Usava neshungu nokuda kwavanhu vakaipa, uye usaitira godo avo vanoita zvakaipa; nokuti souswa vachaoma nokukurumidza, somuriwo wakasvibira vachakurumidza kuoma. Vimba naJehovha uite zvakanaka; gara panyika ufarikane pamafuro manyoro. Farikana muna Jehovha, uye iye achakupa zvinodikanwa nomwoyo wako. Isa nzira yako kuna Jehovha; uvimbe naye uye iye achaita izvi; achaita kuti kururama kwako kupenye samambakwedza, nokururamisirwa kwako sezuva ramasikati. Nyarara pamberi paJehovha, umurindire unyerere; usava neshungu kana vanhu vachibudirira panzira dzavo, pavanoita mano avo akaipa avakaronga. Rega kutsamwa, uzvidzore pahasha; usava neshungu zvinokutungamirira mune zvakaipa. Nokuti vasakarurama vachagurwa, asi avo vanomirira Jehovha vachagara nhaka yenyika. Chinguva chiduku duku, vakaipa havachazovapozve; kunyange ukavatsvaka, havazowanikwi. Asi vanyoro vachagara nhaka yenyika, uye vachafarikana norugare rukuru. Vakaipa vanofungira vakarurama mano akaipa, uye vanovarumanyira meno avo. Asi Ishe anoseka vakaipa nokuti anoziva kuti zuva ravo riri kuuya. Vakaipa vanovhomora munondo uye vanowembura uta kuti vawisire pasi varombo navanoshayiwa, kuti vauraye avo vane nzira dzakarurama. Asi minondo yavo ichabaya mwoyo yavo pachavo, uye uta hwavo huchavhunika. Zvishoma zvowakarurama zviri nani kupinda pfuma yavakaipa vazhinji; nokuti simba ravakaipa richavhuniwa, asi Jehovha anotsigira vakarurama. Mazuva avakarurama anozivikanwa naJehovha, uye nhaka yavo ichagara nokusingaperi. Panguva yamatambudziko, havanganyadziswi; mumazuva enzara ivo vachava nezvakawanda. Asi vakaipa vachaparara: vavengi vaJehovha vachafanana norunako rweminda, vachanyangarika soutsi. Vakaipa vanokwereta uye havadzori, asi vakarurama vanopa zvakawanda; avo vanoropafadzwa naJehovha vachagara nhaka yenyika, asi avo vaanotuka vachaparadzwa.
Verenga chikamu Mapisarema 37
Terera ku Mapisarema 37
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 37:1-22
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo