Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Nziyo 37:1-22

Nziyo 37:1-22 SCLB

Usazvinetse nezvevanhu vakaipa, usaitire shanje vanoita zvakaipa nokuti vachakurumidza kuuna souswa vachabhuruvara samakwenzi manyoro. Vimba naTENZI uite zvakanaka, naizvozvo uchagara panyika ugarike. Fara naTENZI iye achakupa zviri pamwoyo pako. Isa upenyu hwako muna TENZI vimba naye, iye achaona zvokuita. Achaita kuti ururami hwako hubude pachena sechiedza uye mamiriro oupenyu hwako sezuva ramasikati. Iti zii-i pana TENZI umumirire chinyararire. Usazvinetse zvako nezvomunhu anobudirira mune zvaanoita, munhu anoita zvinhu zvakaipa. Regera kuita hasha, usaite godo rega kuzvidya mwoyo zvinokupinza munezvakaipa, nokuti vakaipa vachaparadzwa asi vanotarisira naTENZI vachava ndivo varidzi venyika. Kunongoita kanguva kaduku chete, vakaipa panenge pasisina. Kana ukazonyatsotarisa panzvimbo yake anenge asisipo. Asi vanozvirereka vachava ndivo varidzi venyika vachazofara nokubudirira kukuru. Munhu akaipa anorongera mururami zano rakaipa achimuzhinyurira mazino. Asi TENZI anoseka wakaipa nokuti anozviona kuti zuva rake richasvika. Vakaipa vanozvomora mapakatwa avo nokutatamura uta hwavo kuti vauraye varombo navasina chavanacho. Kuti vauraye vanofamba zvakarurama. Bakatwa ravo richavabaya ivo mwoyo uye uta hwavo huchatyorwa. Vakarurama zvavanazvo zvishoma zvirinani pane zvakawanda zvavakaipa vazhinji. Maoko avakaipa achatyorwa asi TENZI anotsigira vakarurama. TENZI ane hanya noupenyu hwavakarurama. Nhaka yavo ichavapo nokusingaperi. Pamazuva akaipa havambonyadziswa pamazuva enzara ivo vanenge vane maguta. Asi vakaipa vachaparara mhandu dzaTENZI dzakafanana nokunaka kwamafuro anonyangarika soutsi. Muipi anokwereta asi haadzore asi mururami ane mwoyo wokupa uye anopa nokuti vanokomborerwa naTENZI nyika ichava yavo asi vaanopa rushambwa vanobva vaparara.

Verenga chikamu Nziyo 37