Zvino Erisha wakarwara nokurwara kwaakazofa nako, Joashi mambo weIsiraeri akaenda kwaari, akachema pamusoro pake, akati, “Baba vangu, baba vangu, ngoro yeIsiraeri navatasvi vamabhiza ayo!” Erisha akati kwaari, “Tora uta nemiseve;” akatora uta nemiseve. Akati kuna mambo waIsiraeri, “Isa ruoko rwako pauta;” iye akaisa ruoko rwake pauta. Erisha akaisa maoko ake pamusoro pamaoko ake. Akati, “Zarura windo rinotarira mabvazuva;” iye akarizarura. Zvino Erisha akati, “Fura!” Iye akafura. Akati, “Ndiwo museve waJehovha unokunda, ndiwo museve unokunda vaSiria; nokuti imi muchakunda vaSiria paAfeki, kusvikira mavaparadza.” Akati, “Tora miseve;” iye akatora. Akati kuna mambo weIsiraeri, “Rova pasi!” Iye akarova pasi katatu, akarega. Ipapo munhu waMwari akamutsamwira, akati, “Waifanira kurova kashanu kana katanhatu, ipapo waikunda vaSiria kusvikira wavaparadza chose; asi zvino uchakunda vaSiria katatu bedzi.” Erisha akafa, vakamuviga. Zvino hondo dzavaMoabhu dzikapinda munyika pakutanga kwegore.
Verenga chikamu 2 Madzimambo 13
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 2 Madzimambo 13:14-20
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo