Inzwa iwe ɗeŋga, ndicataura;
Nenyika ŋgainzwe mashoko omuromo waŋgu;
Kudzidzisa kwaŋgu kucaɗonha semvura,
Kutaura kwaŋgu kucayerera seɗoʋa,
Seguti paɓumhudza nyoro,
Sokupfunha kwemvura paʋuswa;
Nokuti ndicaparidza zita raJehova;
Rumbidzai ʋukuru bgaMŋari weɗu.
Iye ndiro ɗombo, ɓasa rake rakakwana;
Nokuti nzira dzake dzose dzakarurama.
Ndiye Mŋari wakatendeka, usiŋganyeŋgeri,
Wakarurama, ndowaɀokwaɗi.
Ʋakamuitira ɀakashata, haʋazi ʋana ʋake, ndiko kuremara kwaʋo;
Iʋo rudzi rwakatsauka, rwakakombama.
Munoripira Jehova saiɀoɀo here,
Nhai, imi mapenzi asina‐kuŋgwara?
Ko haazi ɓaɓa ʋako ʋakakuɓereka here?
Ndiye wakakuita, nokukusimbisa.
Raŋgarira mazuʋa ekare,
Fuŋga makore amarudzi mazhinji;
Bvunza ɓaɓa ʋako, ndiʋo ʋacakuratidza;
Naʋatana ʋako, ndiʋo ʋacakuʋudza.
Wokuɗeŋga‐ɗeŋga ŋguʋa yaakapa ndudzi nhaka yadzo,
Ŋguʋa yaakaparadzanisa ʋana ʋaʋanhu,
Wakatema miganho yendudzi
Aciraŋgarira kuwanda kwaʋana ʋaIsraeri.
Nokuti mugoʋe waJehova ndiʋo ʋanhu ʋake;
Jakobo ndiyo nhaka yake yakayerwa.
Wakamuwana munyika yesaŋgo,
Murenje risinecinhu, rinotyisa;
Wakamukomberedza, nokumutarira,
Nokumuceŋgeta semboni yeziso rake;
Segondo rinomutsa ʋana ʋaro,
Ricieŋgerera pamsoro paʋana ʋaro,
Ricitambanudza mapapiro aro, riciʋagamucira,
Riciʋaɓereka pamapapiro aro;
Saiɀoɀo Jehova, iye oga, wakamutuŋgamirira,
Kwakaŋga kusinamŋari wokumŋe kwaari.
Wakamutaȿisa panɀimbo dzakakwirira dzenyika,
Wakadya micero yeminda;
Wakamuȿutidza ʋuci bgunobva paɗombo,
Namafuta anobva paɗombo romusarasara,
Nomukaka wakafa wemhou, nomukaka wamakwai,
Pamŋe cete namafuta amakwaiana,
Namakondobge orudzi rwapaBashani, nembudzi,
Namafuta etȿo dzekoroni;
Iwe wakanwa waini yeropa ramazambiriŋga.