Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 Madzimambo 13:14-20

2 Madzimambo 13:14-20 SNA2002

Zvino Erisha wakarwara nokurwara kwaakazofa nako, Joashi mambo weIsiraeri akaenda kwaari, akachema pamusoro pake, akati, “Baba vangu, baba vangu, ngoro yeIsiraeri navatasvi vamabhiza ayo!” Erisha akati kwaari, “Tora uta nemiseve;” akatora uta nemiseve. Akati kuna mambo waIsiraeri, “Isa ruoko rwako pauta;” iye akaisa ruoko rwake pauta. Erisha akaisa maoko ake pamusoro pamaoko ake. Akati, “Zarura windo rinotarira mabvazuva;” iye akarizarura. Zvino Erisha akati, “Fura!” Iye akafura. Akati, “Ndiwo museve waJehovha unokunda, ndiwo museve unokunda vaSiria; nokuti imi muchakunda vaSiria paAfeki, kusvikira mavaparadza.” Akati, “Tora miseve;” iye akatora. Akati kuna mambo weIsiraeri, “Rova pasi!” Iye akarova pasi katatu, akarega. Ipapo munhu waMwari akamutsamwira, akati, “Waifanira kurova kashanu kana katanhatu, ipapo waikunda vaSiria kusvikira wavaparadza chose; asi zvino uchakunda vaSiria katatu bedzi.” Erisha akafa, vakamuviga. Zvino hondo dzavaMoabhu dzikapinda munyika pakutanga kwegore.