Vongai Jehovha, danai kuzita rake; zivisai zvaakaita pakati pendudzi. Muimbirei, muimbirei nziyo dzokurumbidza; rondedzerai mabasa ake ose anoshamisa. Ngarikudzwe zita rake dzvene; mwoyo yavanotsvaka Jehovha ngaifare. Tarirai kuna Jehovha nokusimba rake; tsvakai chiso chake nguva dzose. Rangarirai zvishamiso zvaakaita, mabasa ake, nezvaakatonga zvaakareva, imi vana vaAbhurahama muranda wake, haiwa vanakomana vaJakobho, vasanangurwa vake. Ndiye Jehovha Mwari wedu; kutonga kwake kuri munyika yose. Anorangarira sungano yake nokusingaperi, iro shoko raakarayira, kuchiuru chezvizvarwa, sungano yaakaita naAbhurahama, mhiko yaakapika kuna Isaka. Akaisimbisa kuna Jakobho somutemo, nokuna Israeri sesungano isingaperi achiti, “Ndichapa nyika yeKenani kwauri somugove wenhaka yako.”
Verenga chikamu Mapisarema 105
Terera ku Mapisarema 105
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 105:1-11
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo