Tendai TENZI mumunamate nezita, muparidze mabasa ake kundudzi dzavanhu. Muimbirei mumurumbidze nenziyo mutaure zvishamiso zvaakaita. Pururudzai muzita rake rinoera; mwoyo yavanotsvaka TENZI ipembere nokufara. Nekairai kutsvaka TENZI mutsvakewo simba rake. Shungu yokuda kuva pana TENZI ngaive mugariro. Rangarirai zvishamiso zvaakaita zviratidzo nemirao yakabuda mumuromo make. Imi chizvarwa chaAbhurahamu, muranda wake, imi vana vaJakobho, vasarudzwi vake. Iye TENZI ndiye Mwari wedu, mirao yake hakuna kwaisiri pasi pose. Anorangarira nokusingaperi chitenderano chake, chitsidzo chaanochengeta kusvikira kuchizvarwa chechiuru. Chitenderano chaakaita naAbhurahamu chitsidzo chaakaita kuna Isaki chaakazvisunga nacho somurao kuitira Jakobho sechitenderano chake navaIsiraeri chokugara nokugara achiti, “Ndichakupa nyika yeKanani somugove wako wenhaka.”
Verenga chikamu Nziyo 105
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Nziyo 105:1-11
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo