Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Dhuteronomi 32:1-14

Dhuteronomi 32:1-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Inzwai, imi matenga, zvino ndichataura; inzwa, iwe nyika, mashoko omuromo wangu. Regai dzidziso yangu inaye semvura uye mashoko angu ayerere sedova, sokupfunha pauswa hunyoro, semvura zhinji papfumvudza nyoro. Ndichaparidza zita raJehovha. Haiwa, rumbidzai ukuru hwaMwari wedu! Ndiye ibwe, mabasa ake akakwana, uye nzira dzake dzakarurama. Mwari akatendeka asina chaanotadza, akarurama uye ndowezvokwadi. Vakaita zvakaipa kwaari; vakazvinyadzisa uye havasisiri vana vake, asi vava rudzi rwakatsauka rwakakombama, Ko, iyi ndiyo nzira yamunoripira nayo Jehovha here, imi mapenzi navanhu vasina kuchenjera? Ko, haazi iye Baba wenyu, noMusiki wenyu here, akakuitai nokukuumbai? Rangarira mazuva akare; ufunge marudzi akare kare. Ubvunze baba vako, uye vachakuudza, vakuru vako vachakutsanangurira. Wokumusoro-soro paakapa ndudzi nhaka, nguva yaakakamura marudzi ose, akaisira vanhu miganhu, zvichienderana nouwandu hwavanakomana veIsraeri. Nokuti mugove waJehovha ndivo vanhu vake, Jakobho ndiyo nhaka yake yaakayererwa. Akamuwana munyika yomurenje, musina chinhu, munotyisa. Akamudzivirira uye akamuchengeta; akamuchengetedza semboni yeziso rake, segondo rinogadziridza dendere raro nokuengerera pamusoro pavana varo, rinotambanudza mapapiro aro kuti rivagamhe, rovabereka pamapapiro aro. Jehovha oga ndiye akamutungamirira; kwakanga kusina mwari wokumwe akanga anaye. Akamuita kuti atasve panzvimbo dzakakwirira dzenyika uye akamupa zvibereko zveminda kuti adye. Akamusimbisa nouchi hwakabva padombo, uye namafuta akabva padombo romusarasara, noruomba nomukaka kubva pamombe namakwai uye namakwayana nembudzi zvakakodzwa, namakondobwe akaisvonaka eBhashani, netsanga dzakanakisisa dzegorosi. Akanwa furo reropa ramazambiringa.

Dhuteronomi 32:1-14 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Inzwa iwe denga, ndichataura; Nenyika ngainzwe mashoko omuromo wangu; Kudzidzisa kwangu kuchadonha semvura, Kutaura kwangu kuchayerera sedova, Seguti pabumhudza nyoro, Sokupfunha kwemvura pauswa; Nokuti ndichaparidza zita raJehovha; Rumbidzai ukuru hwaMwari wedu. Iye ndiro dombo, basa rake rakakwana; Nokuti nzira dzake dzose dzakarurama. Ndiye Mwari wakatendeka, usinganyengeri, Wakarurama, ndowazvokwadi. Vakamuitira zvakashata, havazi vana vake, ndiko kuremara kwavo; Ivo rudzi rwakatsauka, rwakakombama. Munoripira Jehovha saizvozvo here, Nhai, imi mapenzi asina kungwara? Ko haazi baba vako vakakubereka here? Ndiye wakakuita, nokukusimbisa. Rangarira mazuva ekare, Funga makore amarudzi mazhinji; Bvunza baba vako, ndivo vachakuratidza; Navatana vako, ndivo vachakuudza. Wokudenga-denga nguva yaakapa ndudzi nhaka yadzo, Nguva yaakaparadzanisa vana vavanhu, Wakatema miganhu yendudzi Achirangarira kuwanda kwavana vaIsiraeri. Nokuti mugove waJehovha ndivo vanhu vake; Jakobho ndiyo nhaka yake yakayerwa. Wakamuwana munyika yesango, Murenje risina chinhu, rinotyisa; Wakamukomberedza, nokumutarira, Nokumuchengeta semboni yeziso rake; Segondo rinomutsa vana varo, Richiengerera pamusoro pavana varo, Richitambanudza mapapiro aro, richivagamuchira, Richivabereka pamapapiro aro; Saizvozvo Jehovha, iye oga, wakamutungamirira, Kwakanga kusina mwari wokumwe kwaari. Wakamutasvisa panzvimbo dzakakwirira dzenyika, Wakadya michero yeminda; Wakamusvutidza uchi hunobva padombo, Namafuta anobva padombo romusarasara, Nomukaka wakafa wemhou, nomukaka wamakwai, Pamwechete namafuta amakwayana, Namakondohwe orudzi rwapaBhashani, nembudzi, Namafuta etsvo dzekoroni; Iwe wakanwa waini yeropa ramazambiringa.

Dhuteronomi 32:1-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Akati, “Matenga we-e teyai nzeve munzwe ndimbotaura newewo nyika teerera unzwe mazwi omuromo wangu. Chidzidziso changu chichaita zvokunaya semvura, nhauro yangu ichinyava pasi sedova, zviite semvura iri kunaya paruswiswi, serupfunhavachembere pazvimerwa zvose, nokuti ndava kuparidza zita raTenzi, nokupembedza ukuru hwaMwari wedu. Iye iDombo chairo kusimba! Pabasa rake hapana chinganatsiridzwe nokuti maitiro ake ane ruenzaniso. Mwari ndiMwari anotendeseka asina chakaipa maari; ndiMwari akarurama, Mwari ari pachokwadi. Asi imi hamuna kutendeseka kwaari, hamukodzeri kuva vanhu vake. Ko ndomatsiviro amungaite Tenzi iwaya here? Imi mazipenzi avanhu, vanhu vasina pfungwa. Ko haasi iye here baba vako, vakakusika? Haasi iye here akaita kuti muve rudzi? Rangarira mazuva aye ekare, uyeuke makore aye ezvizvarwa nezvizvarwa; bvunza baba vako, vachakurondedzera, ubvunzewo vechikuru-chikuru, vachakutsanangurira. Wokumusorosoro paaigovera ndudzi nhaka dzadzo, achipa rudzi norudzi nyika nomuganho wayo; aipa maererano nouwandi hwavatumwa vaMwari. Asi iye Tenzi mugove waakazvisarudzira vanhu vake, Jakobho sorudzi, ndiye nhaka yake. Akamuwana munyika yegwenga, ari murenje riya rinongova maungira oga; Akavaunganidza, akavariritira, achivachengeta sezai regondo. Segondo rinogaririra manyana aro, richibhururuka zvaro nechepamusoro pedendere, richitambanudza mapapiro aro, nokutakura manyana aro, Tenzi pachake akamutungamirira, pasina vamwe vamwari. Akamupa nyika iri pakakwirira, akadya zvirimwa zvomuminda; akamuita kuti asvete zvake uchi hwomudombo, achiwana mafuta parukangarahwe. Kumombe, mukaka wakakora, kune zvimwe zvipfuwo, mukaka chete, vaine hwayana nehondohwe dzakakora, nemombe nembudzi dzokuBhashani, nekoroni ine hura dzakasvika chaizvo, wakanwa mhanga yewaini.

Dhuteronomi 32:1-14 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Inzwa iwe ɗeŋga, ndicataura; Nenyika ŋgainzwe mashoko omuromo waŋgu; Kudzidzisa kwaŋgu kucaɗonha semvura, Kutaura kwaŋgu kucayerera seɗoʋa, Seguti paɓumhudza nyoro, Sokupfunha kwemvura paʋuswa; Nokuti ndicaparidza zita raJehova; Rumbidzai ʋukuru bgaMŋari weɗu. Iye ndiro ɗombo, ɓasa rake rakakwana; Nokuti nzira dzake dzose dzakarurama. Ndiye Mŋari wakatendeka, usiŋganyeŋgeri, Wakarurama, ndowaɀokwaɗi. Ʋakamuitira ɀakashata, haʋazi ʋana ʋake, ndiko kuremara kwaʋo; Iʋo rudzi rwakatsauka, rwakakombama. Munoripira Jehova saiɀoɀo here, Nhai, imi mapenzi asina‐kuŋgwara? Ko haazi ɓaɓa ʋako ʋakakuɓereka here? Ndiye wakakuita, nokukusimbisa. Raŋgarira mazuʋa ekare, Fuŋga makore amarudzi mazhinji; Bvunza ɓaɓa ʋako, ndiʋo ʋacakuratidza; Naʋatana ʋako, ndiʋo ʋacakuʋudza. Wokuɗeŋga‐ɗeŋga ŋguʋa yaakapa ndudzi nhaka yadzo, Ŋguʋa yaakaparadzanisa ʋana ʋaʋanhu, Wakatema miganho yendudzi Aciraŋgarira kuwanda kwaʋana ʋaIsraeri. Nokuti mugoʋe waJehova ndiʋo ʋanhu ʋake; Jakobo ndiyo nhaka yake yakayerwa. Wakamuwana munyika yesaŋgo, Murenje risinecinhu, rinotyisa; Wakamukomberedza, nokumutarira, Nokumuceŋgeta semboni yeziso rake; Segondo rinomutsa ʋana ʋaro, Ricieŋgerera pamsoro paʋana ʋaro, Ricitambanudza mapapiro aro, riciʋagamucira, Riciʋaɓereka pamapapiro aro; Saiɀoɀo Jehova, iye oga, wakamutuŋgamirira, Kwakaŋga kusinamŋari wokumŋe kwaari. Wakamutaȿisa panɀimbo dzakakwirira dzenyika, Wakadya micero yeminda; Wakamuȿutidza ʋuci bgunobva paɗombo, Namafuta anobva paɗombo romusarasara, Nomukaka wakafa wemhou, nomukaka wamakwai, Pamŋe cete namafuta amakwaiana, Namakondobge orudzi rwapaBashani, nembudzi, Namafuta etȿo dzekoroni; Iwe wakanwa waini yeropa ramazambiriŋga.

Dhuteronomi 32:1-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)