Panguva iyo makataura navatsvene venyu
pakuzviratidza kwenyu,
Mukati, “Ndakabatsira mhare;
Ndakasimudza mumwe wakasanangurwa pakati pavanhu.
Ndakawana Dhavhidhi muranda wangu;
Ndakamuzodza namafuta angu matsvene;
Chanza changu chichasimbiswa naye;
Ruoko rwanguo ruchamusimbisa.
Muvengi haangamumanikidzi;
Mwanakomana wezvakaipa haangamutambudzi.
Ndichaparadza vadzivisi vake pamberi pake,
Ndicharova vanomuvenga.
Asi kutendeka kwangu nengoni
dzangu zvichava naye;
Runyanga rwake ruchasimudzwa nezita rangu.
Ndichaisawo ruoko rwake pamusoro pegungwa,
Noruoko rwake rworudyi pamusoro penzizi.
Iye achadana kwandiri, achiti,
‘Ndimi baba vangu,
Mwari wangu, nedombo rokuponeswa kwangu.’
Ndichamuitawo dangwe rangu,
Mukuru wamadzimambo apasi.
Ndichamuchengetera ngoni dzangu nokusingaperi,
Sungano yangu icharamba yakasimba kwaari.
Vana vake ndichavagarisawo nokusingaperi,
Chigaro chake choushe chichafanana namazuva okudenga.
Kana vana vake vakasiya murayiro wangu,
Vakasafamba nezvandakatonga;
Kana vakazvidza zvandakatema,
Vakasachengeta mirau yangu;
Ipapo ndichavaranga neshamhu pamusoro
pokudarika kwavo,
Uye nokurova pamusoro pokuipa kwavo.
Asi handingamutoreri unyoro hwangu chose,
Kana kutendera kutendeka kwangu kuitiswa nhema.
Sungano yangu handingaizvidzi,
Kana kushandura chinhu chakabuda pamuromo wangu.
Ndakapika kamwechete noutsvene hwangu;
Handingarevi nhema kuna Dhavhidhi;
Vana vake vachavapo nokusingaperi,
Chigaro chake choushe chichafanana
nezuva pamberi pangu.
Chichasimbiswa nokusingaperi somwedzi,
Sechapupu chakatendeka chiri kudenga.”
Asi imi makarasha nokuramba,
Makatsamwira muzodzwa wenyu.
Makasema sungano yomuranda wenyu;
Makazvidza korona yake mukaikandira pasi.
Makaputsa madziro ake ose;
Makaita nhare dzake matongo.
Vose vanopfuura nenzira vanopamba nhumbi dzake;
Wava chinhu chinosekwa navaanogara navo.
Makasimudza ruoko rworudyi rwavadzivisi vake;
Makafadza vavengi vake vose.
Zvirokwazvo, munodzosa munondo wake unopinza,
Hamuna kumusimbisa pakurwa.
Makagumisa kubwinya kwake,
Makawisira pasi chigaro chake choushe.
Makatapudza mazuva ohujaya hwake;
Makamufukidza nokunyara.
Jehovha, muchazvivanza nokusingaperi kusvikira riniko?
Kutsamwa kwenyu kuchapisa somoto kusvikira riniko?
Haiwa, rangarirai kuti nguva yangu ipfupi kwazvo;
Kuti makasikira vana vavanhu vose
zvinhu zvisina maturo kwazvo!
Ndoupiko munhu angararama akasaona kufa,
Angarwira mweya wake pasimba reSheori here?
Ishe, unyoro hwenyu hwakare huripiko,
Hwamakapika kuna Dhavhidhi nokutendeka kwenyu here?
Rangarirai, Ishe, kushorwa kwavaranda venyu;
Kuti ndinotakura muchipfuva changu
kushora kwavanhu vazhinji;
Uko kwakashora vavengi venyu nako, Jehovha,
Kwavakashora nako makwara omuzodzwa wenyu.
Jehovha ngaavongwe nokusingaperi.
Ameni, zvirokwazvo, Ameni.