Vongai Jehovha, mudane zita rake; Zivisai zvaakaita pakati pendudzi dzavanhu. Muimbirei, mumuimbire nziyo dzokukudza; Rondedzerai mabasa ake ose anoshamisa. Zvirumbidzei muzita rake dzvene; Mwoyo yavanotsvaka Jehovha ngaifare kwazvo. Tsvakai Jehovha nesimba rake; Tsvakai chiso chake nguva dzose. Rangarirai mabasa ake anoshamisa, aakaita; Zvishamiso zvake, nezvaakatonga nomuromo wake; Imi vana vaAbhurahamu, muranda wake, Imi vanakomana vaJakobho, vasanangurwa vake. Ndiye Jehovha Mwari wedu; Zvaakatonga zviri pasi pose. Wakarangarira sungano yake nokusingaperi, Iro shoko raakaraira kumarudzi ane chiuru; Iyo sungano yaakaita naAbhurahamu, Nemhiko yake kuna Isaka. Akazvisimbisira Jakobho, kuti uve mutemo, Kuna Isiraeri kuti ive sungano isingaperi; Achiti, “Ndichakupa iwe nyika yeKanani, Uve mugove wenhaka yenyu;”
Verenga chikamu Mapisarema 105
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 105:1-11
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo