Mapisarema 89:19-52
Mapisarema 89:19-52 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo makataura muchiratidzo, mukati, kuvanhu venyu vakatendeka: “Ndakaisa simba pamusoro pemhare; ndakasimudzira jaya pakati pavanhu. Ndakawana Dhavhidhi muranda wangu; ndakamuzodza namafuta matsvene. Ruoko rwangu ruchamutsigira; zvirokwazvo chanza changu chichamusimbisa. Hakuna muvengi achamuripisa mutero; hakuna munhu akaipa achamudzvinyirira. Ndichapwanya vavengi vake pamberi pake, uye ndicharovera pasi vadzivisi vake. Rudo rwangu rwakatendeka ruchava naye, uye runyanga rwake ruchasimudzirwa muzita rangu. Ndichaisa ruoko rwake pamusoro pegungwa, ruoko rwake rworudyi pamusoro penzizi. Iye achadana kwandiri, achiti, ‘Ndimi Baba vangu, Mwari wangu, Dombo noMuponesi wangu.’ Ndichamugadzawo kuti ave dangwe rangu, iye anokudzwa zvikuru pamadzimambo enyika. Ndichachengetedza rudo rwangu kwaari nokusingaperi, uye sungano yangu naye haitongoperi. Ndichasimbisa imba yake nokusingaperi, uye nechigaro chake choushe chero matenga achingovapo. “Kana vana vake vakasiya murayiro wangu, uye vakasatevera zvandakatema, kana vakazvidza mitemo yangu, uye vakakoniwa kuchengeta mirayiro yangu, ndicharanga chivi chavo neshamhu, uye kuipa kwavo nokurova kukuru; asi handizobvisi rudo rwangu kwavari, kana kuzombopandukira kutendeka kwangu. Handizozvidzi sungano yangu kana kushandura zvakarehwa nemiromo yangu. Kamwe chete, ndakapika noutsvene hwangu, uye handingarevi nhema kuna Dhavhidhi, kuti imba yake icharamba iripo nokusingaperi uye chigaro chake choushe chichagara pamberi pangu sezuva; chichasimbiswa nokusingaperi somwedzi, chapupu chakatendeka chiri kudenga.” Sera Asi imi makaramba, makavenga, makatsamwira kwazvo muzodziwa wenyu. Makaparadza sungano yomuranda wenyu uye mukasvibisa korona yake muguruva. Makaputsa masvingo ake ose mukaita nhare dzake matongo. Vose vanopfuura napo vanomupamba; ava chiseko chavavakidzani vake. Makasimudzira ruoko rworudyi rwavavengi vake; makaita kuti vavengi vake vose vafare. Makadzosera shure munondo wake unopinza, uye hamuna kumutsigira pakurwa. Makagumisa kubwinya kwake, mukawisira pasi chigaro chake choushe. Makatapudza mazuva oujaya hwake; makamufukidza nejasi renyadzi. Sera Haiwa Jehovha kusvikira riniko? Muchazvivanza nokusingaperi here? Hasha dzenyu dzichapisa somoto kusvikira riniko? Rangarirai kuti upenyu hwangu hunopfuura sei. Nokuti makasikira vanhu vose zvisina maturo! Ko, munhu ndoupi angararama akasaona rufu, kana angazviponesa pasimba reguva? Sera Haiwa Ishe, rudo rwenyu rukuru rwekare rwuripiko, irwo rwamakapika nokutendeka kwenyu kuna Dhavhidhi? Rangarirai, Ishe kuti muranda wenyu aisekwa sei, kuti ndaitakura sei muchipfuva changu kutuka kwendudzi dzose, kutuka uko vavengi venyu vaikusekai nako, imi Jehovha, pavaiseka nhambwe imwe neimwe yomuzodziwa wenyu. Jehovha ngaarumbidzwe nokusingaperi! Ameni naAmeni.
Mapisarema 89:19-52 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Panguva iyo makataura navatsvene venyu pakuzviratidza kwenyu, Mukati, “Ndakabatsira mhare; Ndakasimudza mumwe wakasanangurwa pakati pavanhu. Ndakawana Dhavhidhi muranda wangu; Ndakamuzodza namafuta angu matsvene; Chanza changu chichasimbiswa naye; Ruoko rwanguo ruchamusimbisa. Muvengi haangamumanikidzi; Mwanakomana wezvakaipa haangamutambudzi. Ndichaparadza vadzivisi vake pamberi pake, Ndicharova vanomuvenga. Asi kutendeka kwangu nengoni dzangu zvichava naye; Runyanga rwake ruchasimudzwa nezita rangu. Ndichaisawo ruoko rwake pamusoro pegungwa, Noruoko rwake rworudyi pamusoro penzizi. Iye achadana kwandiri, achiti, ‘Ndimi baba vangu, Mwari wangu, nedombo rokuponeswa kwangu.’ Ndichamuitawo dangwe rangu, Mukuru wamadzimambo apasi. Ndichamuchengetera ngoni dzangu nokusingaperi, Sungano yangu icharamba yakasimba kwaari. Vana vake ndichavagarisawo nokusingaperi, Chigaro chake choushe chichafanana namazuva okudenga. Kana vana vake vakasiya murayiro wangu, Vakasafamba nezvandakatonga; Kana vakazvidza zvandakatema, Vakasachengeta mirau yangu; Ipapo ndichavaranga neshamhu pamusoro pokudarika kwavo, Uye nokurova pamusoro pokuipa kwavo. Asi handingamutoreri unyoro hwangu chose, Kana kutendera kutendeka kwangu kuitiswa nhema. Sungano yangu handingaizvidzi, Kana kushandura chinhu chakabuda pamuromo wangu. Ndakapika kamwechete noutsvene hwangu; Handingarevi nhema kuna Dhavhidhi; Vana vake vachavapo nokusingaperi, Chigaro chake choushe chichafanana nezuva pamberi pangu. Chichasimbiswa nokusingaperi somwedzi, Sechapupu chakatendeka chiri kudenga.” Asi imi makarasha nokuramba, Makatsamwira muzodzwa wenyu. Makasema sungano yomuranda wenyu; Makazvidza korona yake mukaikandira pasi. Makaputsa madziro ake ose; Makaita nhare dzake matongo. Vose vanopfuura nenzira vanopamba nhumbi dzake; Wava chinhu chinosekwa navaanogara navo. Makasimudza ruoko rworudyi rwavadzivisi vake; Makafadza vavengi vake vose. Zvirokwazvo, munodzosa munondo wake unopinza, Hamuna kumusimbisa pakurwa. Makagumisa kubwinya kwake, Makawisira pasi chigaro chake choushe. Makatapudza mazuva ohujaya hwake; Makamufukidza nokunyara. Jehovha, muchazvivanza nokusingaperi kusvikira riniko? Kutsamwa kwenyu kuchapisa somoto kusvikira riniko? Haiwa, rangarirai kuti nguva yangu ipfupi kwazvo; Kuti makasikira vana vavanhu vose zvinhu zvisina maturo kwazvo! Ndoupiko munhu angararama akasaona kufa, Angarwira mweya wake pasimba reSheori here? Ishe, unyoro hwenyu hwakare huripiko, Hwamakapika kuna Dhavhidhi nokutendeka kwenyu here? Rangarirai, Ishe, kushorwa kwavaranda venyu; Kuti ndinotakura muchipfuva changu kushora kwavanhu vazhinji; Uko kwakashora vavengi venyu nako, Jehovha, Kwavakashora nako makwara omuzodzwa wenyu. Jehovha ngaavongwe nokusingaperi. Ameni, zvirokwazvo, Ameni.
Mapisarema 89:19-52 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Makazotaura ipapo muchioneso kune munhu wenyu wakatendeka muchiti, “Ndakapa rubatsiro rwangu kugamba, ndakasimudzira pamusoro mumwe wandakasarudza muvanhu. Wandakawana wacho ndiDhavhidhi, muranda wangu. Ndakamuzodza namafuta angu anoera, zvokuti simba rechanza changu richagara maari, simba roruoko rwangu richamusimbisa. Hapana muvengi achamukunda, vakaipa havachazomukurira. Ndichafanopwanya mhandu dzake ndichiuraya vanomuvenga. “Ndichatendeka kwaari uye ndichamuitira mwoyochena, pamusana pezita rangu simba rake richabudirira. Ndichaisa gungwa mumaoko ake uye nzizi dzichava muchanza chake chorudyi. Achandidana kuti, ‘Imi baba vangu. Mwari wangu nedombo rangu randinopona naro.’ Ndichamuita dangwe rangu nomukuru wamadzimambo apasi. “Ndicharamba ndiine mwoyochena kwaari nokusingaperi. Chitenderano changu naye chicharamba chakasimba. Ndichaita kuti vedzinza rake, vokutonga, varambe varipo uye chigaro chake choushe chirambe chiripo sedenga. “Kana vana vake vakakanda pasi mutemo wangu vakarega kutevera zvandinoronga, Kana kuti vakarega kuchengeta zvirevo zvangu, uye vakatyora mirao yangu, ndichavarangira chitadzo chavo neshamhu uye uipi hwavo netsarapu. Asi handiregi kuva nemwoyochena kana kusava ndakatendeka kwavari. Handimbotyora chitenderano changu kana kusandura zvandakataura. “Ndakapika noutsvene hwangu chakamwe pasina zvokurevera Dhavhidhi nhema. Ndichaita kuti vedzinza rake vokutonga varambe varipo uye chigaro chake choushe chirambe chiripo chero zuva richiri kuvheneka pamberi pangu. Chichavapo semwedzi nokusingaperi mboo yakatendeka iri mudenga.” Dzepfunde. Asi imi makasiya muzodzwa wenyu mukamuramba uye makamushatirirwa. Makaramwa chitenderano chenyu nomuranda wenyu makaumburudza ngundu yamambo muvhu. Makapaza tsvingo dzake dzose makaparadza nhare dzake dzokuzvidzivirira nadzo muhondo kusara ava matongo. Vose vanopfuura napaari vanopamba zvinhu zvake. Ava chiseko chavavakidzani vake. Makaratidza kuti vavengi vake vakunda nokusimudza ruoko rwavo rworudyi; mukaita kuti mhandu dzake dzifare. Makamininutsa bakatwa rake mukaita kuti akurirwe muhondo. Makamutorera mumaoko tsvimbo yake youmambo; makaputsira pasi chigaro chake choumambo. Makamuchembedza nokukasira, makamuzadza nenyadzi. Dzepfunde Kusvikira rinhiko nhai TENZI? Mucharamba makazvivanza nokusingaperi here? Kusvika riniko hasha dzenyu dzichiviruka somoto kudai? Yeukai kupfupika kwakaita upenyu hwangu chamakasikira munhu unobva wachishaya. Ndiani angararame asingazosvika pakufa. Ndiani angazviponese kusimba renzvimbo yavakafa. Dzepfunde. Nhai, TENZI, ko mwoyochena wenyu uya wakare uripi wamakambotsidza kuna Dhavhidhi pamusana pokutendeka kwenyu? Rangarirai TENZI kushorwa kunoitwa muranda wenyu nokutakura kwandinoita mumwoyo mangu kushorwa ikoko kunobva kuvanhu vakawanda kuchiitwa nemhandu dzenyu TENZI dzichishora muzodzwa wenyu pose paanofamba. TENZI ngaarumbidzwe nokusingaperi. Ameni, Ameni.
Mapisarema 89:19-52 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Paŋguʋa iyo makataura naʋatsene ʋenyu pakuɀiratidza kwenyu, Mukati: Ndakaɓatsira mhare; Ndakasimudza mumŋe wakasanaŋgurwa pakati paʋanhu. Ndakawana Davidi muranda waŋgu; Ndakamuzodza namafuta aŋgu matȿene; Canza caŋgu cicasimbiswa naye; Ruʋoko rwaŋgu ʋo rucamusimbisa. Muʋeŋgi haaŋgamumanikidzi; Mŋanakomana weɀakaipa haaŋgamutambudzi. Ndicaparadza ʋadziʋisi ʋake pamberi pake, Ndicaroʋa ʋanomuʋeŋga. Asi kutendeka kwaŋgu neŋgoni dzaŋgu ɀicaʋa naye; Runyaŋga rwake rucasimudzwa nezita raŋgu. Ndicaisa ʋo ruʋoko rwake pamsoro peguŋgwa, Noruʋoko rwake rworudyi pamsoro penzizi. Iye ucaɗana kwandiri, aciti: Ndimi ɓaɓa ʋaŋgu, Mŋari waŋgu, neɗombo rokuponeswa kwaŋgu. Ndicamuita ʋo ɗaŋgwe raŋgu, Mukuru wamadzimambo apasi. Ndicamuceŋgetera ŋgoni dzaŋgu nokusiŋgaperi, Suŋgano yaŋgu icaramba yakasimba kwaari. Ʋana ʋake ndicaʋagarisa ʋo nokusiŋgaperi, Cigaro cake coʋushe cicafanana namazuʋa okuɗeŋga. Kana ʋana ʋake ʋakasiya murairo waŋgu, Ʋakasafamba neɀandakatoŋga; Kana ʋakaɀidza ɀandakatema, Ʋakasaceŋgeta mirau yaŋgu; Ipapo ndicaʋaraŋga neshamhu pamsoro pokuɗarika kwaʋo, Ʋuye nokuroʋa pamsoro pokuipa kwaʋo. Asi handiŋgamutoreri ʋunyoro bgaŋgu cose, Kana kutendera kutendeka kwaŋgu kuitiswa nhema. Suŋgano yaŋgu handiŋgaiɀidzi, Kana kushandura cinhu cakaɓuɗa pamuromo waŋgu. Ndakapika kamŋe cete noʋutȿene bgaŋgu; Handiŋgareʋi nhema kunaDavidi; Ʋana ʋake ʋacaʋa’po nokusiŋgaperi, Cigaro cake coʋushe cicafanana nezuʋa pamberi paŋgu. Cicasimbiswa nokusiŋgaperi somŋedzi, Secapupu cakatendeka ciri kuɗeŋga. Asi imi makarasha nokuramba, Makatsamŋira muzodzwa wenyu. Makasema suŋgano yomuranda wenyu; Makaɀidza korona yake mukaikandira pasi. Makaputsa madziro ake ose; Makaita nhare dzake matoŋgo. Ʋose ʋanopfuʋura nenzira ʋanopamba nhumbi dzake; Waʋa cinhu cinosekwa naʋaanogara naʋo. Makasimudza ruʋoko rworudyi rwaʋadziʋisi ʋake; Makafadza ʋaʋeŋgi ʋake ʋose. Ɀirokwaɀo, munodzosa munondo wake unopinza, Hamuna‐kumusimbisa pakurwa. Makagumisa kubginya kwake, Makawisira pasi cigaro cake coʋushe. Makatapudza mazuʋa oʋujaya bgake; Makamufukidza nokunyara. Jehova, mucaɀiʋanza nokusiŋgaperi kuȿikira riniko? Kutsamŋa kwenyu kucapisa somŋoto kuȿikira riniko? Haiwa, raŋgarirai kuti ŋguʋa yaŋgu ifupi kwaɀo; Kuti makasikira ʋana ʋaʋanhu ʋose ɀinhu ɀisinamaturo kwaɀo! Ndoupiko munhu uŋgararama akasaʋona kufa, Uŋgarwira mŋeya wake pasimba reSheori here? Ishe, ʋunyoro bgenyu bgakare ʋuripiko, Bgamakapika kunaDavidi nokutendeka kwenyu here? Raŋgarirai, Ishe, kushoʋorwa kwaʋaranda ʋenyu; Kuti ndinotakura mucifuʋa caŋgu kushoʋora kwaʋanhu ʋazhinji; Uko kwakashoʋora ʋaʋeŋgi ʋenyu nako, Jehova, Kwaʋakashoʋora nako makwara omuzodzwa wenyu. Jehova ŋgaaʋoŋgwe nokusiŋgaperi. Ameni, ɀirokwaɀo, Ameni.
Mapisarema 89:19-52 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)