2 Madzimambo 13:14-20
2 Madzimambo 13:14-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvino Erisha akanga achirwadziwa nedenda iro rakazomuuraya. Jehoashi mambo weIsraeri akaendako kundomuona akachema pamusoro pake akati, “Baba vangu! Ngoro dzaIsraeri navatasvi vamabhiza!” Erisha akati, “Tora uta nemiseve,” iye akaita saizvozvo. Akati kuna mambo weIsraeri, “Tora uta muruoko rwako.” Akati atora uta, Erisha akaisa maoko ake pamusoro pamaoko amambo. Akati, “Zarura windo rokumabvazuva,” iye ndokurizarura. Erisha akati, “Pfura!” iye ndokupfura. Erisha akati, “Museve waJehovha wokukunda, museve wokukunda Aramu! Iwe uchaparadza vaAramu zvachose paAfeki.” Ipapo akati, “Chitora miseve,” mambo akaitora. Erisha akati kwaari, “Rova pasi,” iye akarova katatu akabva amira. Munhu waMwari akamutsamwira akati kwaari, “Wanga uchifanira kurova pasi kashanu kana katanhatu; ipapo waizokunda Aramu uye ugoiparadza zvachose. Asi zvino uchazongoikunda katatu chete.” Erisha akafa akavigwa. Zvino hondo dzavaMoabhu dzakanga dzichipinda munyika kutanga kwegore roga roga.
2 Madzimambo 13:14-20 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Erisha wakarwara nokurwara kwaakazofa nako, Joashi mambo weIsiraeri akaenda kwaari, akachema pamusoro pake, akati, “Baba vangu, baba vangu, ngoro yeIsiraeri navatasvi vamabhiza ayo!” Erisha akati kwaari, “Tora uta nemiseve;” akatora uta nemiseve. Akati kuna mambo waIsiraeri, “Isa ruoko rwako pauta;” iye akaisa ruoko rwake pauta. Erisha akaisa maoko ake pamusoro pamaoko ake. Akati, “Zarura windo rinotarira mabvazuva;” iye akarizarura. Zvino Erisha akati, “Fura!” Iye akafura. Akati, “Ndiwo museve waJehovha unokunda, ndiwo museve unokunda vaSiria; nokuti imi muchakunda vaSiria paAfeki, kusvikira mavaparadza.” Akati, “Tora miseve;” iye akatora. Akati kuna mambo weIsiraeri, “Rova pasi!” Iye akarova pasi katatu, akarega. Ipapo munhu waMwari akamutsamwira, akati, “Waifanira kurova kashanu kana katanhatu, ipapo waikunda vaSiria kusvikira wavaparadza chose; asi zvino uchakunda vaSiria katatu bedzi.” Erisha akafa, vakamuviga. Zvino hondo dzavaMoabhu dzikapinda munyika pakutanga kwegore.
2 Madzimambo 13:14-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Erisha paakawirwa nedenda raizomutora, Joashi mambo weIsiraeri akadzikako kwaari akasvikochema paari achiti, “Baba vangu! Baba vangu kani! Ngoro dzamabhiza dzehondo dzeIsiraeri navachairi vadzo!” Erisha akati kwaari, “Torai uta nemiseve,” iye ndokutorawo uta nemuseve. Akati kuna mambo wokwaIsiraeri, “Torai uta hwenyu mutatamure.” Akahutatamura. Erisha ndokuisa maoko ake pamusoro pamaoko amambo akati, “Chizarurai hwindo rokumabvazuva.” Iye akarizarura. Erisha ndokuti, “Chipfurai.” Iye ndokupfuura. Erisha akabva ati, “Museve waTenzi wokununura, museve wokununura kuvaSiria! Ndinodaro nokuti mucharwisa vaSiria muAfeki kusvikira mavaparadza.” Erisha akati, “Torai miseve iyi.” Iye akaitora. Akati kuna mambo wokwaIsiraeri, “Rovai pasi nayo.” Iye akarova pasi nayo katatu ndokubva arega. Munhu waTenzi akamushatirirwa akati, “Mungadai matoparova kashanu kana katanhatu kese. Ndopamaizokwanisa kurova Siria kusvikira maiparadza. Asi zvino muchangorova Siria katatu chete.” Erisha akafa zvake vakamuviga. Zvikwata zvokupamba zvevaMoabhu zvaipota zvichiuya munyika umu mumwaka wepfumvunza.
2 Madzimambo 13:14-20 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Erisha wakarwara nokurwara kwaakazofa nako, Joashi mambo waIsraeri akaenda kwaari, akacema pamsoro pake, akati: Ƃaɓa ʋaŋgu, ɓaɓa ʋaŋgu, ŋgoro yaIsraeri naʋataȿi ʋamabiza ayo! Erisha akati kwaari: Tora ʋuta nemiseʋe; akatora ʋuta nemiseʋe. Akati kunamambo waIsraeri: Isa ruʋoko rwako paʋuta; iye akaisa ruʋoko rwake paʋuta. Erisha akaisa maʋoko ake pamsoro pamaʋoko ake. Akati: Zarura windi rinotarira mabvazuʋa; iye akarizarura. Ɀino Erisha akati: Fura! Iye akafura. Akati: Ndiwo museʋe waJehova unokunda, ndiwo museʋe unokunda ʋaSiria; nokuti imi mucakunda ʋaSiria paAfeki, kuȿikira maʋaparadza. Akati: Tora miseʋe; iye akaitora. Akati kunamambo waIsraeri: Roʋa pasi! Iye akaroʋa pasi katatu, akarega. Ipapo munhu waMŋari akamutsamŋira, akati: Waifanira kuroʋa kashanu kana katanhatu, ipapo waikunda ʋaSiria kuȿikira waʋaparadza cose; asi ɀino ucakunda ʋaSiria katatu ɓedzi. Erisha akafa, ʋakamuʋiga. Ɀino hondo dzaʋaMoabi dzikapinda munyika pakutaŋga kwegore.
2 Madzimambo 13:14-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)