Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 Madzimambo 13

13
Jehoahazi Mambo weIsraeri
1Mugore ramakumi maviri namatatu raJoashi mwanakomana waAhazia mambo weJudha, Jehoahazi mwanakomana waJehu akava mambo weIsraeri muSamaria, uye akatonga kwamakore gumi namanomwe. 2Akaita zvakaipa pamberi paJehovha nokutevera zvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, zvaakanga aita kuti vaIsraeri vaite, uye haana kutendeuka kubva pazvivi. 3Naizvozvo kutsamwa kwaJehovha kwakabvira somoto pamusoro peIsraeri, uye kwenguva yakareba akavaisa pasi poruoko rwaHazaeri mambo weAramu naBheni-Hadhadhi mwanakomana wake.
4Ipapo Jehoahazi akatsvaka nyasha dzaJehovha, Jehovha akamunzwa, nokuti akanga aona kuti mambo weAramu airwadzisa uye achitambudza Israeri zvakanyanya sei. 5Jehovha akamutsira Israeri mudzikinuri, uye vakapukunyuka kubva pasi poruoko rwavaAramu. Naizvozvo vaIsraeri vakagara mumisha yavo sezvavakanga vakaita kare. 6Asi havana kutendeuka kubva pazvivi zveimba yaJerobhoamu, zvaakanga aita kuti Israeri iite, vakarambira mazviri. Uyezve danda raAshera rakaramba rimire muSamaria.
7Hapana hondo yaJehoahazi yakasara kunze kwavarume vamabhiza makumi mashanu, nengoro gumi uye zviuru gumi zvavarwi vaifamba netsoka, nokuti mambo weAramu akanga aparadza vazhinji vavo akavaita seguruva renguva yokupura.
8Zvino zvimwe zvakaitwa pakutonga kwaJehoahazi, nezvose zvaakaita nokubudirira kwake, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzamadzimambo eIsraeri? 9Jehoahazi akazorora namadzibaba ake uye akavigwa muSamaria. Jehoashi mwanakomana wake akamutevera paumambo.
Jehoashi Mambo weIsraeri
10Mugore ramakumi matatu namanomwe raJoashi mambo weJudha, Jehoashi mwanakomana waJehoahazi akava mambo weIsraeri muSamaria, uye akatonga kwamakore gumi namatanhatu. 11Akaita zvakaipa pamberi paJehovha akasatendeuka kubva kana pane chimwe chezvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, zvaakaita kuti Israeri iite; akarambira mazviri.
12Zvino zvimwe zvakaitwa pakutonga kwaJehoashi, nezvose zvaakaita, nokubudirira kwake, pamwe nokurwa kwake naAmazia mambo weJudha, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzamadzimambo eIsraeri? 13Jehoashi akazorora namadzibaba ake, Jerobhoamu akamutevera pachigaro choushe. Jehoashi akavigwa muSamaria pamwe chete namadzimambo eIsraeri.
14Zvino Erisha akanga achirwadziwa nedenda iro rakazomuuraya. Jehoashi mambo weIsraeri akaendako kundomuona akachema pamusoro pake akati, “Baba vangu! Ngoro dzaIsraeri navatasvi vamabhiza!”
15Erisha akati, “Tora uta nemiseve,” iye akaita saizvozvo. 16Akati kuna mambo weIsraeri, “Tora uta muruoko rwako.” Akati atora uta, Erisha akaisa maoko ake pamusoro pamaoko amambo.
17Akati, “Zarura windo rokumabvazuva,” iye ndokurizarura. Erisha akati, “Pfura!” iye ndokupfura. Erisha akati, “Museve waJehovha wokukunda, museve wokukunda Aramu! Iwe uchaparadza vaAramu zvachose paAfeki.”
18Ipapo akati, “Chitora miseve,” mambo akaitora. Erisha akati kwaari, “Rova pasi,” iye akarova katatu akabva amira. 19Munhu waMwari akamutsamwira akati kwaari, “Wanga uchifanira kurova pasi kashanu kana katanhatu; ipapo waizokunda Aramu uye ugoiparadza zvachose. Asi zvino uchazongoikunda katatu chete.”
20Erisha akafa akavigwa.
Zvino hondo dzavaMoabhu dzakanga dzichipinda munyika kutanga kwegore roga roga. 21Rimwe zuva vaIsraeri vachiviga mumwe murume, pakarepo vakaona mapoka avapambi; naizvozvo vakakanda mutumbi womunhu uyu muguva raErisha. Mutumbi wakati wagunzva mapfupa aErisha, munhu uya akamuka akamira namakumbo ake.
22Hazaeri mambo weAramu akatambudza vaIsraeri pamazuva ose okutonga kwaJehoahazi. 23Asi Jehovha akavaitira nyasha, uye akava nengoni akava nehanya navo nokuda kwesungano yake naAbhurahama, naIsaka naJakobho. Kusvikira nhasi haana kuda kuvaparadza kana kuvarasira kure naye.
24Hazaeri mambo weAramu akafa, mwanakomana wake Bheni-Hadhadhi akamutevera paumambo. 25Ipapo Jehoashi mwanakomana waJehoahazi akatorazve kubva kuna Bheni-Hadhadhi mwanakomana waHazaeri maguta aakanga atora muhondo kubva kuna baba vake Jehoahazi. Jehoashi akamukunda katatu, nokudaro akadzorazve maguta avaIsraeri.

Zvasarudzwa nguva ino

2 Madzimambo 13: BDSC

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda