Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

I Makoronike 22

22
1Davidi akati: Iyi ndiyo imba yaJehova Mŋari, neyiyi ndiyo artari yokupisira ɀipiriso ɀaIsraeri.
Davidi unogadzira ɀokuʋaka tembere naɀo.
2Ɀino Davidi wakaraira kuti ʋatorwa ʋakaŋga ʋari panyika yaIsraeri ʋaʋuŋganidzwe; akagadza ʋaʋezi ʋamabge, kuti ʋaʋeze mabge okuʋaka nawo imba yaMŋari. 3Davidi akagadzira ʋo matare mazhinji okupfura nawo mbambo dzamagonhi amasuʋo neɀikorekedzo; ʋuye ndarira zhinji isina‐kuidzwa kurema kwayo. 4Namatanda emisidari asina‐kuʋereŋgwa; nokuti ʋaZidoni naʋeTire ʋakaʋuya nemisidari yakawanda kunaDavidi. 5Davidi akati: Soromoni mŋanakomana waŋgu uciri muɗuku usinesimba, ʋuye imba, inofanira kuʋakirwa Jehova, inofanira kuʋa huru kwaɀo, iŋgarumbidzwa nokukudzwa panyika dzose; saka ini ndicaigadzirira. Naiɀoɀo Davidi akagadzira ɀizhinji asati afa.
6Ipapo akaɗana Soromoni mŋanakomana wake, akamuraira kuti aʋakire Jehova Mŋari waIsraeri imba. 7Davidi akati kunaSoromoni mŋanakomana wake: Kana ndirini, ndakaŋga ndiciti mumŋoyo maŋgu ndicaʋakira zita raJehova Mŋari waŋgu imba. 8Asi shoko raJehova rakaȿika kwandiri, riciti: Iwe wakateʋura ropa rakawanda, ʋuye wakarwa ɀizhinji; iwe hauŋgaʋakiri zita raŋgu imba, nokuti wakateʋura ropa rakawanda panyika pamberi paŋgu; 9asi tarira, ucaɓerekerwa mŋanakomana, ucaʋa munhu wezororo; ndicamuzorodza paʋaʋeŋgi ʋake ʋose ʋanomupoteredza; nokuti zita rake ricanzi Soromoni, ndicapa Israeri rugare nokunyarara pamazuʋa ake; 10iye ucaʋakira zita raŋgu imba; iye ucaʋa mŋanakomana waŋgu, neni ndicaʋa ɓaɓa ʋake; ini ndicasimbisa cigaro cake coʋushe pakati paIsraeri nokusiŋgaperi. 11Ɀino, mŋana waŋgu, Jehova ŋgaaʋe newe; ufambiswe ɀakanaka iwe, uʋake imba yaJehova Mŋari wako, seɀaakataura pamsoro pako. 12Asi Jehova ŋgaakupe kuŋgwara nokucenjera, akuraire pamsoro paIsraeri; kuti saiɀoɀo uceŋgete murairo waJehova Mŋari wako. 13Nokuɗaro ucafambiswa ɀakanaka, kana ucicenjera kuita mitemo neɀakatoŋgwa, ɀakarairwa Mosesi naJehova pamsoro paIsraeri; simba, utsuŋge mŋoyo, usatya kana kuvunduswa. 14Ɀino tarira, ndakatambura ndicigadzirira imba yaJehova matarenta aneɀuru ɀinezana ɀendarama, namatarenta anecuru ceɀuru esirveri; nendarira namatare ɀisinakuidzwa, nokuti ɀakawanda kwaɀo#22:14 Mari ineŋge £400,000,000.; ndakagadzira ʋo matanda namabge; newe uŋgawedzera hako paɀiri. 15Ʋuye ʋaɓati unaʋo ʋazhinji, ʋaputsi naʋaʋezi ʋamabge namatanda, naʋarume ʋose ʋakaŋgwara pamaɓasa ose; 16ndarama, nesirveri, nendarira, namatare haɀiŋgaʋereŋgwi; simuka, uɓate, Jehova aʋe newe. 17Davidi akaraira ʋo macinda ose aIsraeri kuti ʋaɓatsire Soromoni mŋanakomana wake, akati: 18Ko Jehova Mŋari wenyu haazi nemi here? Haana‐kukuzorodzai kumatiʋi ose here? Nokuti wakaisa ʋanhu ʋagere panyika iyi muruʋoko rwaŋgu; ɀino nyika yakundwa pamberi paJehova napamberi paʋanhu ʋake. 19Ɀino shiŋgairai nemŋoyo yenyu ʋuye nemŋeya yenyu kutȿaka Jehova Mŋari wenyu; naiɀoɀo simukai muʋake imba tȿene yaJehova Mŋari, kuti mugoisa areka yesuŋgano yaJehova nenhumbi tȿene dzaMŋari muimba inofanira kuʋakirwa zita raJehova.

Zvasarudzwa nguva ino

I Makoronike 22: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda