Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 Madzimambo 13:14-20

2 Madzimambo 13:14-20 BDSC

Zvino Erisha akanga achirwadziwa nedenda iro rakazomuuraya. Jehoashi mambo weIsraeri akaendako kundomuona akachema pamusoro pake akati, “Baba vangu! Ngoro dzaIsraeri navatasvi vamabhiza!” Erisha akati, “Tora uta nemiseve,” iye akaita saizvozvo. Akati kuna mambo weIsraeri, “Tora uta muruoko rwako.” Akati atora uta, Erisha akaisa maoko ake pamusoro pamaoko amambo. Akati, “Zarura windo rokumabvazuva,” iye ndokurizarura. Erisha akati, “Pfura!” iye ndokupfura. Erisha akati, “Museve waJehovha wokukunda, museve wokukunda Aramu! Iwe uchaparadza vaAramu zvachose paAfeki.” Ipapo akati, “Chitora miseve,” mambo akaitora. Erisha akati kwaari, “Rova pasi,” iye akarova katatu akabva amira. Munhu waMwari akamutsamwira akati kwaari, “Wanga uchifanira kurova pasi kashanu kana katanhatu; ipapo waizokunda Aramu uye ugoiparadza zvachose. Asi zvino uchazongoikunda katatu chete.” Erisha akafa akavigwa. Zvino hondo dzavaMoabhu dzakanga dzichipinda munyika kutanga kwegore roga roga.