Akati, “Matenga we-e teyai nzeve munzwe ndimbotaura
newewo nyika teerera unzwe mazwi omuromo wangu.
Chidzidziso changu chichaita zvokunaya semvura,
nhauro yangu ichinyava pasi sedova,
zviite semvura iri kunaya paruswiswi,
serupfunhavachembere pazvimerwa zvose,
nokuti ndava kuparidza zita raTenzi,
nokupembedza ukuru hwaMwari wedu.
Iye iDombo chairo kusimba!
Pabasa rake hapana chinganatsiridzwe
nokuti maitiro ake ane ruenzaniso.
Mwari ndiMwari anotendeseka
asina chakaipa maari;
ndiMwari akarurama,
Mwari ari pachokwadi.
Asi imi hamuna kutendeseka kwaari,
hamukodzeri kuva vanhu vake.
Ko ndomatsiviro amungaite Tenzi iwaya here?
Imi mazipenzi avanhu,
vanhu vasina pfungwa.
Ko haasi iye here baba vako, vakakusika?
Haasi iye here akaita kuti muve rudzi?
Rangarira mazuva aye ekare,
uyeuke makore aye ezvizvarwa nezvizvarwa;
bvunza baba vako, vachakurondedzera,
ubvunzewo vechikuru-chikuru, vachakutsanangurira.
Wokumusorosoro paaigovera ndudzi nhaka dzadzo,
achipa rudzi norudzi nyika nomuganho wayo;
aipa maererano nouwandi hwavatumwa vaMwari.
Asi iye Tenzi mugove waakazvisarudzira vanhu vake,
Jakobho sorudzi, ndiye nhaka yake.
Akamuwana munyika yegwenga,
ari murenje riya rinongova maungira oga;
Akavaunganidza, akavariritira,
achivachengeta sezai regondo.
Segondo rinogaririra manyana aro,
richibhururuka zvaro nechepamusoro pedendere,
richitambanudza mapapiro aro,
nokutakura manyana aro,
Tenzi pachake akamutungamirira,
pasina vamwe vamwari.
Akamupa nyika iri pakakwirira,
akadya zvirimwa zvomuminda;
akamuita kuti asvete zvake uchi hwomudombo,
achiwana mafuta parukangarahwe.
Kumombe, mukaka wakakora,
kune zvimwe zvipfuwo, mukaka chete,
vaine hwayana nehondohwe dzakakora,
nemombe nembudzi dzokuBhashani,
nekoroni ine hura dzakasvika chaizvo,
wakanwa mhanga yewaini.