1
Mapisarema 37:4
Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Farikanya kwaɀo kunaJehova; Iye agokupa ɀinoɗikanwa nomŋoyo wako.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Mapisarema 37:5
Isa nzira yako kunaJehova; Ʋimba ʋo naye, iye ucaɀiita.
3
Mapisarema 37:7
Nyarara pamberi paJehova, umurindire unyerere; Usaʋa neshuŋgu pamsoro pounofara panzira yake, Pamsoro pomunhu unoita mano akaipa aakafuŋga.
4
Mapisarema 37:3
Ʋimba naJehova, uite ɀakanaka; Gara panyika, ushiŋgairire kutendeka.
5
Mapisarema 37:23-24
Mufambire womunhu unosimbiswa naJehova; Unofarikanya munzira yake. Kunyaŋge akawa, haaŋgawiswi cose; Nokuti Jehova unomutsigira noruʋoko rwake.
6
Mapisarema 37:6
Iye ucaɓuɗisa kururama kwako seciedza, Nokururamisirwa kwako samasikati.
7
Mapisarema 37:8
Rega kutsamŋa, urashe hasha; Usaʋa neshuŋgu, ɀinoŋgotadzisa munhu.
8
Mapisarema 37:25
Ndakaŋga ndiri muɗuku, ɀino ndakwegura; Kunyaŋge ɀakaɗaro handina‐kutoŋgoʋona wakarurama acisiyiwa, Kana ʋana ʋake ʋacipemha ɀokudya.
9
Mapisarema 37:1
Usaʋa neshuŋgu nokuɗa kwaʋanoita ɀakaipa, Usagoɗora ʋanoita ɀisina‐kururama.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo