndiʋo ʋaiʋa ʋanakomana ʋaRevi, nedzimba dzamadziɓaɓa aʋo, iʋo ʋakuru ʋedzimba dzamadziɓaɓa ʋakaʋereŋgwa pakati paʋo, ʋaciʋereŋgwa namazita aʋo musoro womumŋe nomumŋe, ʋaiɓate‐ɓasa paimba yaJehova, ʋanamakore makumi maʋiri naʋakapfuʋura ipapo. 25Nokuti Davidi wakati: Jehova Mŋari waIsraeri wakazorodza ʋanhu ʋake; iye unogara Jerusarema nokusiŋgaperi; 26ʋuye ʋaRevi haʋacazofaniri kutakura tabernakeri nenhumbi dzayo dzokuɓata maɓasa ayo. 27Nokuti namashoko aDavidi okupedzisira ʋanakomana ʋaRevi ʋakaʋereŋgwa, ʋanamakore makumi maʋiri naʋakapfuʋura ipapo. 28Nokuti ɓasa raʋo rakaŋga riri rokuɓatsira ʋanakomana ʋaAroni pakushumira paimba yaJehova, paʋazhe, napamakamuri, napakusuka ɀinhu ɀitȿene, riri ɓasa rokushumira paimba yaMŋari; 29nokugadzira ɀiŋgwa ɀokuratidza, noʋupfu bgakatsetseka bgecipiriso coʋupfu, kana ceɀiŋgwa ɀitete ɀisinembiriso, kana ɀakaɓikwa mugaŋgo, kana ɀakakanyiwa namafuta, marudzi ose eɀiyero neɀitanda ɀokuyera naɀo; 30nokumira maŋgwanani ose ʋaciʋoŋga nokurumbidza Jehova, ʋuye maɗekwana ʋo saiɀoɀo; 31nokuɓayira Jehova ɀipiriso ɀose ɀinopiswa, pamasabata, napakugara kwomŋedzi, napamitambo yakatarwa paŋguʋa dzose dzakarairwa, mazuʋa ose pamberi paJehova. 32Ʋuye kuti ʋaceŋgete tente rokusoŋgana, nokuceŋgeta nɀimbo tȿene, nokuceŋgeta ʋanakomana ʋaAroni, hama dzaʋo, paɓasa reimba yaJehova.
Zvasarudzwa nguva ino
I Makoronike 23: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018