Inzwa iwe denga, ndichataura;
Nenyika ngainzwe mashoko omuromo wangu;
Kudzidzisa kwangu kuchadonha semvura,
Kutaura kwangu kuchayerera sedova,
Seguti pabumhudza nyoro,
Sokupfunha kwemvura pauswa;
Nokuti ndichaparidza zita raJehovha;
Rumbidzai ukuru hwaMwari wedu.
Iye ndiro dombo, basa rake rakakwana;
Nokuti nzira dzake dzose dzakarurama.
Ndiye Mwari wakatendeka, usinganyengeri,
Wakarurama, ndowazvokwadi.
Vakamuitira zvakashata, havazi vana vake,
ndiko kuremara kwavo;
Ivo rudzi rwakatsauka,
rwakakombama.
Munoripira Jehovha saizvozvo here,
Nhai, imi mapenzi asina kungwara?
Ko haazi baba vako vakakubereka here?
Ndiye wakakuita, nokukusimbisa.
Rangarira mazuva ekare,
Funga makore amarudzi mazhinji;
Bvunza baba vako, ndivo vachakuratidza;
Navatana vako, ndivo vachakuudza.
Wokudenga-denga nguva yaakapa ndudzi nhaka yadzo,
Nguva yaakaparadzanisa vana vavanhu,
Wakatema miganhu yendudzi
Achirangarira kuwanda kwavana vaIsiraeri.
Nokuti mugove waJehovha ndivo vanhu vake;
Jakobho ndiyo nhaka yake yakayerwa.
Wakamuwana munyika yesango,
Murenje risina chinhu, rinotyisa;
Wakamukomberedza, nokumutarira,
Nokumuchengeta semboni yeziso rake;
Segondo rinomutsa vana varo,
Richiengerera pamusoro pavana varo,
Richitambanudza mapapiro aro, richivagamuchira,
Richivabereka pamapapiro aro;
Saizvozvo Jehovha, iye oga, wakamutungamirira,
Kwakanga kusina mwari wokumwe kwaari.
Wakamutasvisa panzvimbo dzakakwirira dzenyika,
Wakadya michero yeminda;
Wakamusvutidza uchi hunobva padombo,
Namafuta anobva padombo romusarasara,
Nomukaka wakafa wemhou, nomukaka wamakwai,
Pamwechete namafuta amakwayana,
Namakondohwe orudzi rwapaBhashani, nembudzi,
Namafuta etsvo dzekoroni;
Iwe wakanwa waini yeropa ramazambiringa.