Inzwai, imi matenga, zvino ndichataura;
inzwa, iwe nyika, mashoko omuromo wangu.
Regai dzidziso yangu inaye semvura
uye mashoko angu ayerere sedova,
sokupfunha pauswa hunyoro,
semvura zhinji papfumvudza nyoro.
Ndichaparidza zita raJehovha.
Haiwa, rumbidzai ukuru hwaMwari wedu!
Ndiye ibwe, mabasa ake akakwana,
uye nzira dzake dzakarurama.
Mwari akatendeka asina chaanotadza,
akarurama uye ndowezvokwadi.
Vakaita zvakaipa kwaari;
vakazvinyadzisa uye havasisiri vana vake,
asi vava rudzi rwakatsauka rwakakombama,
Ko, iyi ndiyo nzira yamunoripira nayo Jehovha here,
imi mapenzi navanhu vasina kuchenjera?
Ko, haazi iye Baba wenyu, noMusiki wenyu here,
akakuitai nokukuumbai?
Rangarira mazuva akare;
ufunge marudzi akare kare.
Ubvunze baba vako, uye vachakuudza,
vakuru vako vachakutsanangurira.
Wokumusoro-soro paakapa ndudzi nhaka,
nguva yaakakamura marudzi ose,
akaisira vanhu miganhu,
zvichienderana nouwandu hwavanakomana veIsraeri.
Nokuti mugove waJehovha ndivo vanhu vake,
Jakobho ndiyo nhaka yake yaakayererwa.
Akamuwana munyika yomurenje,
musina chinhu, munotyisa.
Akamudzivirira uye akamuchengeta;
akamuchengetedza semboni yeziso rake,
segondo rinogadziridza dendere
raro nokuengerera pamusoro pavana varo,
rinotambanudza mapapiro aro kuti rivagamhe,
rovabereka pamapapiro aro.
Jehovha oga ndiye akamutungamirira;
kwakanga kusina mwari wokumwe akanga anaye.
Akamuita kuti atasve panzvimbo dzakakwirira dzenyika
uye akamupa zvibereko zveminda kuti adye.
Akamusimbisa nouchi hwakabva padombo,
uye namafuta akabva padombo romusarasara,
noruomba nomukaka kubva pamombe namakwai
uye namakwayana nembudzi zvakakodzwa,
namakondobwe akaisvonaka eBhashani,
netsanga dzakanakisisa dzegorosi.
Akanwa furo reropa ramazambiringa.