Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 37:1-22

Mapisarema 37:1-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Usava neshungu nokuda kwavanhu vakaipa, uye usaitira godo avo vanoita zvakaipa; nokuti souswa vachaoma nokukurumidza, somuriwo wakasvibira vachakurumidza kuoma. Vimba naJehovha uite zvakanaka; gara panyika ufarikane pamafuro manyoro. Farikana muna Jehovha, uye iye achakupa zvinodikanwa nomwoyo wako. Isa nzira yako kuna Jehovha; uvimbe naye uye iye achaita izvi; achaita kuti kururama kwako kupenye samambakwedza, nokururamisirwa kwako sezuva ramasikati. Nyarara pamberi paJehovha, umurindire unyerere; usava neshungu kana vanhu vachibudirira panzira dzavo, pavanoita mano avo akaipa avakaronga. Rega kutsamwa, uzvidzore pahasha; usava neshungu zvinokutungamirira mune zvakaipa. Nokuti vasakarurama vachagurwa, asi avo vanomirira Jehovha vachagara nhaka yenyika. Chinguva chiduku duku, vakaipa havachazovapozve; kunyange ukavatsvaka, havazowanikwi. Asi vanyoro vachagara nhaka yenyika, uye vachafarikana norugare rukuru. Vakaipa vanofungira vakarurama mano akaipa, uye vanovarumanyira meno avo. Asi Ishe anoseka vakaipa nokuti anoziva kuti zuva ravo riri kuuya. Vakaipa vanovhomora munondo uye vanowembura uta kuti vawisire pasi varombo navanoshayiwa, kuti vauraye avo vane nzira dzakarurama. Asi minondo yavo ichabaya mwoyo yavo pachavo, uye uta hwavo huchavhunika. Zvishoma zvowakarurama zviri nani kupinda pfuma yavakaipa vazhinji; nokuti simba ravakaipa richavhuniwa, asi Jehovha anotsigira vakarurama. Mazuva avakarurama anozivikanwa naJehovha, uye nhaka yavo ichagara nokusingaperi. Panguva yamatambudziko, havanganyadziswi; mumazuva enzara ivo vachava nezvakawanda. Asi vakaipa vachaparara: vavengi vaJehovha vachafanana norunako rweminda, vachanyangarika soutsi. Vakaipa vanokwereta uye havadzori, asi vakarurama vanopa zvakawanda; avo vanoropafadzwa naJehovha vachagara nhaka yenyika, asi avo vaanotuka vachaparadzwa.

Mapisarema 37:1-22 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Usava neshungu nokuda kwavanoita zvakaipa, Usagodora vanoita zvisina kururama. Nokuti vachakurumidza kudzurwa souswa, Vachaoma semuriwo mutema. Vimba naJehovha, uite zvakanaka; Gara panyika, ushingairire kutendeka. Farikana kwazvo kuna Jehovha; Iye agokupa zvinodikanwa nomwoyo wako. Isa nzira yako kuna Jehovha; Vimbawo naye, iye achazviita. Iye achabudisa kururama kwako sechiedza, Nokururamisirwa kwako samasikati. Nyarara pamberi paJehovha, umurindire unyerere; Usava neshungu pamusoro poanofara panzira yake, Pamusoro pomunhu anoita mano akaipa aakafunga. Rega kutsamwa, urashe hasha; Usava neshungu, zvinongotadzisa munhu. Nokuti vanoita zvakaipa vachagurwa; Asi vanorindira Jehovha vachagara nhaka yenyika. Kwasara chinguva chiduku, akaipa haachazovipo; Zvirokwazvo, iwe uchacherekedza zvakanaka paaigara, asi haachazovipo. Asi vanyoro ndivo vachagara nhaka yenyika; Ndivo vachafarikana kwazvo norugare rukuru. Akaipa anofungira akarurama mano akaipa, Anomurumanyira meno ake. Ishe achamuseka; Nokuti anoona kuti zuva rake rinouya. Vakaipa vakavhomora munondo, vakawembura uta hwavo; Kuti vawisire pasi varombo navanoshaiwa, Kuti vauraya vakarurama panzira; Munondo wavo uchapinda pamwoyo yavo imene, Uye uta hwavo huchavhuniwa. Zvishoma, zvakanaka, zvowakarurama zvinopfuura Zvakawanda zvavakaipa vazhinji. Nokuti maoko avakaipa achavhuniwa; Asi Jehovha anotsigira vakarurama. Jehovha anoziva mazuva avane mwoyo yakarurama; Nhaka yavo ndeyokusingaperi. Havanganyadziswi nenguva yokuipa; Pamisi yenzara vachagutiswa. Asi vakaipa vachaparara, Uye vavengi vaJehovha vachafanana nokunaka kwamafuro; Vacharova; vacharova soutsi. Akaipa anokwereta, asingaripizve; Asi akarurama ane ngoni, anopa. Nokuti vanokomborerwa naye vachagara nhaka yenyika; Asi vanotukwa naye vachaparadzwa.

Mapisarema 37:1-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Usazvinetse nezvevanhu vakaipa, usaitire shanje vanoita zvakaipa nokuti vachakurumidza kuuna souswa vachabhuruvara samakwenzi manyoro. Vimba naTENZI uite zvakanaka, naizvozvo uchagara panyika ugarike. Fara naTENZI iye achakupa zviri pamwoyo pako. Isa upenyu hwako muna TENZI vimba naye, iye achaona zvokuita. Achaita kuti ururami hwako hubude pachena sechiedza uye mamiriro oupenyu hwako sezuva ramasikati. Iti zii-i pana TENZI umumirire chinyararire. Usazvinetse zvako nezvomunhu anobudirira mune zvaanoita, munhu anoita zvinhu zvakaipa. Regera kuita hasha, usaite godo rega kuzvidya mwoyo zvinokupinza munezvakaipa, nokuti vakaipa vachaparadzwa asi vanotarisira naTENZI vachava ndivo varidzi venyika. Kunongoita kanguva kaduku chete, vakaipa panenge pasisina. Kana ukazonyatsotarisa panzvimbo yake anenge asisipo. Asi vanozvirereka vachava ndivo varidzi venyika vachazofara nokubudirira kukuru. Munhu akaipa anorongera mururami zano rakaipa achimuzhinyurira mazino. Asi TENZI anoseka wakaipa nokuti anozviona kuti zuva rake richasvika. Vakaipa vanozvomora mapakatwa avo nokutatamura uta hwavo kuti vauraye varombo navasina chavanacho. Kuti vauraye vanofamba zvakarurama. Bakatwa ravo richavabaya ivo mwoyo uye uta hwavo huchatyorwa. Vakarurama zvavanazvo zvishoma zvirinani pane zvakawanda zvavakaipa vazhinji. Maoko avakaipa achatyorwa asi TENZI anotsigira vakarurama. TENZI ane hanya noupenyu hwavakarurama. Nhaka yavo ichavapo nokusingaperi. Pamazuva akaipa havambonyadziswa pamazuva enzara ivo vanenge vane maguta. Asi vakaipa vachaparara mhandu dzaTENZI dzakafanana nokunaka kwamafuro anonyangarika soutsi. Muipi anokwereta asi haadzore asi mururami ane mwoyo wokupa uye anopa nokuti vanokomborerwa naTENZI nyika ichava yavo asi vaanopa rushambwa vanobva vaparara.

Mapisarema 37:1-22 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Usaʋa neshuŋgu nokuɗa kwaʋanoita ɀakaipa, Usagoɗora ʋanoita ɀisina‐kururama. Nokuti ʋacakurumidza kudzurwa soʋuswa, Ʋacawoma somuriʋo mutema. Ʋimba naJehova, uite ɀakanaka; Gara panyika, ushiŋgairire kutendeka. Farikanya kwaɀo kunaJehova; Iye agokupa ɀinoɗikanwa nomŋoyo wako. Isa nzira yako kunaJehova; Ʋimba ʋo naye, iye ucaɀiita. Iye ucaɓuɗisa kururama kwako seciedza, Nokururamisirwa kwako samasikati. Nyarara pamberi paJehova, umurindire unyerere; Usaʋa neshuŋgu pamsoro pounofara panzira yake, Pamsoro pomunhu unoita mano akaipa aakafuŋga. Rega kutsamŋa, urashe hasha; Usaʋa neshuŋgu, ɀinoŋgotadzisa munhu. Nokuti ʋanoita ɀakaipa ʋacagurwa; Asi ʋanorindira Jehova ʋacagara nhaka yenyika. Kwasara ciŋguʋa ciɗuku, wakaipa haacazoʋi’po; Ɀirokwaɀo, iwe ucacerekedza ɀakanaka paaigara, asi haacazoʋi’po. Asi ʋanyoro ndiʋo ʋacagara nhaka yenyika; Ndiʋo ʋacafarikanya kwaɀo norugare rukuru. Wakaipa unofuŋgira wakarurama mano akaipa, Unomurumanyira meno ake. Ishe ucamuseka; Nokuti unoʋona kuti zuʋa rake rinoʋuya. Ʋakaipa ʋakavomora munondo, ʋakawembura ʋuta bgaʋo; Kuti ʋawisire pasi ʋarombo naʋanoshaiwa, Kuti ʋaʋuraye ʋakarurama panzira; Munondo waʋo ucapinda pamŋoyo yaʋo imene, Ʋuye ʋuta bgaʋo ʋucavuniwa. Ɀishoma, ɀakanaka, ɀowakarurama ɀinopfuʋura Ɀakawanda ɀaʋakaipa ʋazhinji. Nokuti maʋoko aʋakaipa acavuniwa; Asi Jehova unotsigira ʋakarurama. Jehova unoziʋa mazuʋa aʋanemŋoyo yakarurama; Nhaka yaʋo ndeyokusiŋgaperi. Haʋaŋganyadziswi neŋguʋa yokuipa; Pamisi yenzara ʋacagutiswa. Asi ʋakaipa ʋacaparara, Ʋuye ʋaʋeŋgi ʋaJehova ʋacafanana nokunaka kwamafuro; Ʋacaroʋa; ʋacaroʋa soʋutsi. Wakaipa unokwereta, asiŋgaripi ɀe; Asi wakarurama uneŋgoni, unopa. Nokuti ʋanokomborerwa naye ʋacagara nhaka yenyika; Asi ʋanotukwa naye ʋacaparadzwa.

Mapisarema 37:1-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)