Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 89:19-52

Mapisarema 89:19-52 BDSC

Ipapo makataura muchiratidzo, mukati, kuvanhu venyu vakatendeka: “Ndakaisa simba pamusoro pemhare; ndakasimudzira jaya pakati pavanhu. Ndakawana Dhavhidhi muranda wangu; ndakamuzodza namafuta matsvene. Ruoko rwangu ruchamutsigira; zvirokwazvo chanza changu chichamusimbisa. Hakuna muvengi achamuripisa mutero; hakuna munhu akaipa achamudzvinyirira. Ndichapwanya vavengi vake pamberi pake, uye ndicharovera pasi vadzivisi vake. Rudo rwangu rwakatendeka ruchava naye, uye runyanga rwake ruchasimudzirwa muzita rangu. Ndichaisa ruoko rwake pamusoro pegungwa, ruoko rwake rworudyi pamusoro penzizi. Iye achadana kwandiri, achiti, ‘Ndimi Baba vangu, Mwari wangu, Dombo noMuponesi wangu.’ Ndichamugadzawo kuti ave dangwe rangu, iye anokudzwa zvikuru pamadzimambo enyika. Ndichachengetedza rudo rwangu kwaari nokusingaperi, uye sungano yangu naye haitongoperi. Ndichasimbisa imba yake nokusingaperi, uye nechigaro chake choushe chero matenga achingovapo. “Kana vana vake vakasiya murayiro wangu, uye vakasatevera zvandakatema, kana vakazvidza mitemo yangu, uye vakakoniwa kuchengeta mirayiro yangu, ndicharanga chivi chavo neshamhu, uye kuipa kwavo nokurova kukuru; asi handizobvisi rudo rwangu kwavari, kana kuzombopandukira kutendeka kwangu. Handizozvidzi sungano yangu kana kushandura zvakarehwa nemiromo yangu. Kamwe chete, ndakapika noutsvene hwangu, uye handingarevi nhema kuna Dhavhidhi, kuti imba yake icharamba iripo nokusingaperi uye chigaro chake choushe chichagara pamberi pangu sezuva; chichasimbiswa nokusingaperi somwedzi, chapupu chakatendeka chiri kudenga.” Sera Asi imi makaramba, makavenga, makatsamwira kwazvo muzodziwa wenyu. Makaparadza sungano yomuranda wenyu uye mukasvibisa korona yake muguruva. Makaputsa masvingo ake ose mukaita nhare dzake matongo. Vose vanopfuura napo vanomupamba; ava chiseko chavavakidzani vake. Makasimudzira ruoko rworudyi rwavavengi vake; makaita kuti vavengi vake vose vafare. Makadzosera shure munondo wake unopinza, uye hamuna kumutsigira pakurwa. Makagumisa kubwinya kwake, mukawisira pasi chigaro chake choushe. Makatapudza mazuva oujaya hwake; makamufukidza nejasi renyadzi. Sera Haiwa Jehovha kusvikira riniko? Muchazvivanza nokusingaperi here? Hasha dzenyu dzichapisa somoto kusvikira riniko? Rangarirai kuti upenyu hwangu hunopfuura sei. Nokuti makasikira vanhu vose zvisina maturo! Ko, munhu ndoupi angararama akasaona rufu, kana angazviponesa pasimba reguva? Sera Haiwa Ishe, rudo rwenyu rukuru rwekare rwuripiko, irwo rwamakapika nokutendeka kwenyu kuna Dhavhidhi? Rangarirai, Ishe kuti muranda wenyu aisekwa sei, kuti ndaitakura sei muchipfuva changu kutuka kwendudzi dzose, kutuka uko vavengi venyu vaikusekai nako, imi Jehovha, pavaiseka nhambwe imwe neimwe yomuzodziwa wenyu. Jehovha ngaarumbidzwe nokusingaperi! Ameni naAmeni.