Makazotaura ipapo muchioneso kune munhu wenyu wakatendeka muchiti, “Ndakapa rubatsiro rwangu kugamba, ndakasimudzira pamusoro mumwe wandakasarudza muvanhu. Wandakawana wacho ndiDhavhidhi, muranda wangu. Ndakamuzodza namafuta angu anoera, zvokuti simba rechanza changu richagara maari, simba roruoko rwangu richamusimbisa. Hapana muvengi achamukunda, vakaipa havachazomukurira. Ndichafanopwanya mhandu dzake ndichiuraya vanomuvenga. “Ndichatendeka kwaari uye ndichamuitira mwoyochena, pamusana pezita rangu simba rake richabudirira. Ndichaisa gungwa mumaoko ake uye nzizi dzichava muchanza chake chorudyi. Achandidana kuti, ‘Imi baba vangu. Mwari wangu nedombo rangu randinopona naro.’ Ndichamuita dangwe rangu nomukuru wamadzimambo apasi. “Ndicharamba ndiine mwoyochena kwaari nokusingaperi. Chitenderano changu naye chicharamba chakasimba. Ndichaita kuti vedzinza rake, vokutonga, varambe varipo uye chigaro chake choushe chirambe chiripo sedenga. “Kana vana vake vakakanda pasi mutemo wangu vakarega kutevera zvandinoronga, Kana kuti vakarega kuchengeta zvirevo zvangu, uye vakatyora mirao yangu, ndichavarangira chitadzo chavo neshamhu uye uipi hwavo netsarapu. Asi handiregi kuva nemwoyochena kana kusava ndakatendeka kwavari. Handimbotyora chitenderano changu kana kusandura zvandakataura. “Ndakapika noutsvene hwangu chakamwe pasina zvokurevera Dhavhidhi nhema. Ndichaita kuti vedzinza rake vokutonga varambe varipo uye chigaro chake choushe chirambe chiripo chero zuva richiri kuvheneka pamberi pangu. Chichavapo semwedzi nokusingaperi mboo yakatendeka iri mudenga.” Dzepfunde. Asi imi makasiya muzodzwa wenyu mukamuramba uye makamushatirirwa. Makaramwa chitenderano chenyu nomuranda wenyu makaumburudza ngundu yamambo muvhu. Makapaza tsvingo dzake dzose makaparadza nhare dzake dzokuzvidzivirira nadzo muhondo kusara ava matongo. Vose vanopfuura napaari vanopamba zvinhu zvake. Ava chiseko chavavakidzani vake. Makaratidza kuti vavengi vake vakunda nokusimudza ruoko rwavo rworudyi; mukaita kuti mhandu dzake dzifare. Makamininutsa bakatwa rake mukaita kuti akurirwe muhondo. Makamutorera mumaoko tsvimbo yake youmambo; makaputsira pasi chigaro chake choumambo. Makamuchembedza nokukasira, makamuzadza nenyadzi. Dzepfunde Kusvikira rinhiko nhai TENZI? Mucharamba makazvivanza nokusingaperi here? Kusvika riniko hasha dzenyu dzichiviruka somoto kudai? Yeukai kupfupika kwakaita upenyu hwangu chamakasikira munhu unobva wachishaya. Ndiani angararame asingazosvika pakufa. Ndiani angazviponese kusimba renzvimbo yavakafa. Dzepfunde. Nhai, TENZI, ko mwoyochena wenyu uya wakare uripi wamakambotsidza kuna Dhavhidhi pamusana pokutendeka kwenyu? Rangarirai TENZI kushorwa kunoitwa muranda wenyu nokutakura kwandinoita mumwoyo mangu kushorwa ikoko kunobva kuvanhu vakawanda kuchiitwa nemhandu dzenyu TENZI dzichishora muzodzwa wenyu pose paanofamba. TENZI ngaarumbidzwe nokusingaperi. Ameni, Ameni.
Verenga chikamu Nziyo 89
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Nziyo 89:19-52
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo