I Makoronike 21
21
Davidi unoʋereŋga ʋaIsraeri, ʋanhu ndokurobga neɗenda.
1Ɀino Satani wakamukira ʋaIsraeri, akakurudzira Davidi kuti aʋereŋge ʋaIsraeri. 2Davidi akati kunaJoabi nokumacinda aʋanhu: Endai mundoʋereŋga ʋaIsraeri kubva paBeeri‐sheba kuȿikira paDani; mudzoke neshoko, ndiziʋe kuwanda kwaʋo. 3Joabi akati: Jehova ŋgaawedzere ʋanhu ʋake runezana pakuwanda kwaʋo ɀino; asi ishe waŋgu mambo, ʋose haʋazi ʋaranda ʋashe waŋgu here? Ishe waŋgu unotȿakireiko cinhu ici? Ucapinzireiko ʋaIsraeri pamhoȿa? 4Kunyaŋge ɀakaɗaro shoko ramambo rakakurira Joabi. Ɀino Joabi akaenda, akapota pakati paʋaIsraeri ʋose, akaȿika Jerusarema. 5Joabi akarondedzera kuwanda kwaʋanhu kunaDavidi. ƲaIsraeri ʋose ʋakaȿika ɀuru ɀineɀuru neɀuru ɀinezana ɀaʋanhu ʋaigona kurwa nomunondo; ʋuye ʋaJuda ʋakaȿika ɀuru ɀamazana manna namakumi manomŋe ʋaigona kurwa nomunondo. 6Asi haana‐kuʋereŋga ʋaRevi naʋaBenjamini pakati paʋo; nokuti shoko ramambo rakaŋga rakaipa kwaɀo kunaJoabi. 7Ɀino Mŋari wakaŋga asiŋgafari necinhu ici; saka wakaroʋa Israeri. 8Davidi akati kunaMŋari: Ndatadza kwaɀo ɀandaita cinhu ici; asi ɀino bvisai henyu kuipa kwomuranda wenyu; nokuti ndaita seɓenzi kwaɀo. 9Jehova akataura naGadi, muʋoni waDavidi, akati: 10Enda undotaura naDavidi, uti: Ɀanzi naJehova: Ndinokuisira ɀinhu ɀitatu, ciɀitsaurira cimŋe caɀo, ndikuitire ico. 11Ɀino Gadi akaenda kunaDavidi, akati kwaari: Ɀanzi naJehova: Citsaura caunoɗa; 12makore matatu enzara, kana kuparadzwa naʋaʋeŋgi ʋako mŋedzi mitatu, ucidziŋgwa nomunondo waʋaʋeŋgi ʋako, kana munondo waJehova mazuʋa matatu, ndiro ɗenda panyika, mutumŋa waJehova aciparadza panyika yose yaIsraeri. Ɀino cifuŋga hako, uraŋgarire mhinduro yandiŋgadzosera kunaiye wakandituma. 13Ipapo Davidi akati kunaGadi: Ndiri pakumanikidzwa kukuru; ndiwire haŋgu ɀino muruʋoko rwaJehova, nokuti nyasha dzake ihuru, asi ndirege haŋgu kuwira muruʋoko rwomunhu. 14Ipapo Jehova akatuma ɗenda pakati paIsraeri; ʋarume ʋaneɀuru ɀinamakumi manomŋe ʋakafa pakati paIsraeri. 15Mŋari akatuma mutumŋa Jerusarema kuzoriparadza; ɀino wakati oɗa kuparadza, Jehova akatarira, akaɀiɗemba pamsoro pecinhu ico cakaipa, akati kumutumŋa wakaŋga aciparadza: Ndiɀo, cidzosa ruʋoko rwako. Ɀino mutumŋa waJehova wakaŋga amire paɓuriro raOrnani muJebusi. 16Davidi akatarira, akaʋona mutumŋa waJehova amire pakati penyika nokuɗeŋga, akaɓata munondo wakavomorwa muruʋoko rwake, wakatambanudzwa pamsoro peJerusarema. Ipapo Davidi naʋakuru ʋakawira pasi neɀiso ɀaʋo, ʋakafuka magumbu. 17Ɀino Davidi akati kunaMŋari: Ko handizi ini here ndakaraira kuti ʋanhu ʋaʋereŋgwe? Ndini ndakatadza haŋgu ndikaita ɀakaipa ɀikuru; asi makwai awa akaiteiko? Jehova Mŋari waŋgu, ruʋoko rwenyu ŋgarundiroʋe harwo ini neimba yaɓaɓa ʋaŋgu; asi ŋgarurege kuroʋa ʋanhu ʋenyu, nokuʋatambudza. 18Ipapo mutumŋa waJehova wakaraira Gadi kuti aʋudze Davidi kuti Davidi akwire aʋakire Jehova artari paɓuriro raOrnani muJebusi. 19Davidi akakwira nokureʋa kwaGadi kwaakataura nezita raJehova. 20Ornani akaceuka, akaʋona mutumŋa; ʋanakomana ʋake ʋanna, ʋaiʋa naye, ʋakaʋanda. Ɀino Ornani wakaŋga acipura ɀiyo. 21Davidi wakati aciȿika kunaOrnani, Ornani akatarira akaʋona Davidi, akaɓuɗa paɓuriro, akakotamira pasi neciso cake pamberi paDavidi. 22Ipapo Davidi akati kunaOrnani: Ndipe nɀimbo yeɓuriro iri, kuti ndiʋakire’po artari kunaJehova; unofanira kundipa iro nditeŋge nomuteŋgo wakafanira, kuti ɗenda ripere pakati paʋanhu. 23Ipapo Ornani akati kunaDavidi: Ritorei henyu, ishe waŋgu, mambo aite seɀaanoɗa; tarirai, ndinokupai nzombe ɀiʋe ɀipiriso ɀinopiswa, nenhumbi dzokupura nadzo dziʋe huni, neɀiyo ciʋe cipiriso coʋupfu; ndinoɀipa ɀose. 24Mambo Davidi akati kunaOrnani: Kwete, asi ɀirokwaɀo ndicariteŋga nomuteŋgo wakafanira; nokuti handiŋgatori cinhu cako ndikapa Jehova, kana kuʋuya necipiriso cinopiswa cisinomuteŋgo. 25Naiɀoɀo Davidi akapa Ornani mashekeri anamazana matanhatu endarama#21:25 Mari ineŋge £1,200. pakurema kwawo, uri muteŋgo wenɀimbo iyo. 26Davidi akaʋakira Jehova artari ipapo, akaɓayira ɀipiriso ɀinopiswa neɀipiriso ɀokuyananisa, akashumira Jehova; iye akamupindura nomŋoto wakabva kuɗeŋga ukawira paartari yecipiriso cinopiswa. 27Jehova akaraira mutumŋa, iye akadzosera ɀe munondo wake mumuhara wawo.
28Ɀino neŋguʋa iyo Davidi wakati aʋona kuti Jehova wamupindura paɓuriro raOrnani muJebusi, akaɓayira’po. 29Nokuti paŋguʋa iyo tabernakeri yaJehova, yakaŋga yaʋakwa naMosesi murenje, neartari yokupisira ɀipiriso, ɀakaŋga ɀiri paɗunhu rakakwirira paGibeoni. 30Asi Davidi wakaŋga asiŋgagoni kuenda’ko kuzobvunza Mŋari pamberi payo; nokuti wakaŋga acitya nemhaka yomunondo womutumŋa waJehova.
Zvasarudzwa nguva ino
I Makoronike 21: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018