Mapisarema 37
37
Mufaro waʋakaipa ndoweŋguʋa ɗuku.
Pisarema raDavidi.
1Usaʋa neshuŋgu nokuɗa kwaʋanoita ɀakaipa,
Usagoɗora ʋanoita ɀisina‐kururama.
2Nokuti ʋacakurumidza kudzurwa soʋuswa,
Ʋacawoma somuriʋo mutema.
3Ʋimba naJehova, uite ɀakanaka;
Gara panyika, ushiŋgairire kutendeka.
4Farikanya kwaɀo kunaJehova;
Iye agokupa ɀinoɗikanwa nomŋoyo wako.
5Isa nzira yako kunaJehova;
Ʋimba ʋo naye, iye ucaɀiita.
6Iye ucaɓuɗisa kururama kwako seciedza,
Nokururamisirwa kwako samasikati.
7Nyarara pamberi paJehova, umurindire unyerere;
Usaʋa neshuŋgu pamsoro pounofara panzira yake,
Pamsoro pomunhu unoita mano akaipa aakafuŋga.
8Rega kutsamŋa, urashe hasha;
Usaʋa neshuŋgu, ɀinoŋgotadzisa munhu.
9Nokuti ʋanoita ɀakaipa ʋacagurwa;
Asi ʋanorindira Jehova ʋacagara nhaka yenyika.
10Kwasara ciŋguʋa ciɗuku, wakaipa haacazoʋi’po;
Ɀirokwaɀo, iwe ucacerekedza ɀakanaka paaigara, asi haacazoʋi’po.
11Asi ʋanyoro ndiʋo ʋacagara nhaka yenyika;
Ndiʋo ʋacafarikanya kwaɀo norugare rukuru.
12Wakaipa unofuŋgira wakarurama mano akaipa,
Unomurumanyira meno ake.
13Ishe ucamuseka;
Nokuti unoʋona kuti zuʋa rake rinoʋuya.
14Ʋakaipa ʋakavomora munondo, ʋakawembura ʋuta bgaʋo;
Kuti ʋawisire pasi ʋarombo naʋanoshaiwa,
Kuti ʋaʋuraye ʋakarurama panzira;
15Munondo waʋo ucapinda pamŋoyo yaʋo imene,
Ʋuye ʋuta bgaʋo ʋucavuniwa.
16Ɀishoma, ɀakanaka, ɀowakarurama ɀinopfuʋura
Ɀakawanda ɀaʋakaipa ʋazhinji.
17Nokuti maʋoko aʋakaipa acavuniwa;
Asi Jehova unotsigira ʋakarurama.
18Jehova unoziʋa mazuʋa aʋanemŋoyo yakarurama;
Nhaka yaʋo ndeyokusiŋgaperi.
19Haʋaŋganyadziswi neŋguʋa yokuipa;
Pamisi yenzara ʋacagutiswa.
20Asi ʋakaipa ʋacaparara,
Ʋuye ʋaʋeŋgi ʋaJehova ʋacafanana nokunaka kwamafuro;
Ʋacaroʋa; ʋacaroʋa soʋutsi.
21Wakaipa unokwereta, asiŋgaripi ɀe;
Asi wakarurama uneŋgoni, unopa.
22Nokuti ʋanokomborerwa naye ʋacagara nhaka yenyika;
Asi ʋanotukwa naye ʋacaparadzwa.
23Mufambire womunhu unosimbiswa naJehova;
Unofarikanya munzira yake.
24Kunyaŋge akawa, haaŋgawiswi cose;
Nokuti Jehova unomutsigira noruʋoko rwake.
25Ndakaŋga ndiri muɗuku, ɀino ndakwegura;
Kunyaŋge ɀakaɗaro handina‐kutoŋgoʋona wakarurama acisiyiwa,
Kana ʋana ʋake ʋacipemha ɀokudya.
26Zuʋa rose unoramba aneŋgoni, aciposa;
Ʋana ʋake ʋanokomborerwa.
27Ibva paneɀakaipa, uite ɀakanaka;
Ugare ɀakanaka nokusiŋgaperi.
28Nokuti Jehova unoɗa ɀakarurama,
Haasiyi ʋatȿene ʋake;
Ʋanoceŋgetwa nokusiŋgaperi;
Asi ʋana ʋowakaipa ʋacaparadzwa.
29Ʋakarurama ʋacagara nhaka yenyika,
Ʋacagara’mo nokusiŋgaperi.
30Muromo wowakarurama unotaura ɀenjere,
Rurimi rwake runotaura ɀakarurama.
31Murairo waMŋari wake uri mumŋoyo make;
Pakutsika kwake haaŋgatoŋgotedzemuki.
32Wakaipa unoʋandira wakarurama,
Acitȿaka kumuʋuraya.
33Jehova haaŋgamuregeri muruʋoko rwake,
Kana kumupa mhoȿa kana atoŋgwa.
34Rindira Jehova, urambire panzira yake,
Iye ucakukudza kuti ugare nhaka yenyika;
Kana ʋakaipa ʋaciparadzwa iwe ucaɀiʋona.
35Ndakaʋona wakaipa anesimba guru,
Acitandaʋara somuti munyoro panyika yawo.
36Ɀino mumŋe wakapfuʋura ɀe, wane haaci’po;
Ndakamutȿaka, asi wakaŋga asicawanikwi.
37Cerekedzai munhu wakakwana, mutarire wakarurama;
Nokuti kuguma kwomunhu uyo rugare.
38Kana ʋari ʋaɗariki, ʋacaparadzwa pamŋe cete;
Pakuguma kwaʋo ʋakaipa ʋacaparadzwa.
39Asi kuponeswa kwaʋakarurama kunobva kunaJehova;
Ndiye nhare yaʋo paŋguʋa yokutambudzika.
40Jehova unoʋaɓatsira, nokuʋarwira;
Unoʋarwira kunaʋakaipa, nokuʋaponesa,
Nokuti ʋakandoʋanda maari.
Zvasarudzwa nguva ino
Mapisarema 37: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018