Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Deuteronomio 32:1-14

Deuteronomio 32:1-14 SUB1949

Inzwa iwe ɗeŋga, ndicataura; Nenyika ŋgainzwe mashoko omuromo waŋgu; Kudzidzisa kwaŋgu kucaɗonha semvura, Kutaura kwaŋgu kucayerera seɗoʋa, Seguti paɓumhudza nyoro, Sokupfunha kwemvura paʋuswa; Nokuti ndicaparidza zita raJehova; Rumbidzai ʋukuru bgaMŋari weɗu. Iye ndiro ɗombo, ɓasa rake rakakwana; Nokuti nzira dzake dzose dzakarurama. Ndiye Mŋari wakatendeka, usiŋganyeŋgeri, Wakarurama, ndowaɀokwaɗi. Ʋakamuitira ɀakashata, haʋazi ʋana ʋake, ndiko kuremara kwaʋo; Iʋo rudzi rwakatsauka, rwakakombama. Munoripira Jehova saiɀoɀo here, Nhai, imi mapenzi asina‐kuŋgwara? Ko haazi ɓaɓa ʋako ʋakakuɓereka here? Ndiye wakakuita, nokukusimbisa. Raŋgarira mazuʋa ekare, Fuŋga makore amarudzi mazhinji; Bvunza ɓaɓa ʋako, ndiʋo ʋacakuratidza; Naʋatana ʋako, ndiʋo ʋacakuʋudza. Wokuɗeŋga‐ɗeŋga ŋguʋa yaakapa ndudzi nhaka yadzo, Ŋguʋa yaakaparadzanisa ʋana ʋaʋanhu, Wakatema miganho yendudzi Aciraŋgarira kuwanda kwaʋana ʋaIsraeri. Nokuti mugoʋe waJehova ndiʋo ʋanhu ʋake; Jakobo ndiyo nhaka yake yakayerwa. Wakamuwana munyika yesaŋgo, Murenje risinecinhu, rinotyisa; Wakamukomberedza, nokumutarira, Nokumuceŋgeta semboni yeziso rake; Segondo rinomutsa ʋana ʋaro, Ricieŋgerera pamsoro paʋana ʋaro, Ricitambanudza mapapiro aro, riciʋagamucira, Riciʋaɓereka pamapapiro aro; Saiɀoɀo Jehova, iye oga, wakamutuŋgamirira, Kwakaŋga kusinamŋari wokumŋe kwaari. Wakamutaȿisa panɀimbo dzakakwirira dzenyika, Wakadya micero yeminda; Wakamuȿutidza ʋuci bgunobva paɗombo, Namafuta anobva paɗombo romusarasara, Nomukaka wakafa wemhou, nomukaka wamakwai, Pamŋe cete namafuta amakwaiana, Namakondobge orudzi rwapaBashani, nembudzi, Namafuta etȿo dzekoroni; Iwe wakanwa waini yeropa ramazambiriŋga.