Usava neshungu nokuda kwavanoita zvakaipa, Usagodora vanoita zvisina kururama. Nokuti vachakurumidza kudzurwa souswa, Vachaoma semuriwo mutema. Vimba naJehovha, uite zvakanaka; Gara panyika, ushingairire kutendeka. Farikana kwazvo kuna Jehovha; Iye agokupa zvinodikanwa nomwoyo wako. Isa nzira yako kuna Jehovha; Vimbawo naye, iye achazviita. Iye achabudisa kururama kwako sechiedza, Nokururamisirwa kwako samasikati. Nyarara pamberi paJehovha, umurindire unyerere; Usava neshungu pamusoro poanofara panzira yake, Pamusoro pomunhu anoita mano akaipa aakafunga. Rega kutsamwa, urashe hasha; Usava neshungu, zvinongotadzisa munhu. Nokuti vanoita zvakaipa vachagurwa; Asi vanorindira Jehovha vachagara nhaka yenyika. Kwasara chinguva chiduku, akaipa haachazovipo; Zvirokwazvo, iwe uchacherekedza zvakanaka paaigara, asi haachazovipo. Asi vanyoro ndivo vachagara nhaka yenyika; Ndivo vachafarikana kwazvo norugare rukuru. Akaipa anofungira akarurama mano akaipa, Anomurumanyira meno ake. Ishe achamuseka; Nokuti anoona kuti zuva rake rinouya. Vakaipa vakavhomora munondo, vakawembura uta hwavo; Kuti vawisire pasi varombo navanoshaiwa, Kuti vauraya vakarurama panzira; Munondo wavo uchapinda pamwoyo yavo imene, Uye uta hwavo huchavhuniwa. Zvishoma, zvakanaka, zvowakarurama zvinopfuura Zvakawanda zvavakaipa vazhinji. Nokuti maoko avakaipa achavhuniwa; Asi Jehovha anotsigira vakarurama. Jehovha anoziva mazuva avane mwoyo yakarurama; Nhaka yavo ndeyokusingaperi. Havanganyadziswi nenguva yokuipa; Pamisi yenzara vachagutiswa. Asi vakaipa vachaparara, Uye vavengi vaJehovha vachafanana nokunaka kwamafuro; Vacharova; vacharova soutsi. Akaipa anokwereta, asingaripizve; Asi akarurama ane ngoni, anopa. Nokuti vanokomborerwa naye vachagara nhaka yenyika; Asi vanotukwa naye vachaparadzwa.
Verenga chikamu Mapisarema 37
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 37:1-22
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo